Mapisarema 88:1-18
Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.+ Kumutungamiriri; runoimbwa nemutinhimira weMaharati* ruchiita zvekushaurwa vamwe vachidavira. Maskiri* yaHemani+ muEzrahi.
88 Haiwa Jehovha, Mwari weruponeso rwangu,+Ndinochema masikati,Uye ndinouya pamberi penyu usiku.+
2 Munyengetero wangu ngausvike kwamuri,+Rerekai nzeve yenyu munzwe* kuchemera kwangu kubatsirwa.+
3 Nekuti mweya* wangu wazadzwa nematambudziko,+Uye upenyu hwangu hwava pedyo nekupinda muGuva.*+
4 Ndava kutoverengwa pakati pevaya vari kudzika mugomba;*+Ndava murume asina zvaanobatsira,*+
5 Asiyiwa pakati pevanhu vakafaSevaya vanenge vaurayiwa varere muguva,VamusisayeukiUye vakaparadzaniswa neruoko rwenyu.
6 Makandiisa mugomba rakadzikisa,Munzvimbo dzine rima, mugomba guru rakadzikadzika.
7 Hasha dzenyu dzinondiremera,+Uye masaisai enyu ane simba anondifukidza. (Sera)
8 Makadzingira shamwari dzangu kure neni;+Makaita kuti vandione sechinhu chinosemesa.
Ndakavharirwa uye handigoni kutiza.
9 Ziso rangu raneta pamusana pekutambudzika kwangu.+
Ndinoswera ndichishevedzera kwamuri, haiwa Jehovha;+Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
10 Muchaitira zvishamiso vakafa here?
Vaya vasina simba vari murufu vangasimuka kuti vakurumbidzei here?+ (Sera)
11 Rudo rwenyu rusingachinji rungaziviswa muguva here,Uye kutendeka kwenyu kungaziviswa munzvimbo yekuparadzwa* here?
12 Zvishamiso zvenyu zvichazivikanwa murima here?
Kururama kwenyu kuchazivikanwa munyika yekusaziva here?+
13 Asi ndichiri kuchema kwamuri kuti mundibatsire, haiwa Jehovha,+Mangwanani ega ega munyengetero wangu unouya pamberi penyu.+
14 Haiwa Jehovha, nei muchindiramba?*+
Nei muchindivanzira chiso chenyu?+
15 Kubvira paudiki hwangu,Ndaitambura uye ndaisvika pedyo nekufa;+Handichaziva zvekuita pamusana pezvinhu zvakaipa zvamuri kubvumira kuti zvinditambudze.
16 Hasha dzenyu dzinopisa dzinondikurira;+Ndiri kuparadzwa nezvamunoita zvinotyisa.
17 Zvinoswera zvakandikomberedza semvura;Zvinondifukidza zvichibva nekumativi ese.*
18 Makadzingira shamwari dzangu nevamwe vangu kure neni;+Rima ndiro rava mumwe wangu.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Kotamai munzwewo.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “semurume asina simba.”
^ Kana kuti “muguva.”
^ Kana kuti “muAbhadhoni.”
^ Kana kuti “muchiramba mweya wangu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Zvinondifukidza pamwe chete.”