Mapisarema 110:1-7
Rwiyo rwaDhavhidhi.
110 Jehovha akati kuna Ishe wangu:
“Gara kuruoko rwangu rwerudyi+Kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”+
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZiyoni, achiti:
“Pinda pakati pevavengi vako uchikunda.”+
3 Vanhu vako vachazvipira nemwoyo wese pazuva raunoenda neuto rako rehondo.*
Muutsvene hunokudzwa, kubva muchibereko chemambakwedza,Iwe une chikwata chemajaya akaita semadonhwe edova.
4 Jehovha akapika mhiko, uye haazochinji mwoyo:*
“Iwe uri mupristi nekusingaperi+Sezvakanga zvakaita Merekizedheki!”+
5 Jehovha achava kuruoko rwako rwerudyi;+Achapwanya madzimambo pazuva rekutsamwa kwake.+
6 Achapa marudzi mutongo;+Achazadza nyika nezvitunha.+
Achapwanya mutungamiriri* wenyika yakakura.*
7 Achanwa* mvura murwizi rwakatevedza mugwagwa.
Saka acharamba akasimudza musoro wake.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “pazuva rinounganidzwa mauto ako.”
^ Kana kuti “haazozvidembi.”
^ ChiHeb., “musoro.”
^ Kana kuti “wenyika yese.”
^ Kureva “Ishe wangu” ari muvhesi .