Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri
Zvinhu zviri pano zvinokubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri uri wega uye zvichaita kuti uwedzere kunzwisisa Shoko raMwari. Shandisa Bhaibheri riri paindaneti iro rine zvinhu zvakawanda zvinokubatsira pakudzidza. Panewo zvakare zvidzidzo zveBhaibheri zvepaindaneti zvaunogona kuita uri wega. Kuti unakidzwe nekudzidza tarisa mavhidhiyo ari pano, bhuku rinotsanangura zviri muBhaibheri, mepu yenzvimbo dziri muBhaibheri, tsanangudzo yemashoko emuBhaibheri nezvimwewo.
Verengera Bhaibheri paIndaneti
Ongorora zvakaita Shanduro yeNyika Itsva, Bhaibheri rakakurama uye riri nyore kuverenga.
Mavhidhiyo Ekushandisa Pakudzidza Bhaibheri
Kusuma Mabhuku eBhaibheri
Mashoko ekusuma bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri.
Dzidziso Huru dzeBhaibheri
Mavhidhiyo aya mapfupi ezvidzidzo zveBhaibheri anopindura mibvunzo inokosha yakadai sekuti: Mwari akasikirei nyika? Chii chinoitika kana munhu afa? uye Nei Mwari achibvumira kutambura?
Zvinhu Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri
Bhuku Rinotsanangura Zvinhu Zviri muBhaibheri
Bhuku raInsight on the Scriptures rinotsanangura zvinhu zvakawanda zvakadai sevanhu, nzvimbo, miti, zvirimwa, zviitiko zvinokosha uye mashoko ari muBhaibheri. Unogona kudhauniroda PDF yacho ine mamepu, mapikicha uyewo ine chikamu chinotsanangura dzimwe nyaya uyewo mamwe mavhesi.
Pfupiso Yezviri muBhaibheri
Bhuku rinonzi Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? rine pfupiso yezvinotaurwa muBhaibheri uye rinotaura nezvedingindira reBhaibheri.
Mepu Yenzvimbo Dziri muBhaibheri
“Ona Nyika Yakanaka” ibhuku rine mamepu uye machati ane nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri. Rinonyanya kuratidza zvakanga zvakaita Nyika Yakapikirwa panguva dzakasiyana-siyana.
Vhesi Yekuverenga Nhasi
Bhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva rine vhesi yaunogona kuverenga zuva rega rega uye pane tsanangudzo pfupi dzevhesi yacho.
Nzira Dzekuverenga Bhaibheri
Ungave uri kuda kuverenga Bhaibheri zuva rega rega, kunzwa nyaya dzakaitika kare kana kuti uchidawo kuverenga Bhaibheri kekutanga, purogiramu ino ichakubatsira.
Zvaungaita Kuti Uwane Magwaro muBhaibheri Rako
Aya ndiwo marongerwo akaitwa mabhuku 66 eBhaibheri mushanduro dzakawanda dzemaBhaibheri. Kunotanga zita rebhuku, kwouya chitsauko kwozotevera vhesi.
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Inzwa mhinduro dzeBhaibheri pamibvunzo ine chokuita naMwari, Jesu, mhuri, kutambura uye nezvimwewo.
Kutsanangurwa Kwemavhesi
Tarisa uone tsanangudzo dzechokwadi dzemavhesi anonyanya kuzivikanwa nevanhu.
Raibhurari yepaIndaneti (opens new window)
Tsvakurudza nyaya dzemuBhaibheri paIndaneti uchishandisa mabhuku eZvapupu zvaJehovha.
Dzidza Bhaibheri Uchibatsirwa Nemumwe Munhu
Kosi yeBhaibheri Inoitiswa neZvapupu zvaJehovha Yakaita Sei?
Paunoita kosi yeBhaibheri inoitiswa neZvapupu zvaJehovha, unogona kushandisa chero Bhaibheri raunaro. Mhuri yako neshamwari vanogona kuvapowo paunenge uchidzidza.
Kumbira Kushanyirwa
Unogona kukurukura nesu kana uine mubvunzo wauinawo une chekuita neBhaibheri kana kuti kana paine zvaunoda kuziva nezveZvapupu zvaJehovha.