Tinokukoka

Kunamata Kwakachena

2025 Gungano reZvapupu zvaJehovha

Tsvaga Nzvimbo Ichaitirwa Gungano Pedyo Nekwaunogara

Kupinda hakubhadhariswi Hapafambiswi ndiro yekukumbira mari

Zvauchaona Nekunzwa Pagungano Racho

Chishanu: Pacharatidzwa mavhidhiyo achakubatsira kuona zvakanga zvakaita nyika yakararama Jesu uye nzvimbo dzaakafamba achiparidza.

Mugovera: Ona kuti zvakaitwa naJesu paakatanga ushumiri hwake zvakazadzisa sei uprofita hwakataurwa pachiine makore akawanda asati auya panyika.

Svondo: Mumharidzo yeBhaibheri ine musoro unoti: “Uri Kuziva Chauri Kunamata Here?” uchadzidza kuti nei zvichikosha kuti uongorore zvaunotenda uye kuti ungatsvaga sei chokwadi.

Dhirama

Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu: Vhidhiyo 2 ne3

Jesu paakabhabhatidzwa, akabva ava Mesiya kana kuti Kristu. Mumwedzi yakazotevera, akaedzwa naDhiyabhorosi, akatanga kutsvaga vanhu vaizova vadzidzi vake, uye akaita chishamiso chake chekutanga. Uchaona nyaya idzi nedzimwe dzichiratidzwa mumavhidhiyo edhirama iri, ayo acharatidzwa zuva rimwe nerimwe regungano.

Ona purogiramu yacho yese uye mavhidhiyo anotevera ari pawebsite yedu inonzi jw.org:

Chii Chinoitwa Pamagungano Edu?

Ona vhidhiyo iyi kuti uzive zvinoitwa pagungano reZvapupu zvaJehovha.

Gungano ra2025 reZvapupu zvaJehovha Rinoti: “Kunamata Kwakachena”

Ona zvatichadzidza pagungano regore rino.

Nzwisa Yedhirama remuBhaibheri: Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu

Achangobva kutanga ushumiri, Jesu akabva atotanga kupikiswa nevanhu uye naSatani nemadhimoni ake. Kupikiswa kwaaiitwa uku kwakaita kuti arege kuteerera Mwari here?