Mapisarema 50:1-23
Rwiyo rwaAsafi.+
50 Jehovha,+ Mwari wavanamwari, ataura;Anoshevedza nyikaKubva zuva richibuda kusvikira ranyura.*
2 Mwari anoita kuti chiedza chipenye chichibva muZiyoni, guta rakakwana parunako.+
3 Mwari wedu achauya uye haagoni kuramba akanyarara.+
Pamberi pake pane moto unoparadza,+Uye dutu guru rine hasha rakamukomberedza.+
4 Anoshevedza denga riri kumusoro uye nyika,+Kuti atonge vanhu vake achiti:+
5 “Unganidzai vanhu vangu vakavimbika kwandiri,Vaya vari kuita sungano neni pachishandiswa chibayiro.”+
6 Matenga anozivisa nezvekururama kwake,Nekuti Mwari pachake ndiye Mutongi.+ (Sera)
7 “Teererai, imi vanhu vangu, ini nditaure;Iwe Israeri, ndichapupura ndichipokana newe.+
Ndini Mwari, iye Mwari wako.+
8 Handikutsiuri nekuda kwezvibayiro zvako,Kana kuti nekuda kwezvibayiro zvako zvinopiswa zvinogara zviri pamberi pangu.+
9 Handidi hangu mombe iri* pamusha pako,Kana mbudzi* dziri mumatanga ako.+
10 Nekuti mhuka dzese dzemusango ndedzangu,+Kunyange mhuka dziri muzviuru zvemakomo.
11 Ndinoziva shiri dzese dzemumakomo;+Mhuka dzemusango dzisingagoni kuverengwa ndedzangu.
12 Kudai ndaiva nenzara, ndaisazokuudza,Nekuti nyika nezvese zviri mairi ndezvangu.+
13 Ndingadya nyama yemombeUye ndinganwa ropa rembudzi here?+
14 Ipa kuonga sechibayiro chako kuna Mwari,+Uye ripa mhiko dzako kune Wekumusorosoro;+
15 Ndishevedze panguva yekutambudzika.+
Ndichakununura, uye uchandikudza.”+
16 Asi Mwari achati kune munhu akaipa:
“Une kodzero ipi yekurondedzera mirau yangu+Kana kuti yekutaura nezvesungano yangu?+
17 Nekuti unovenga kurangwa,*Uye unoramba uchindipa gotsi ndichitaura newe.*+
18 Paunoona mbavha, unobvumirana nezvainoita,*+Uye unoshamwaridzana nemhombwe.
19 Unoshandisa muromo wako kuparadzira zvakaipa,Uye kunyengera hakubvi parurimi rwako.+
20 Unogara pasi wotaura zvakaipa nezvehama yako;+Unofumura zvikanganiso zvemwana* waamai vako.
21 Pawakaita zvinhu izvi, ndakaramba zvangu ndakanyarara,Saka wakafunga kuti ndaizongoita sewe.
Asi iye zvino ndichakutsiura,Uye ndichakuudza zvawakakanganisa.+
22 Funga izvi, iwe anokanganwa Mwari,+Kuti ndirege kukubvambura-bvambura pasina anokununura.
23 Munhu anopa kuonga sechibayiro chake ndiye anondikudza,+Uye kana ari uya anoramba ari munzira chaiyo,Ndichaita kuti aone ruponeso rwaMwari.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.”
^ ChiHeb., “mukono wemombe uri.”
^ ChiHeb., “nhongo.”
^ ChiHeb., “uchikandira mashoko angu kumashure kwako.”
^ Kana kuti “kurayirwa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “unobatana nayo.”
^ Kana kuti, “Unosvibisa zita remwana.”