Mapisarema 131:1-3

  • Kugutsikana semwana akarumurwa

    • Kusaita shungu nezvinhu zvikurukuru (1)

Rwiyo Rwekukwidza. RwaDhavhidhi. 131  Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,Maziso angu haana manyawi;+Handina shungu nezvinhu zvikurukuru,+Kana zvinhu zvandisingakwanisi.   Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya* wangu+Semwana achangobva kurumurwa naamai vake;Ndinogutsikana* semwana akarumurwa.   Israeri ngaamirire Jehovha+Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu unogutsikana.”