Mapisarema 149:1-9
149 Rumbidzai Jah!*
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;+Murumbidzei muungano yevanhu vakavimbika.+
2 Israeri ngaafarire Muiti wake Mukuru;+Vanakomana veZiyoni ngavafarire Mambo wavo.
3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba,+Vachiimba vachimurumbidza,* vaine tambureni nerudimbwa.+
4 Nekuti Jehovha anofarira vanhu vake.+
Anoshongedza vanyoro neruponeso.+
5 Vakavimbika ngavafarire kwazvo kukudzwa kwavo;Ngavashevedzere vachifara vari pamibhedha yavo.+
6 Nziyo dzinorumbidza Mwari ngadzive pahuro dzavo,Uye mapakatwa anocheka nekwese ngaave mumaoko avo,
7 Kuti vatsive marudziUye varange marudzi,
8 Kuti vasunge madzimambo avo necheniUye vakuru vakuru vavo nezvisungo zvemumakumbo zvesimbi,
9 Kuti vavape mutongo wakanyorwa nezvavo wavakatongerwa.+
Kukudzwa uku ndekwevanhu vake vese vakavimbika.
Rumbidzai Jah!*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “Vachimuridzira rwiyo.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.