Mapisarema 35:1-28

  • Munyengetero wekukumbira kununurwa pavavengi

    • Vavengi vachadzingirwa kure (5)

    • Kurumbidza Mwari pakati pevanhu vazhinji (18)

    • Kuvengwa pasina chikonzero (19)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 35  Jehovha, ndimiririreiwo pane vaya vanopikisana neni;+Irwai nevaya vanorwisana neni.+   Torai nhoo yenyu diki* nenhoo huru,+Uye simukai mundirwire.+   Simudzai pfumo renyu nedemo renyu rehondo kuti murwise vari kunditevera.+ Itii kwandiri:* “Ndiri ruponeso rwako.”+   Vaya vari kuvhima upenyu hwangu* ngavanyadziswe vaninipiswe.+ Vaya vari kuronga kundiparadza ngavadzokere vachinyara.   Ngavaite sehundi iri kutorwa nemhepo;Ngirozi yaJehovha ngaivadzingire kure.+   Nzira yavo ngaive nerima uye ngaitsvedzePavanenge vachidzingirirwa nengirozi yaJehovha.   Nekuti vakavanza mambure ekunditeya pasina chikonzero;Vakandicherera* gomba pasina chikonzero.   Dambudziko ngariuye paari akarivara;Mambure ake aakavanza ngaamubate;Ngaawire maari aparadzwe.+   Asi ini ndichafara* muna Jehovha;Ndichapemberera mabasa ake ekuponesa. 10  Mapfupa angu ese achati: “Haiwa Jehovha, ndiani akaita semi? Munonunura vasina mubatsiri pavanhu vakasimba kuvapfuura;+Munonunura vasina mubatsiri uye varombo pavanhu vanovabira.”+ 11  Zvapupu zvinondirongera zvakaipa zvinouya+Zvichindibvunza zvandisingazivi. 12  Vanonditsiva nezvakaipa pazvakanaka zvandakaita,+Zvoita kuti ndinzwe sendafirwa. 13  Asi ivo pavairwara, ndakapfeka masaga;Ndakazvitambudza* ndichitsanya,Uye munyengetero wangu pawaidzoka usina kupindurwa,* 14  Ndaifamba-famba ndichichema sendafirwa neshamwari yangu kana hama yangu;Ndakakotama ndakasuruvara, semunhu ari kuchema amai vake. 15  Asi pandakagumburwa, vakafara uye vakaungana;Vakaungana kuti vandivandire vondirwisa;Vakandibvambura-bvambura uye havana kuramba vakanyarara. 16  Vanhu vasingadi Mwari vakandinyomba,*Vanorumanisa mazino avo vakanditsamwira.+ 17  Nhai Jehovha, mucharamba makangotarisa kusvikira riini?+ Ndinunurei* pakundirwisa kwavari kuita,+Nunurai upenyu hwangu hunokosha pashumba dzine simba.*+ 18  Ndichabva ndakuongai muungano yakakura;+Ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji. 19  Musarega vaya vanondivenga pasina chikonzero vachifarira nhamo yangu;Musaita kuti vaya vanondivenga pasina chikonzero+ vachonye maziso avo zveruvengo.+ 20  Nekuti havatauri mashoko erugare,Asi vanoronga zveunyengeri kuti vakuvadze vanhu vepanyika vane rugare.+ 21  Vanoshama muromo wavo vachinditsvinyira,Vachiti: “Tsvatu waro! Tsvatu waro! Maziso edu azviona.” 22  Makazviona haiwa Jehovha. Musaramba makanyarara.+ Haiwa Jehovha, musaramba muri kure neni.+ 23  Mukai, musimuke kuti mundidzivirire,Mwari wangu, Jehovha, ndimiririrei panyaya yangu iri kutongwa. 24  Nditongei maererano nekururama kwenyu,+ haiwa Jehovha Mwari wangu;Musaita kuti vafarire nhamo yangu. 25  Ngavarege kuudzana kuti: “Tsvatu waro! Zvataida zvazoitika.”* Ngavarege kuti: “Tamumedza.”+ 26  Itai kuti vese vanyadziswe uye vashaye pekupinda,Vaya vanofarira nhamo yangu. Vaya vanozvitutumadza ngavapfekedzwe nyadzi nekuninipiswa. 27  Asi itai kuti vaya vanofarira kururama kwangu vapembere nemufaro;Ngavarambe vachiti: “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira rugare rwemushumiri wake.”+ 28  Rurimi rwangu ruchabva rwarondedzera* nezvekururama kwenyu+Uye ruchakurumbidzai zuva rese.+

Mashoko Emuzasi

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
Kana kuti “kumweya wangu.”
Kana kuti “mweya wangu.”
Kana kuti “Vakacherera mweya wangu.”
Kana kuti “mweya wangu uchafara.”
Kana kuti “pawaizodzoka pachipfuva changu.”
Kana kuti “Ndakatambudza mweya wangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vanondinyomba kuti vapiwe keke.”
Kana kuti “Nunurai mweya wangu.”
Kana kuti “pashumba dzava nezenze.”
Kana kuti “Tsvatu waro! Mweya wedu.”
Kana kuti “rwafungisisa.”