Mapisarema 59:1-17

  • Mwari, inhoo uye inzvimbo yekupotera

    • “Musanzwira tsitsi vatengesi” (5)

    • “Ndichaimba nezvesimba renyu” (16)

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Pakatumwa varume naSauro kuti vanogaririra Dhavhidhi pamba pake vachida kumuuraya.+ 59  Ndinunurei pavavengi vangu, haiwa Mwari wangu;+Ndidzivirirei pane vaya vari kundipandukira.+   Ndinunurei pavanhu vanoita zvakaipa,Uye ndiponesei pavarume vanoita zvemhirizhonga.*   Onai! Vakandihwandira;*+Varume vakasimba vanondirwisaIni ndisina kupanduka kana kuita chivi,+ haiwa Jehovha.   Kunyange ndisina chandakatadza, vanomhanya vogadzirira kundirwisa. Simukai pandinoshevedzera muone.   Nekuti imi Jehovha Mwari wemauto, ndimi Mwari waIsraeri.+ Mukai muongorore marudzi ese. Musanzwira tsitsi vatengesi vese vakaipa.+ (Sera)   Vanodzoka manheru ega ega;+Vanohon’a* sembwa+ uye vanonyangira vachipoterera guta.+   Onai zvinobuda mumiromo yavo;Miromo yavo yakaita semapakatwa,+Nekuti vanoti: “Ndiani ari kuteerera?”+   Asi imi, haiwa Jehovha, muchavaseka;+Muchanyomba marudzi ese.+   Haiwa imi Simba rangu, ndicharamba ndakakumirirai;+Nekuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yekupotera.*+ 10  Mwari anondiratidza rudo rusingachinji achauya kuzondibatsira;+Mwari achaita kuti nditarise vavengi vangu ndavakunda.+ 11  Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa. Nesimba renyu itai kuti vadzungaire;Vawisirei pasi, haiwa Jehovha, nhoo yedu.+ 12  Nemhaka yechivi chemuromo wavo, shoko remiromo yavo,Ngavabatwe nekuzvikudza kwavo,+Nemhaka yekutuka uye kunyengera kwavanoita vachitaura. 13  Vapedzisei makatsamwa;+Vapedzisei, kuti varege kuvapozve;Itai kuti vazive kuti Mwari ari kutonga pakati paJakobho kusvikira kumigumo yenyika.+ (Sera) 14  Ngavadzoke manheru;Ngavahon’e* sembwa, uye ngavanyangire vachipoterera guta.+ 15  Ngavadzungaire vachitsvaga chekudya;+Musaita kuti vagute kana kuwana pekugara. 16  Asi kana ndiri ini ndichaimba nezvesimba renyu;+Mangwanani ndichataura ndichifara nezverudo rwenyu rusingachinji. Nekuti muri nzvimbo yangu yekupotera+Uye nzvimbo yangu yekutizira pandinenge ndichitambudzika.+ 17  Haiwa imi Simba rangu, ndichaimba ndichikurumbidzai,*+Nekuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yekupotera, Mwari anondiratidza rudo rusingachinji.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vanoda zvekudeura ropa.”
Kana kuti “Vakahwandira mweya wangu.”
Kana kuti “Vanohukura.”
Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
Kana kuti “Ngavahukure.”
Kana kuti “ndichakuridzirai rwiyo.”