Mapisarema 21:1-13

  • Makomborero anopiwa mambo anovimba naJehovha

    • Mambo anopiwa upenyu hwakareba (4)

    • Vavengi vaMwari vachakundwa (8-12)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 21  Haiwa Jehovha, mambo anofara pamusana pesimba renyu;+Anofara zvikuru pamusana pemabasa enyu ekuponesa.+  2  Makamupa zvinodiwa nemwoyo wake,+Uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nemiromo yake. (Sera)  3  Nekuti munomuchingura nemakomborero akawanda;Munoisa korona yegoridhe rakanatswa pamusoro wake.+  4  Akakukumbirai upenyu, mukamupa,+Upenyu hwakareba,* nariini nariini.  5  Mabasa enyu ekuponesa anoita kuti akudzwe zvikuru.+ Munoisa paari kuremekedzwa nekubwinya.  6  Munoita kuti akomborerwe nekusingaperi;+Munoita kuti afadzwe nemufaro uri pachiso chenyu.+  7  Nekuti mambo anovimba naJehovha;+Haazozununguswi*+ nekuti Wekumusorosoro ane rudo rusingachinji.  8  Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vese;Ruoko rwenyu rwerudyi ruchawana vaya vanokuvengai.  9  Muchaita kuti vave sechoto chine moto kana nguva yasvika yekuti muvaongorore. Jehovha achavamedza akatsamwa, uye moto uchavaparadza.+ 10  Muchaparadza vazukuru vavo* panyika,Nevana vavo pavanakomana vevanhu. 11  Nekuti vaida kukuitirai zvakaipa;+Vakaronga mazano asingazobudiriri.+ 12  Nekuti muchaita kuti vadzokere shure+Nekunongedzera uta hwenyu kwavari.* 13  Simukai musimba renyu, haiwa Jehovha. Tichaimba tichirumbidza simba renyu guru.

Mashoko Emuzasi

^ ChiHeb., “Mazuva mazhinji.”
^ Kana kuti “Haazodzedzereki.”
^ ChiHeb., “zvibereko zvavo.”
^ ChiHeb., “kuzviso zvavo.”