Shona
Nhau
/assets/ct/2fee4a8a5e/images/syn_placeholder_sqr.png

Nhau

 

NHAU DZAKABUDISWA

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2026

Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvimwe zvinhu zvagadziridzwa zvichatibatsira kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

NHAU DZAKABUDISWA

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2026

Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvimwe zvinhu zvagadziridzwa zvichatibatsira kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi tichishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 4 2026

Muvhidhiyo ino, tichanzwa zvinhu zvinokurudzira zvakaitika kumapazi akabva kushanyirwa nevamiririri vemahofisi makuru uye nehama dziri muDare Rinotungamirira. Tichakuudzaiwo zvakabva kusarudzwa nematare edzimhosva panyaya yekodzero dzedu dzekunamata takasununguka kuNorway nekuSweden.

2026-05-01

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 3 2026

Muvhidhiyo ino, tichataura nezvekutsungirira kuri kuita hama nehanzvadzi dzedu kuRussia kubva pakabhanwa basa redu ikoko makore 9 adarika. Tichataurawo nezvekubudiswa kwemavhidhiyo 4, 5, ne6 edhirama raMashoko Akanaka Akataurwa naJesu.

2026-03-20

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 2 2026

Muvhidhiyo ino, tichaona kuti Magwaro anogona kubatsira sei mushumiri waJehovha kusarudza panyaya yekushandiswa kweropa rake paanenge achirapwa kana kuoparetwa.

2025-11-14

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 7 2025

Muvhidhiyo ino tichakuudzai zvinhu zvinokurudzira zvakaitika mugore rebasa ra2025 uye kukomborerwa kwatiri kuitwa naJehovha pabasa redu.

2025-09-26

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 6 2025

Vhidhiyo ino ichataura nezverugwaro rwegore rwa2026 uye rwiyo rutsva.

2025-08-22

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 5 2025

Muvhidhiyo ino, tichakurukura zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka panyaya yedzidzo yekuwedzera.

2025-07-04

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 4 2025

Muvhidhiyo ino, tichaona kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tisarudze zvakanaka panyaya yekuti toita here dzimwe tsika kana kuti toshandisa here zvimwe zviratidzo.

2025-05-21

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 3 2025

Muvhidhiyo ino, tichakurukura kuti tikaronga sei zvinhu zvedu kuti tizokwanisa kuwedzera zvatingaita mubasa raJehovha mumwedzi inotevera.

2025-03-21

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 2 2025

Muvhidhiyo ino, tichataura kuti sangano raJehovha riri kubatsira sei hama nehanzvadzi dzedu kuti dzigone kuverenga uye kuti chibayiro chaJesu chiri kutibatsira sei kuti tive nerugare. Tichataurawo nezverwiyo rutsva rwuchaimbwa pagungano ra2025.

2025-01-31

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 1 2025

Muvhidhiyo ino, tichaona kuti tingashandisa sei chikamu chakanzi “Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu” chiri muMashoko Ekuwedzera A mubhurocha rinonzi Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi. Kudzidza nezvenyaya idzi kuchaita kuti tikwanise kuzonyatsokurukura nevanhu zvakanaka muushumiri.

2024-12-27

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 8 2024

Muvhidhiyo ino tichakurukura kuti tinofanira kuona sei hama nehanzvadzi dzinobuda mumavhidhiyo edu.

2024-11-08

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 7 2024

Muvhidhiyo ino tichanzwa zviri kuitika kuhama nehanzvadzi dzedu pasi rese uye tichakurudzirwa nekukurukura kwatichaita nehama mbiri dzava muDare Rinotungamirira, Jody Jedele naJacob Rumph.

2024-09-27

NHAU DZEPASI RESE

Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 6 2024

Muvhidhiyo ino, tichaona kuti tingaita sei kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri.