Mapisarema 104:1-35

  • Kurumbidza Mwari nekuda kwezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa

    • Nyika icharamba iripo nekusingaperi (5)

    • Waini nechingwa zvekuti vanhu vadye nekunwa (15)

    • “Mabasa enyu akawanda chaizvo!” (24)

    • ‘Kana simba reupenyu rikabviswa, zvinofa’ (29)

104  Regai ndirumbidze* Jehovha.+ Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.+ Makapfeka ukuru* nekubwinya.+  2  Makaputirwa nechiedza+ sekunge makaputirwa nechipfeko;Munotambanudza matenga sejira retende.+  3  Anomisa matanda edzimba dzake dzepamusoro mumvura iri kumusoro,+Achiita kuti makore ave ngoro yake,+Achifamba ari pamapapiro emhepo.+  4  Anoita kuti ngirozi dzake dzive nesimba,*Vashumiri vake vave moto unoparadza.+  5  Akamisa nyika panheyo dzayo;+Haizombobviswi panzvimbo payo* nariini nariini.+  6  Makaifukidza nemvura yakadzika sekunge yakafukidzwa nechipfeko.+ Mvura yakamira pamusoro pemakomo.  7  Pamakaituka yakatiza;+Pakanzwika kutinhira kwenyu, yakavhunduka ikatiza,  8  Makomo achikwira+ uye mapani achidzika,Iyo ichienda kunzvimbo yamakaigadzirira.  9  Makaisa muganhu waisingafaniri kupfuura,+Kuti isazofukidza nyika zvakare. 10  Anotuma zvitubu mumipata;Zvinoyerera nepakati pemakomo. 11  Zvinopa mhuka dzese dzemusango mvura;Madhongi emusango anopedza nyota yawo. 12  Shiri dzedenga dzinogara pamusoro pazvo;Dzinoimba dziri mumashizha emiti akasvibira. 13  Iye anodiridza makomo ari mudzimba dzake dzepamusoro.+ Nyika inogutswa nezvibereko zvemabasa enyu.+ 14  Anomeresera mombe uswaUye miti yekuti vanhu vashandise,+Kuti varime zvekudya panyika 15  Newaini inoita kuti mwoyo wemunhu ufare,+Mafuta anopenyesa chiso,Nechingwa chinosimbisa mwoyo wemunhu.+ 16  Miti yaJehovha inogutswa,Misidhari yekuRebhanoni yaakadyara, 17  Munovakira shiri matendere. Imba yeshuramurove+ iri mumiti yemijunipa. 18  Makomo marefu ndeembudzi dzemumakomo;+Mabwe inzvimbo yekupotera yembira.+ 19  Akaita kuti mwedzi utare nguva;Zuva rinonyatsoziva nguva yaro yekuvira.+ 20  Munounza rima kwobva kwasviba,+Mhuka dzese dzemusango dzotanga kufamba-famba. 21  Shumba dzine simba* dzinodzvova dzichitsvaga nyama+Uye dzinotsvaga zvekudya zvadzo kuna Mwari.+ 22  Zuva parinobuda,Dzinodzokera dzonorara mumapako adzo. 23  Munhu anoenda kubasa kwake,Uye anoshanda kusvikira manheru. 24  Haiwa Jehovha, mabasa enyu akawanda chaizvo!+ Makaaita ese neuchenjeri.+ Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita. 25  Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo,Rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.+ 26  Ngarava dzinofamba imomo,Uye Revhiatani,*+ yamakasika kuti itambire imomo. 27  Zvese zvinokumiriraiKuti muzvipe zvekudya zvazvo mumwaka wazvo.+ 28  Zvinounganidza zvamunozvipa.+ Pamunovhura ruoko rwenyu, zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.+ 29  Pamunovanza chiso chenyu, zvinonetseka. Kana mukabvisa simba razvo reupenyu,* zvinofa, zvodzokera kuguruva.+ 30  Mukatuma mweya wenyu, izvo zvinosikwa,+Uye munoita kuti pasi pave patsva zvakare. 31  Kubwinya kwaJehovha kucharamba kuripo nekusingaperi. Jehovha achafarira mabasa ake.+ 32  Anotarisa nyika, yodedera;Anobata makomo, opfungaira.+ 33  Ndichaimbira Jehovha+ upenyu hwangu hwese;Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu* chero bedzi ndiri mupenyu.+ 34  Zvandinofunga ngazvimufadze.* Ini ndichafara muna Jehovha. 35  Vatadzi vachanyangarika panyika,Uye vakaipa vachange vasisipo.+ Regai ndirumbidze* Jehovha. Rumbidzai Jah!*

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “kukudzwa.”
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
^ Kana kuti “dzive mweya ine simba.”
^ Kana kuti “Haizombozununguswi.”
^ Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”
^ Kana kuti “mweya wazvo.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Ndicharidzira Mwari wangu rwiyo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Kufungisisa kwangu nezvake ngakuve kunofadza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.