Mapisarema 84:1-12
Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
84 Chokwadi tebhenekeri yenyu huru yakanaka,+Haiwa Jehovha wemauto!
2 Ini ndasuwa,*Chokwadi ndasuwa zvikuruZvivanze zvaJehovha.+
Mwoyo wangu nenyama yangu zvinopembera nemufaro kuna Mwari mupenyu.
3 Kunyange shiri inowana pekugara ikokoUye nyenganyenga* yakazvivakira dendere,Mainochengeta manyana ayoPedyo neatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto,Mambo wangu naMwari wangu!
4 Vanofara vaya vanogara mumba menyu!+
Vanoramba vachikurumbidzai.+ (Sera)
5 Vanofara vanhu vanowana simba ravo mamuri,+Vane mwoyo inofunga nezvemigwagwa mikuru.
6 Pavanopfuura nemuBani reBheka,*Vanorichinja kuva nzvimbo yezvitubu zvemvura;Uye mvura inotanga kunaya inoripfekedza makomborero.
7 Vanoramba vachifamba, simba ravo richiwedzera;+Mumwe nemumwe anozviratidza pamberi paMwari muZiyoni.
8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, inzwai munyengetero wangu;Teererai, haiwa Mwari waJakobho. (Sera)
9 Onai, imi nhoo yedu,+ uye Mwari wedu,*Onai chiso chemuzodziwa wenyu.+
10 Nekuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo!+
Ndinosarudza kumira pamusuo weimba yaMwari wanguPane kugara mumatende ezvakaipa.
11 Nekuti Jehovha Mwari izuva+ nenhoo;+Anonzwira nyasha uye anopa rukudzo.
Jehovha haazonyimi chero chinhu chipi zvacho chakanakaVaya vanofamba vakaperera kwaari.+
12 Haiwa Jehovha wemauto,Anofara munhu anovimba nemi.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Mweya wangu wasuwa.”
^ Kana kuti “mherepere.”
^ Kana kuti “nemubani remakwenzi emibheka.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Tarisai nhoo yedu, haiwa Mwari.”