Mapisarema 35:1-28
Rwiyo rwaDhavhidhi.
35 Jehovha, ndimiririreiwo pane vaya vanopikisana neni;+Irwai nevaya vanorwisana neni.+
2 Torai nhoo yenyu diki* nenhoo huru,+Uye simukai mundirwire.+
3 Simudzai pfumo renyu nedemo renyu rehondo kuti murwise vari kunditevera.+
Itii kwandiri:* “Ndiri ruponeso rwako.”+
4 Vaya vari kuvhima upenyu hwangu* ngavanyadziswe vaninipiswe.+
Vaya vari kuronga kundiparadza ngavadzokere vachinyara.
5 Ngavaite sehundi iri kutorwa nemhepo;Ngirozi yaJehovha ngaivadzingire kure.+
6 Nzira yavo ngaive nerima uye ngaitsvedzePavanenge vachidzingirirwa nengirozi yaJehovha.
7 Nekuti vakavanza mambure ekunditeya pasina chikonzero;Vakandicherera* gomba pasina chikonzero.
8 Dambudziko ngariuye paari akarivara;Mambure ake aakavanza ngaamubate;Ngaawire maari aparadzwe.+
9 Asi ini ndichafara* muna Jehovha;Ndichapemberera mabasa ake ekuponesa.
10 Mapfupa angu ese achati:
“Haiwa Jehovha, ndiani akaita semi?
Munonunura vasina mubatsiri pavanhu vakasimba kuvapfuura;+Munonunura vasina mubatsiri uye varombo pavanhu vanovabira.”+
11 Zvapupu zvinondirongera zvakaipa zvinouya+Zvichindibvunza zvandisingazivi.
12 Vanonditsiva nezvakaipa pazvakanaka zvandakaita,+Zvoita kuti ndinzwe sendafirwa.
13 Asi ivo pavairwara, ndakapfeka masaga;Ndakazvitambudza* ndichitsanya,Uye munyengetero wangu pawaidzoka usina kupindurwa,*
14 Ndaifamba-famba ndichichema sendafirwa neshamwari yangu kana hama yangu;Ndakakotama ndakasuruvara, semunhu ari kuchema amai vake.
15 Asi pandakagumburwa, vakafara uye vakaungana;Vakaungana kuti vandivandire vondirwisa;Vakandibvambura-bvambura uye havana kuramba vakanyarara.
16 Vanhu vasingadi Mwari vakandinyomba,*Vanorumanisa mazino avo vakanditsamwira.+
17 Nhai Jehovha, mucharamba makangotarisa kusvikira riini?+
Ndinunurei* pakundirwisa kwavari kuita,+Nunurai upenyu hwangu hunokosha pashumba dzine simba.*+
18 Ndichabva ndakuongai muungano yakakura;+Ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji.
19 Musarega vaya vanondivenga pasina chikonzero vachifarira nhamo yangu;Musaita kuti vaya vanondivenga pasina chikonzero+ vachonye maziso avo zveruvengo.+
20 Nekuti havatauri mashoko erugare,Asi vanoronga zveunyengeri kuti vakuvadze vanhu vepanyika vane rugare.+
21 Vanoshama muromo wavo vachinditsvinyira,Vachiti: “Tsvatu waro! Tsvatu waro! Maziso edu azviona.”
22 Makazviona haiwa Jehovha. Musaramba makanyarara.+
Haiwa Jehovha, musaramba muri kure neni.+
23 Mukai, musimuke kuti mundidzivirire,Mwari wangu, Jehovha, ndimiririrei panyaya yangu iri kutongwa.
24 Nditongei maererano nekururama kwenyu,+ haiwa Jehovha Mwari wangu;Musaita kuti vafarire nhamo yangu.
25 Ngavarege kuudzana kuti: “Tsvatu waro! Zvataida zvazoitika.”*
Ngavarege kuti: “Tamumedza.”+
26 Itai kuti vese vanyadziswe uye vashaye pekupinda,Vaya vanofarira nhamo yangu.
Vaya vanozvitutumadza ngavapfekedzwe nyadzi nekuninipiswa.
27 Asi itai kuti vaya vanofarira kururama kwangu vapembere nemufaro;Ngavarambe vachiti:
“Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira rugare rwemushumiri wake.”+
28 Rurimi rwangu ruchabva rwarondedzera* nezvekururama kwenyu+Uye ruchakurumbidzai zuva rese.+
Mashoko Emuzasi
^ Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
^ Kana kuti “kumweya wangu.”
^ Kana kuti “mweya wangu.”
^ Kana kuti “Vakacherera mweya wangu.”
^ Kana kuti “mweya wangu uchafara.”
^ Kana kuti “pawaizodzoka pachipfuva changu.”
^ Kana kuti “Ndakatambudza mweya wangu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vanondinyomba kuti vapiwe keke.”
^ Kana kuti “Nunurai mweya wangu.”
^ Kana kuti “pashumba dzava nezenze.”
^ Kana kuti “Tsvatu waro! Mweya wedu.”
^ Kana kuti “rwafungisisa.”