Mapisarema 52:1-9

  • Kuvimba nerudo rwaMwari rusingachinji

    • Vanozvirumbidza nezvakaipa vanonyeverwa (1-5)

    • Vanhu vasingadi Mwari vanovimba nepfuma (7)

Kumutungamiriri. Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi, pakaenda Dhoegi muEdhomu kunoudza Sauro kuti Dhavhidhi akanga auya kumba kwaAhimereki.+ 52  Unozvirumbidzirei pamusoro pemabasa ako akaipa, nhai iwe ane simba?+ Rudo rwaMwari rusingachinji ruripo zuva rese.+   Rurimi rwako rwakapinza sechisvo,+Runoronga zvakaipa uye runoita mabasa eunyengeri.+   Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka,Nhema kupfuura kutaura zvakarurama. (Sera)   Unoda shoko rese rakaipa,Iwe rurimi runonyengera!   Ndokusaka Mwari achakuwisira pasi zvachose;+Achakuhwapura okubvisa mutende rako;+Achakudzura munyika yevapenyu.+ (Sera)   Vakarurama vachazviona voshamiswa,+Uye vachamuseka.+   “Heuno murume asina kuita Mwari nzvimbo yake yekupotera,*+Asi akavimba nepfuma yake yakawanda+Uye akavimba nemazano* ake akaipa.”*   Asi ini ndichava semuorivhi wakasvibirira uri mumba maMwari;Ndinovimba nerudo rwaMwari rusingachinji,+ nariini nariini.   Ndichakurumbidzai nekusingaperi nekuda kwezvamakaita;+Pamberi pevanhu venyu vakavimbika,Ndichava netariro muzita renyu,+ nekuti rakanaka.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nhare yake.”
Kana kuti “akavanda mumazano.”
ChiHeb., “nematambudziko aakakonzera.”