Mapisarema 6:1-10
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo zvichiridzwa nemutinhimira weSheminiti.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
6 Haiwa Jehovha, musanditsiura makatsamwa,Musandiruramisa makashatirwa.+
2 Ndinzwireiwo nyasha* Jehovha, nekuti ndiri kupera simba.
Ndiporeseiwo Jehovha,+ nekuti mapfupa angu ari kudedera.
3 Ndiri* kunetseka chaizvo,+Uye kusvikira riini, nhai Jehovha?+
4 Dzokai, Jehovha, ndinunureiwo;*+Ndiponeseiwo nekuti mune rudo rusingachinji.+
5 Nekuti hapana anokutaurai* murufu;Ndiani achakurumbidzai muGuva?*+
6 Simba rangu rapera nekugomera kwangu;+Ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi usiku hwese;Pandinorara panoti chakwata nekuchema+ kwangu.
7 Ziso rangu raneta nenhamo;+Harichanyatsooni* nemhaka yevaya vari kunditambudza.
8 Ndisiyei, imi mese munoita zvakaipa,Nekuti Jehovha achanzwa kuchema kwangu.+
9 Jehovha achanzwa kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha;+
Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10 Vavengi vangu vese vachanyadziswa uye vachanetseka;Vachangoerekana vadonha nekunyara.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “tsitsi.”
^ Kana kuti “Mweya wangu uri.”
^ Kana kuti “nunuraiwo mweya wangu.”
^ Kana kuti “anokuyeukai.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Rachembera.”