Mapisarema 53:1-6
Kumutungamiriri; mutinhimira weMaharati.* Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
53 Benzi rinoti mumwoyo maro:*
“Jehovha haako.”+
Zviito zvavo zvisina kururama zvakaipa uye zvinosemesa;Hapana ari kuita zvakanaka.+
2 Asi Mwari anotarisa vanakomana vevanhu ari kudenga+Kuti aone kana paine munhu ane njere, kana paine munhu ari kutsvaga Jehovha.+
3 Vese vakatsauka;Vese vanongova neuori.
Hapana ari kuita zvakanaka,Kana mumwe chete zvake.+
4 Hapana kana anonzwisisa here pavanhu vanoita zvakaipa?
Vanodya vanhu vangu sekunge vari kudya chingwa.
Havadani kuna Jehovha.+
5 Asi vachabatwa nekutya kukuru,Kutya kwavasati vamboita,*Nekuti Mwari achaparadzira mapfupa evaya vari kukurwisa.
Uchavanyadzisa, nekuti Jehovha avaramba.
6 Dai ruponeso rwaIsraeri rwabva muZiyoni!+
Jehovha paanodzosa vanhu vake vakatapwa,Jakobho ngaafare, Israeri ngaapemberere.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Munhu asina njere anoti mumwoyo make.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Vachatya pasina chekutya.”

