Enda pane zvauri kuda

Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri

Zvinhu zviri pano zvinokubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri uri wega uye zvichaita kuti uwedzere kunzwisisa Shoko raMwari. Shandisa Bhaibheri riri paindaneti iro rine zvinhu zvakawanda zvinokubatsira pakudzidza. Kuti unakidzwe nekudzidza, ona mavhidhiyo ari pano, bhuku rinotsanangura zviri muBhaibheri, mepu yenzvimbo dziri muBhaibheri, tsanangudzo yemashoko emuBhaibheri nezvimwewo.

Verengera Bhaibheri paIndaneti

Ongorora zvakaita Shanduro yeNyika Itsva, Bhaibheri rakakurama uye riri nyore kuverenga.

Mavhidhiyo Ekushandisa Pakudzidza Bhaibheri

Kusuma Mabhuku eBhaibheri

Mashoko ekusuma bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri.

Dzidziso Huru dzeBhaibheri

Mavhidhiyo aya mapfupi ezvidzidzo zveBhaibheri anopindura mibvunzo inokosha yakadai sekuti: Mwari akasikirei nyika? Chii chinoitika kana munhu afa? uye Nei Mwari achibvumira kutambura?

Zvinhu Zvekushandisa Pakudzidza Bhaibheri

Bhuku Rinotsanangura Zvinhu Zviri muBhaibheri

Bhuku raInsight on the Scriptures rine zvinhu zvakawanda zvakatsanangurwa zvakadzama. Rinotaura nezvevanhu, nzvimbo, zvinhu zvinomera, mhuka, zviitiko zvinokosha, uye mashoko ekufananidzira anoshandiswa muBhaibheri. Kana ukaridhaunirodha uchaona mamepu, mapikicha uyewo indekisi yemavhesi neyenyaya dzakasiyana-siyana.

Pfupiso Yezviri muBhaibheri

Bhuku rinonzi “Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?” rine pfupiso yezvinotaurwa neBhaibheri inotibatsira kuona dingindira reBhaibheri.

Mepu Yenzvimbo Dzinotaurwa muBhaibheri

Bhuku rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” rine mamepu anoratidza nzvimbo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa muBhaibheri kusanganisira mamiriro akanga akaita Nyika Yakapikirwa panguva dzakasiyana-siyana.

Vhesi Yekuverenga Nhasi

Bhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva, rine vhesi yeBhaibheri netsanangudzo zvezuva rimwe nerimwe.

Nzira Dzekuverenga Bhaibheri

Ungave uri kuda kuverenga Bhaibheri zuva rega rega, kunzwa nyaya dzakaitika kare kana kuti uchidawo kuverenga Bhaibheri kekutanga, purogiramu ino ichakubatsira.

Zvaungaita Kuti Uwane Magwaro muBhaibheri Rako

Aya ndiwo marongerwo akaitwa mabhuku 66 eBhaibheri mushanduro dzakawanda dzemaBhaibheri. Kunotanga zita rebhuku, kwouya chitsauko kwozotevera vhesi.

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Inzwa mhinduro dzeBhaibheri pamibvunzo ine chokuita naMwari, Jesu, mhuri, kutambura uye nezvimwewo.

Kutsanangurwa Kwemavhesi

Batsirwa kunzwisisa zvinorehwa nemavhesi uye mashoko emuBhaibheri anofarirwa nevanhu vakawanda.

Raibhurari yepaIndaneti (opens new window)

Tsvakurudza nyaya dzemuBhaibheri paIndaneti uchishandisa mabhuku eZvapupu zvaJehovha.

Dzidza Bhaibheri Uchibatsirwa Nemumwe Munhu

Kosi yeBhaibheri Inoitiswa neZvapupu zvaJehovha Yakaita Sei?

Paunoita kosi yeBhaibheri inoitiswa neZvapupu zvaJehovha, unogona kushandisa chero Bhaibheri raunaro. Mhuri yako neshamwari vanogona kuvapowo paunenge uchidzidza.

Kumbira Kushanyirwa

Unogona kukurukura nesu kana uine mubvunzo wauinawo une chekuita neBhaibheri kana kuti kana paine zvaunoda kuziva nezveZvapupu zvaJehovha.