Mapisarema 81:1-16

  • Kukurudzirwa kuteerera

    • Musanamata vamwe vanamwari (9)

    • ‘Kudai maingoteerera’ (13)

Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwaAsafi.+ 81  Pemberai muchifara kuna Mwari, iye simba redu.+ Shevedzerai muchirumbidza Mwari waJakobho.   Tangai kuridza mumhanzi uye torai tambureni,Rudimbwa rune mutinhimira unonakidza pamwe chete nechiridzwa chine tambo.   Ridzai hwamanda pakugara kwemwedzi,+Pajenaguru, pazuva remutambo wedu.+   Nekuti iwo murau waIsraeri,Mutongo wakapiwa naMwari waJakobho.+   Akaudzika kuti uve chiyeuchidzo chaJosefa+Paakaenda* kunorwisa nyika yeIjipiti.+ Ndakanzwa inzwi randakatadza* kuziva:   “Ndakabvisa mutoro papfudzi rake;+Maoko ake akasunungurwa pakubata tswanda.   Wakashevedzera pawaitambudzika, ndikakununura;+Ndakakupindura ndiri mugore raitinhira.*+ Ndakakuedza pamvura yeMeribha.*+ (Sera)   Inzwai, vanhu vangu, uye ndichakupomerai. Haiwa iwe Israeri, kudai waingonditeerera hako.+   Pakati pako hapazovi nemumwe mwari,Uye hauzokotamiri mwari wekune imwe nyika.+ 10  Ini, Jehovha, ndini Mwari wako,Akakubudisa munyika yeIjipiti.+ Shama muromo wako, uye ndichauzadza.+ 11  Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu;Israeri akanga asingadi kuzviisa pasi pangu.+ 12  Saka ndakavarega vachitevera mwoyo yavo yakaoma;Vakaita zvavaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*+ 13  Kudai vanhu vangu vaingonditeerera havo,+Kudai Israeri aingofamba zvake munzira dzangu!+ 14  Ndaizokunda vavengi vavo nekukurumidza;Ndaizorova mhandu dzavo neruoko rwangu.+ 15  Vaya vanovenga Jehovha vachadedera pamberi pake,Uye dambudziko ravo richagara nekusingaperi. 16  Asi achakupa gorosi rakanaka* kuti udye,+Okugutsa neuchi hunobva mudombo.”+

Mashoko Emuzasi

Kureva, Mwari.
Kana kuti “mutauro wandakatadza.”
Kureva kuti “Kupopota.”
ChiHeb., “ndiri munzvimbo yakavanda yekutinhira.”
ChiHeb., “Vakafamba mumazano avo.”
ChiHeb., “mafuta egorosi.”