Kuyeuka Rufu rwaJesu
Chipiri 4 April, 2023
Kamwe chete pagore, Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka rufu rwaJesu, vachiteerera murayiro waakapa wekuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa
Musangano wacho wakareba sei?
Inenge awa imwe chete.
Chii chinenge chichiitwa pamusangano wacho?
Musangano wacho unotangwa nekuimba pozopiwa munyengetero uye ndizvo zvinozoitwawo kana wapera. Munyengetero wacho unopiwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Chikamu chinonyanya kukosha pamusangano uyu imharidzo inopiwa inotaura nezvekuti nei rufu rwaJesu ruchikosha uye kuti isu tinobatsirwa sei nezvatakaitirwa naMwari naKristu.
Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi?”