Enda pane zvauri kuda


KOSI YEBHAIBHERI UCHIBATSIRWA NEMUMWE MUNHU

Rarama Nekusingaperi Uchifara!

Kosi iyi yeBhaibheri ichakubatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo yakadai seiyi:

  • Ndingaita sei kuti ndifare muupenyu?

  • Zvinhu zvakaipa uye kutambura zvichapera here?

  • Hama dzangu dzakafa ndichazodzionazve here?

  • Mwari anondida here?

  • Ndinganyengetera sei kuti Mwari andinzwe?

Haibhadhariswi

Hapana mari yaunobhadhara kuita kosi yacho yese, uyewo haubhadhariswi bhuku rinoshandiswa pakosi yacho rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! kunyange Bhaibheri kana uchirida.

Nguva Yacho

Munhu achakudzidzisa anogona kukushanyira kana kuita zvekufona panguva yaunoda.

Haumanikidzwi

Kana usangachadi unongotaura, uye hazvirevi kuti kana ukaita kosi yacho unofanira kubva watova mumwe weZvapupu.

Kosi iyi yekudzidza Bhaibheri inoitwa sei?

Pane munhu anenge achikubatsira kuti unzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri uye munobata nyaya imwe chete panguva. Pamuchange muchidzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! uchaona zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti zvinokubatsira sei. Kuti uzive zvakawanda, ona vhidhiyo iyi kana kuti inzwa mhinduro dzemibvunzo inonyanya kubvunzwa nezvekosi iyi.

Unoda kumboona zvakaita kosi yacho here?

Tarisa uone zvidzidzo zvekutanga zvekosi yacho.

Wava kuda kumbozviedza here?

Baya bhatani riri pazasi kuti ukumbire mumwe munhu kuzokuitisa kosi yacho.