Mapisarema 6:1-10

  • Kukumbira kunzwirwa nyasha

    • Vakafa havarumbidzi Mwari (5)

    • Mwari anonzwa zvikumbiro zvekunzwirwa nyasha (9)

Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo zvichiridzwa nemutinhimira weSheminiti.* Rwiyo rwaDhavhidhi. 6  Haiwa Jehovha, musanditsiura makatsamwa,Musandiruramisa makashatirwa.+   Ndinzwireiwo nyasha* Jehovha, nekuti ndiri kupera simba. Ndiporeseiwo Jehovha,+ nekuti mapfupa angu ari kudedera.   Ndiri* kunetseka chaizvo,+Uye kusvikira riini, nhai Jehovha?+   Dzokai, Jehovha, ndinunureiwo;*+Ndiponeseiwo nekuti mune rudo rusingachinji.+   Nekuti hapana anokutaurai* murufu;Ndiani achakurumbidzai muGuva?*+   Simba rangu rapera nekugomera kwangu;+Ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi usiku hwese;Pandinorara panoti chakwata nekuchema+ kwangu.   Ziso rangu raneta nenhamo;+Harichanyatsooni* nemhaka yevaya vari kunditambudza.   Ndisiyei, imi mese munoita zvakaipa,Nekuti Jehovha achanzwa kuchema kwangu.+   Jehovha achanzwa kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha;+ Jehovha achagamuchira munyengetero wangu. 10  Vavengi vangu vese vachanyadziswa uye vachanetseka;Vachangoerekana vadonha nekunyara.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “tsitsi.”
Kana kuti “Mweya wangu uri.”
Kana kuti “nunuraiwo mweya wangu.”
Kana kuti “anokuyeukai.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Rachembera.”