Mapisarema 7:1-17

  • Jehovha Mutongi akarurama

    • “Nditongeiwo, Jehovha” (8)

Rwiyo rwaDhavhidhi rwekushungurudzika,* rwaakaimbira Jehovha nezvemashoko aKushi muBhenjamini. 7  Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakapotera kwamuri.+ Ndiponesei pane vese vanonditambudza, mundinunure.+   Mukasadaro vachandibvambura-bvambura* sezvinoita shumba,+Vachienda neni pasina anondinunura.   Haiwa Jehovha Mwari wangu, kana ndiri ini ndakatadza,Kana ndakaita zvisina kururama,   Kana ndakatadzira munhu aindiitira zvakanaka,+Kana kuti, kana ndakapamba zvinhu zvemuvengi wangu pasina chikonzero,*   Muvengi ngaandidzingirire andibate;*Ngaatsike-tsike upenyu hwangu panyika,Aite kuti kukudzwa kwangu kuparare muguruva. (Sera)   Haiwa Jehovha, simukai makatsamwa;Simukai murwisane nevavengi vangu+ vakatsamwa;Mukai muite kuti nditongwe zvakarurama.+   Marudzi ngaakukombei;Uye muchaarwisa muri kumusoro.   Jehovha achapa mutongo pamarudzi.+ Nditongeiwo, Jehovha, zvinoenderana nekururama kwanguUye zvinoenderana nekuperera kwangu+ kwamuri.   Ndapota gumisai zvakaipa zvevakaipa. Asi simbisai vakarurama,+Sezvo muri Mwari akarurama+ anoongorora mwoyo+ uye pfungwa dzakadzama.*+ 10  Mwari inhoo yangu,+ Muponesi wevaya vane mwoyo wakarurama.+ 11  Mwari Mutongi akarurama,+Uye Mwari anozivisa mitongo yake mazuva ese. 12  Kana munhu asingapfidzi,+ Mwari anorodza bakatwa rake;+Anosunga uta hwake ohukunga.+ 13  Anogadzirira zvombo zvake zvekuurayisa;Anogadzirira miseve yake inopfuta.+ 14  Tarisai munhu ane pamuviri pezvakaipa;Anobata pamuviri pematambudziko uye anozvara nhema.+ 15  Anofukunura gomba, orichera kuti ridzike,Asi anowira mugomba racho raakachera.+ 16  Matambudziko aanokonzera achadzoka pamusoro pake;+Zvinhu zvemhirizhonga zvaanoita zvichawira panhongonya yake. 17  Ndicharumbidza Jehovha nekuti anotonga zvakarurama;+Ndichaimba ndichirumbidza zita raJehovha+ Wekumusorosoro.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rwekuchema.”
Kana kuti “vachabvambura-bvambura mweya wangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndichisiya uya anondivenga pasina chikonzero.”
Kana kuti “ngaadzingirire abate mweya wangu.”
Kana kuti “anoedza mwoyo neitsvo.”