Mapisarema 123:1-4
Rwiyo Rwekukwidza.
123 Ndinosimudza maziso angu ndichitarisa kwamuri,+Imi munogara pachigaro cheumambo kumatenga.
2 Sekutarisa kunoita maziso evashandi ruoko rwatenzi wavo,Uye maziso emushandikadzi ruoko rwatenzikadzi wake,Maziso edu anotarisawo kuna Jehovha Mwari wedu+Kusvikira atinzwira nyasha.+
3 Tinzwireiwo nyasha, Jehovha, tinzwireiwo nyasha,Nekuti tanzwa nekuzvidzwa.+
4 Tanzwa* nekunyombwa nevanhu vanozvikudzaUye tanzwa nekuzvidzwa nevanhu vanozvitutumadza.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Mweya yedu yanzwa.”