Mapisarema 50:1-23

  • Mwari anotonga pakati pevakavimbika nevakaipa

    • Sungano yaMwari pachishandiswa chibayiro (5)

    • “Mwari pachake ndiye Mutongi” (6)

    • Mhuka dzese ndedzaMwari (10, 11)

    • Mwari anofumura vakaipa (16-21)

Rwiyo rwaAsafi.+ 50  Jehovha,+ Mwari wavanamwari, ataura;Anoshevedza nyikaKubva zuva richibuda kusvikira ranyura.*   Mwari anoita kuti chiedza chipenye chichibva muZiyoni, guta rakakwana parunako.+   Mwari wedu achauya uye haagoni kuramba akanyarara.+ Pamberi pake pane moto unoparadza,+Uye dutu guru rine hasha rakamukomberedza.+   Anoshevedza denga riri kumusoro uye nyika,+Kuti atonge vanhu vake achiti:+   “Unganidzai vanhu vangu vakavimbika kwandiri,Vaya vari kuita sungano neni pachishandiswa chibayiro.”+   Matenga anozivisa nezvekururama kwake,Nekuti Mwari pachake ndiye Mutongi.+ (Sera)   “Teererai, imi vanhu vangu, ini nditaure;Iwe Israeri, ndichapupura ndichipokana newe.+ Ndini Mwari, iye Mwari wako.+   Handikutsiuri nekuda kwezvibayiro zvako,Kana kuti nekuda kwezvibayiro zvako zvinopiswa zvinogara zviri pamberi pangu.+   Handidi hangu mombe iri* pamusha pako,Kana mbudzi* dziri mumatanga ako.+ 10  Nekuti mhuka dzese dzemusango ndedzangu,+Kunyange mhuka dziri muzviuru zvemakomo. 11  Ndinoziva shiri dzese dzemumakomo;+Mhuka dzemusango dzisingagoni kuverengwa ndedzangu. 12  Kudai ndaiva nenzara, ndaisazokuudza,Nekuti nyika nezvese zviri mairi ndezvangu.+ 13  Ndingadya nyama yemombeUye ndinganwa ropa rembudzi here?+ 14  Ipa kuonga sechibayiro chako kuna Mwari,+Uye ripa mhiko dzako kune Wekumusorosoro;+ 15  Ndishevedze panguva yekutambudzika.+ Ndichakununura, uye uchandikudza.”+ 16  Asi Mwari achati kune munhu akaipa: “Une kodzero ipi yekurondedzera mirau yangu+Kana kuti yekutaura nezvesungano yangu?+ 17  Nekuti unovenga kurangwa,*Uye unoramba uchindipa gotsi ndichitaura newe.*+ 18  Paunoona mbavha, unobvumirana nezvainoita,*+Uye unoshamwaridzana nemhombwe. 19  Unoshandisa muromo wako kuparadzira zvakaipa,Uye kunyengera hakubvi parurimi rwako.+ 20  Unogara pasi wotaura zvakaipa nezvehama yako;+Unofumura zvikanganiso zvemwana* waamai vako. 21  Pawakaita zvinhu izvi, ndakaramba zvangu ndakanyarara,Saka wakafunga kuti ndaizongoita sewe. Asi iye zvino ndichakutsiura,Uye ndichakuudza zvawakakanganisa.+ 22  Funga izvi, iwe anokanganwa Mwari,+Kuti ndirege kukubvambura-bvambura pasina anokununura. 23  Munhu anopa kuonga sechibayiro chake ndiye anondikudza,+Uye kana ari uya anoramba ari munzira chaiyo,Ndichaita kuti aone ruponeso rwaMwari.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.”
ChiHeb., “mukono wemombe uri.”
ChiHeb., “nhongo.”
ChiHeb., “uchikandira mashoko angu kumashure kwako.”
Kana kuti “kurayirwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “unobatana nayo.”
Kana kuti, “Unosvibisa zita remwana.”