Mapisarema 81:1-16
Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwaAsafi.+
81 Pemberai muchifara kuna Mwari, iye simba redu.+
Shevedzerai muchirumbidza Mwari waJakobho.
2 Tangai kuridza mumhanzi uye torai tambureni,Rudimbwa rune mutinhimira unonakidza pamwe chete nechiridzwa chine tambo.
3 Ridzai hwamanda pakugara kwemwedzi,+Pajenaguru, pazuva remutambo wedu.+
4 Nekuti iwo murau waIsraeri,Mutongo wakapiwa naMwari waJakobho.+
5 Akaudzika kuti uve chiyeuchidzo chaJosefa+Paakaenda* kunorwisa nyika yeIjipiti.+
Ndakanzwa inzwi randakatadza* kuziva:
6 “Ndakabvisa mutoro papfudzi rake;+Maoko ake akasunungurwa pakubata tswanda.
7 Wakashevedzera pawaitambudzika, ndikakununura;+Ndakakupindura ndiri mugore raitinhira.*+
Ndakakuedza pamvura yeMeribha.*+ (Sera)
8 Inzwai, vanhu vangu, uye ndichakupomerai.
Haiwa iwe Israeri, kudai waingonditeerera hako.+
9 Pakati pako hapazovi nemumwe mwari,Uye hauzokotamiri mwari wekune imwe nyika.+
10 Ini, Jehovha, ndini Mwari wako,Akakubudisa munyika yeIjipiti.+
Shama muromo wako, uye ndichauzadza.+
11 Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu;Israeri akanga asingadi kuzviisa pasi pangu.+
12 Saka ndakavarega vachitevera mwoyo yavo yakaoma;Vakaita zvavaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*+
13 Kudai vanhu vangu vaingonditeerera havo,+Kudai Israeri aingofamba zvake munzira dzangu!+
14 Ndaizokunda vavengi vavo nekukurumidza;Ndaizorova mhandu dzavo neruoko rwangu.+
15 Vaya vanovenga Jehovha vachadedera pamberi pake,Uye dambudziko ravo richagara nekusingaperi.
16 Asi achakupa gorosi rakanaka* kuti udye,+Okugutsa neuchi hunobva mudombo.”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva, Mwari.
^ Kana kuti “mutauro wandakatadza.”
^ Kureva kuti “Kupopota.”
^ ChiHeb., “ndiri munzvimbo yakavanda yekutinhira.”
^ ChiHeb., “Vakafamba mumazano avo.”
^ ChiHeb., “mafuta egorosi.”