Mapisarema 123:1-4

  • Kutsvaga kunzwirwa nyasha naJehovha

    • ‘Sevashandi, tinotarisa kuna Jehovha’ (2)

    • ‘Tanzwa nekuzvidzwa’ (3)

Rwiyo Rwekukwidza. 123  Ndinosimudza maziso angu ndichitarisa kwamuri,+Imi munogara pachigaro cheumambo kumatenga.   Sekutarisa kunoita maziso evashandi ruoko rwatenzi wavo,Uye maziso emushandikadzi ruoko rwatenzikadzi wake,Maziso edu anotarisawo kuna Jehovha Mwari wedu+Kusvikira atinzwira nyasha.+   Tinzwireiwo nyasha, Jehovha, tinzwireiwo nyasha,Nekuti tanzwa nekuzvidzwa.+   Tanzwa* nekunyombwa nevanhu vanozvikudzaUye tanzwa nekuzvidzwa nevanhu vanozvitutumadza.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya yedu yanzwa.”