Mapisarema 110:1-7

  • Mambo uye mupristi akaita saMerekizedheki

    • ‘Tonga pakati pevavengi vako’ (2)

    • Vechidiki vanozvipira vakaita semadonhwe edova (3)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 110  Jehovha akati kuna Ishe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi+Kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”+   Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZiyoni, achiti: “Pinda pakati pevavengi vako uchikunda.”+   Vanhu vako vachazvipira nemwoyo wese pazuva raunoenda neuto rako rehondo.* Muutsvene hunokudzwa, kubva muchibereko chemambakwedza,Iwe une chikwata chemajaya akaita semadonhwe edova.   Jehovha akapika mhiko, uye haazochinji mwoyo:* “Iwe uri mupristi nekusingaperi+Sezvakanga zvakaita Merekizedheki!”+   Jehovha achava kuruoko rwako rwerudyi;+Achapwanya madzimambo pazuva rekutsamwa kwake.+   Achapa marudzi mutongo;+Achazadza nyika nezvitunha.+ Achapwanya mutungamiriri* wenyika yakakura.*   Achanwa* mvura murwizi rwakatevedza mugwagwa. Saka acharamba akasimudza musoro wake.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “pazuva rinounganidzwa mauto ako.”
Kana kuti “haazozvidembi.”
ChiHeb., “musoro.”
Kana kuti “wenyika yese.”
Kureva “Ishe wangu” ari muvhesi .