Mapisarema 95:1-11

  • Kunamata kwechokwadi kwakabatana nekuteerera

    • “Nhasi kana mukateerera inzwi rake” (7)

    • “Musaomesa mwoyo yenyu” (8)

    • “Havazopindi muzororo rangu” (11)

95  Uyai, ngatipemberei nemufaro kuna Jehovha! Ngatishevedzerei tichirumbidza Dombo reruponeso rwedu.+   Ngatiendei pamberi pake* tichionga;+Ngatiimbei tichipembera nemufaro tichimurumbidza.   Nekuti Jehovha ndiMwari mukuru,Mambo mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese.+   Nzvimbo dzakadzika dzenyika dziri muruoko rwake;Nhongonya dzemakomo ndedzake.+   Gungwa, iro raakasika, ndiye muridzi waro,+Uye maoko ake ndiwo akaumba nyika yakaoma.+   Uyai tikotame tinamate;Ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu.+   Nekuti iye ndiye Mwari wedu,Uye isu tiri vanhu vemafuro ake,Makwai aanochengeta.*+ Nhasi kana mukateerera inzwi rake,+   Musaomesa mwoyo yenyu sepaMeribha,*+Sepazuva reMasa* murenje,+   Pandakaedzwa nemadzitateguru enyu;+Akapikisana neni, kunyange zvazvo akanga aona mabasa angu.+ 10  Kwemakore 40 ndaisemeswa nechizvarwa ichocho, uye ndakati: “Ivo vanhu vanogara vachitsauka mumwoyo yavo;Havasati vava kuziva nzira dzangu.” 11  Saka ndakapika ndakatsamwa ndichiti: “Havazopindi muzororo rangu.”+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “pechiso chake.”
ChiHeb., “eruoko rwake.”
Kureva kuti “Kupopota.”
Kureva kuti “Kuedza; Muedzo.”