Mapisarema 84:1-12

  • Kusuwa tebhenekeri yaMwari huru

    • MuRevhi anoshuva kuti dai ari shiri (3)

    • “Zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu” (10)

    • “Mwari izuva nenhoo” (11)

Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ 84  Chokwadi tebhenekeri yenyu huru yakanaka,+Haiwa Jehovha wemauto!   Ini ndasuwa,*Chokwadi ndasuwa zvikuruZvivanze zvaJehovha.+ Mwoyo wangu nenyama yangu zvinopembera nemufaro kuna Mwari mupenyu.   Kunyange shiri inowana pekugara ikokoUye nyenganyenga* yakazvivakira dendere,Mainochengeta manyana ayoPedyo neatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto,Mambo wangu naMwari wangu!   Vanofara vaya vanogara mumba menyu!+ Vanoramba vachikurumbidzai.+ (Sera)   Vanofara vanhu vanowana simba ravo mamuri,+Vane mwoyo inofunga nezvemigwagwa mikuru.   Pavanopfuura nemuBani reBheka,*Vanorichinja kuva nzvimbo yezvitubu zvemvura;Uye mvura inotanga kunaya inoripfekedza makomborero.   Vanoramba vachifamba, simba ravo richiwedzera;+Mumwe nemumwe anozviratidza pamberi paMwari muZiyoni.   Haiwa Jehovha Mwari wemauto, inzwai munyengetero wangu;Teererai, haiwa Mwari waJakobho. (Sera)   Onai, imi nhoo yedu,+ uye Mwari wedu,*Onai chiso chemuzodziwa wenyu.+ 10  Nekuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo!+ Ndinosarudza kumira pamusuo weimba yaMwari wanguPane kugara mumatende ezvakaipa. 11  Nekuti Jehovha Mwari izuva+ nenhoo;+Anonzwira nyasha uye anopa rukudzo. Jehovha haazonyimi chero chinhu chipi zvacho chakanakaVaya vanofamba vakaperera kwaari.+ 12  Haiwa Jehovha wemauto,Anofara munhu anovimba nemi.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu wasuwa.”
Kana kuti “mherepere.”
Kana kuti “nemubani remakwenzi emibheka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Tarisai nhoo yedu, haiwa Mwari.”