Mapisarema 79:1-13
Rwiyo rwaAsafi.+
79 Haiwa Mwari, marudzi apinda nechisimba munhaka yenyu;+Asvibisa temberi yenyu tsvene;+Aita kuti Jerusarema rive murwi wematongo.+
2 Apa shiri dzekudenga zvitunha zvevashumiri venyu kuti zvive zvekudya zvadzoUye apa mhuka dzesango nyama yevatsvene venyu.+
3 Adurura ropa ravo semvura muJerusarema rese,Uye hapana asara angavaviga.+
4 Tava kuzvidzwa nevavakidzani vedu;+Vaya vakatipoteredza vanotinyomba nekutiseka.
5 Haiwa Jehovha, mucharamba makashatirwa kusvikira riini? Nekusingaperi here?+
Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto kusvikira riini?+
6 Dururirai hasha dzenyu pamarudzi asingakuziveiUye paumambo husingadani zita renyu.+
7 Nekuti vaparadza Jakobho,Uye vaita kuti nyika yake ive dongo.+
8 Musaita kuti tizvidavirire pazvivi zvemadzitateguru edu.+
Kurumidzai kutinzwirawo tsitsi,+Nekuti taderedzwa zvikuru.
9 Tibatsirei, haiwa Mwari weruponeso rwedu,+Nekuda kwezita renyu rinokudzwa;Tinunurei uye kanganwirai* zvivi zvedu nekuda kwezita renyu.+
10 Nei marudzi achifanira kuti: “Mwari wavo ari kupi?”+
Itai kuti tizvione nemaziso edu marudzi achiratidzwaKuti ropa revashumiri venyu rakadeurwa ratsiviwa.+
11 Inzwaiwo kugomera kwemusungwa.+
Shandisai simba renyu* kuchengetedza* vaya vakatongerwa rufu.*+
12 Tsivai vavakidzani vedu zvakapetwa kanomwe+Nekuti vari kukuzvidzai, haiwa Jehovha.+
13 Kana zvadaro, isu vanhu venyu uye makwai emafuro enyu,+Tichakuongai nekusingaperi;Uye tichazivisa kurumbidzwa kwenyu kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “fukidzai.”
^ ChiHeb., “ruoko rwenyu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kusunungura.”
^ ChiHeb., “vanakomana verufu.”