Mapisarema 149:1-9

  • Rwiyo rwekurumbidza kukunda kwaMwari

    • Mwari anofarira vanhu vake (4)

    • Kukudzwa ndekwevanhu vaMwari vakavimbika (9)

149  Rumbidzai Jah!* Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;+Murumbidzei muungano yevanhu vakavimbika.+   Israeri ngaafarire Muiti wake Mukuru;+Vanakomana veZiyoni ngavafarire Mambo wavo.   Ngavarumbidze zita rake vachitamba,+Vachiimba vachimurumbidza,* vaine tambureni nerudimbwa.+   Nekuti Jehovha anofarira vanhu vake.+ Anoshongedza vanyoro neruponeso.+   Vakavimbika ngavafarire kwazvo kukudzwa kwavo;Ngavashevedzere vachifara vari pamibhedha yavo.+   Nziyo dzinorumbidza Mwari ngadzive pahuro dzavo,Uye mapakatwa anocheka nekwese ngaave mumaoko avo,   Kuti vatsive marudziUye varange marudzi,   Kuti vasunge madzimambo avo necheniUye vakuru vakuru vavo nezvisungo zvemumakumbo zvesimbi,   Kuti vavape mutongo wakanyorwa nezvavo wavakatongerwa.+ Kukudzwa uku ndekwevanhu vake vese vakavimbika. Rumbidzai Jah!*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “Vachimuridzira rwiyo.”
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.