Mapisarema 59:1-17
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Pakatumwa varume naSauro kuti vanogaririra Dhavhidhi pamba pake vachida kumuuraya.+
59 Ndinunurei pavavengi vangu, haiwa Mwari wangu;+Ndidzivirirei pane vaya vari kundipandukira.+
2 Ndinunurei pavanhu vanoita zvakaipa,Uye ndiponesei pavarume vanoita zvemhirizhonga.*
3 Onai! Vakandihwandira;*+Varume vakasimba vanondirwisaIni ndisina kupanduka kana kuita chivi,+ haiwa Jehovha.
4 Kunyange ndisina chandakatadza, vanomhanya vogadzirira kundirwisa.
Simukai pandinoshevedzera muone.
5 Nekuti imi Jehovha Mwari wemauto, ndimi Mwari waIsraeri.+
Mukai muongorore marudzi ese.
Musanzwira tsitsi vatengesi vese vakaipa.+ (Sera)
6 Vanodzoka manheru ega ega;+Vanohon’a* sembwa+ uye vanonyangira vachipoterera guta.+
7 Onai zvinobuda mumiromo yavo;Miromo yavo yakaita semapakatwa,+Nekuti vanoti: “Ndiani ari kuteerera?”+
8 Asi imi, haiwa Jehovha, muchavaseka;+Muchanyomba marudzi ese.+
9 Haiwa imi Simba rangu, ndicharamba ndakakumirirai;+Nekuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yekupotera.*+
10 Mwari anondiratidza rudo rusingachinji achauya kuzondibatsira;+Mwari achaita kuti nditarise vavengi vangu ndavakunda.+
11 Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa.
Nesimba renyu itai kuti vadzungaire;Vawisirei pasi, haiwa Jehovha, nhoo yedu.+
12 Nemhaka yechivi chemuromo wavo, shoko remiromo yavo,Ngavabatwe nekuzvikudza kwavo,+Nemhaka yekutuka uye kunyengera kwavanoita vachitaura.
13 Vapedzisei makatsamwa;+Vapedzisei, kuti varege kuvapozve;Itai kuti vazive kuti Mwari ari kutonga pakati paJakobho kusvikira kumigumo yenyika.+ (Sera)
14 Ngavadzoke manheru;Ngavahon’e* sembwa, uye ngavanyangire vachipoterera guta.+
15 Ngavadzungaire vachitsvaga chekudya;+Musaita kuti vagute kana kuwana pekugara.
16 Asi kana ndiri ini ndichaimba nezvesimba renyu;+Mangwanani ndichataura ndichifara nezverudo rwenyu rusingachinji.
Nekuti muri nzvimbo yangu yekupotera+Uye nzvimbo yangu yekutizira pandinenge ndichitambudzika.+
17 Haiwa imi Simba rangu, ndichaimba ndichikurumbidzai,*+Nekuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yekupotera, Mwari anondiratidza rudo rusingachinji.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “vanoda zvekudeura ropa.”
^ Kana kuti “Vakahwandira mweya wangu.”
^ Kana kuti “Vanohukura.”
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Kana kuti “Ngavahukure.”
^ Kana kuti “ndichakuridzirai rwiyo.”