Mapisarema 88:1-18

  • Munyengetero wekukumbira kudzivirirwa parufu

    • “Upenyu hwangu hwava pedyo nekupinda muGuva” (3)

    • ‘Mangwanani ega ega ndinonyengetera kwamuri’ (13)

Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.+ Kumutungamiriri; runoimbwa nemutinhimira weMaharati* ruchiita zvekushaurwa vamwe vachidavira. Maskiri* yaHemani+ muEzrahi. 88  Haiwa Jehovha, Mwari weruponeso rwangu,+Ndinochema masikati,Uye ndinouya pamberi penyu usiku.+   Munyengetero wangu ngausvike kwamuri,+Rerekai nzeve yenyu munzwe* kuchemera kwangu kubatsirwa.+   Nekuti mweya* wangu wazadzwa nematambudziko,+Uye upenyu hwangu hwava pedyo nekupinda muGuva.*+   Ndava kutoverengwa pakati pevaya vari kudzika mugomba;*+Ndava murume asina zvaanobatsira,*+   Asiyiwa pakati pevanhu vakafaSevaya vanenge vaurayiwa varere muguva,VamusisayeukiUye vakaparadzaniswa neruoko rwenyu.   Makandiisa mugomba rakadzikisa,Munzvimbo dzine rima, mugomba guru rakadzikadzika.   Hasha dzenyu dzinondiremera,+Uye masaisai enyu ane simba anondifukidza. (Sera)   Makadzingira shamwari dzangu kure neni;+Makaita kuti vandione sechinhu chinosemesa. Ndakavharirwa uye handigoni kutiza.   Ziso rangu raneta pamusana pekutambudzika kwangu.+ Ndinoswera ndichishevedzera kwamuri, haiwa Jehovha;+Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri. 10  Muchaitira zvishamiso vakafa here? Vaya vasina simba vari murufu vangasimuka kuti vakurumbidzei here?+ (Sera) 11  Rudo rwenyu rusingachinji rungaziviswa muguva here,Uye kutendeka kwenyu kungaziviswa munzvimbo yekuparadzwa* here? 12  Zvishamiso zvenyu zvichazivikanwa murima here? Kururama kwenyu kuchazivikanwa munyika yekusaziva here?+ 13  Asi ndichiri kuchema kwamuri kuti mundibatsire, haiwa Jehovha,+Mangwanani ega ega munyengetero wangu unouya pamberi penyu.+ 14  Haiwa Jehovha, nei muchindiramba?*+ Nei muchindivanzira chiso chenyu?+ 15  Kubvira paudiki hwangu,Ndaitambura uye ndaisvika pedyo nekufa;+Handichaziva zvekuita pamusana pezvinhu zvakaipa zvamuri kubvumira kuti zvinditambudze. 16  Hasha dzenyu dzinopisa dzinondikurira;+Ndiri kuparadzwa nezvamunoita zvinotyisa. 17  Zvinoswera zvakandikomberedza semvura;Zvinondifukidza zvichibva nekumativi ese.* 18  Makadzingira shamwari dzangu nevamwe vangu kure neni;+Rima ndiro rava mumwe wangu.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Kotamai munzwewo.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “semurume asina simba.”
Kana kuti “muguva.”
Kana kuti “muAbhadhoni.”
Kana kuti “muchiramba mweya wangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Zvinondifukidza pamwe chete.”