Kuyeuka Rufu rwaJesu

Muvhuro, 22 March 2027

Kamwe chete pagore, Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka rufu rwaJesu, zvichiteerera murayiro waakapa wekuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.

Tinokukoka iwe nemhuri yako kuti uzopinda musangano uyu.

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa

Ndiani anogona kuuya?

Munhu wese anokwanisa kuuya. Unogonawo kukoka shamwari dzako uye kuuya nemhuri yako.

Musangano wacho unotora nguva yakareba sei?

Uchatora ingasvika awa imwe chete.

Uchaitirwa kupi?

Taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti uzive kuti vachapindira kupi.

Kupinda kunobhadhariswa here uye kana wangopinda zvinoreva here kuti wava kutonzi uve mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Kwete.

Panofambiswa ndiro yekukumbira mari here?

Kwete. Hatifambisi ndiro yekukumbira mari pamisangano yedu.—Mateu 10:8.

Pane hembe dzinonzi idzi ndidzo dzinofanira kupfekwa here?

Aiwa. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kupfeka nenzira inoratidza kuremekedza musangano uyu unokosha.

Chii chinenge chichiitwa pamusangano wacho?

Panotanga uye panopera musangano wacho, vanhu vanoimba rwiyo uye mumwe weZvapupu zvaJehovha anonyengetera. Purogiramu yacho inosanganisira mharidzo yeBhaibheri inotsanangura kukosha kwerufu rwaJesu uye kuti tingabatsirwa sei nezvatakaitirwa naMwari naKristu.

Rufu rwaJesu ruchayeukwa riini mumakore anotevera?

2027: Muvhuro, 22 March

2028: Svondo, 9 April

2029: China, 29 March