Mapisarema 56:1-13

  • Munyengetero kana uchitambudzwa

    • “Ndinovimba naMwari” (4)

    • “Misodzi yangu muhombodo yenyu” (8)

    • “Munhu wenyama angandiitei?” (4, 11)

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Njiva Yakanyarara Iri Kure.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Paakabatwa nevaFiristiya kuGati.+ 56  Ndinzwireiwo nyasha, Mwari, nekuti ndiri kurwiswa nevanhu. Vanoswera vachindirwisa uye vachindidzvinyirira.   Vavengi vangu vanoramba vachindibvambura zuva rese;Vakawanda vanondirwisa vachizvikudza.   Pandinenge ndichitya,+ ndinovimba nemi.+   Ndinovimba naMwari, uyo ane shoko randinorumbidza;Ndinovimba naMwari; handityi. Munhu wenyama angandiitei?+   Vanoswera vachingondirwadzisa;Vanongofunga kundikuvadza chete.+   Vanohwandira kuti varwise;Vanotarisa pese pandatsika,+Vachitarisira kupfuudza upenyu hwangu.*+   Varambei nemhaka yeuipi hwavo. Wisirai marudzi pasi makatsamwa, haiwa Mwari.+   Munocherechedza kudzungaira kwandinoita.+ Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.*+ Handiti yakanyorwa mubhuku renyu?+   Vavengi vangu vachadzokera shure musi wandinoshevedzera ndichida kubatsirwa.+ Ichi ndicho chivimbo chandiinacho: Mwari ari kurutivi rwangu.+ 10  Ndinovimba naMwari, uyo ane shoko randinorumbidza;Ndinovimba naJehovha, uyo ane shoko randinorumbidza; 11  Ndinovimba naMwari; handityi.+ Munhu wenyama angandiitei?+ 12  Ndinofanira kuzadzisa mhiko dzandakaita kwamuri, haiwa Mwari;+Ndichataura mashoko ekukutendai.+ 13  Nekuti makandinunura* kubva murufu+Uye makaita kuti tsoka dzangu dzirege kugumburwa,+Kuti ndifambe pamberi paMwari muchiedza chevapenyu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya wangu.”
Kana kuti “muhomwe yenyu yedehwe.”
Kana kuti “makanunura mweya wangu.”