Mapisarema 140:1-13

  • Jehovha, Muponesi ane simba

    • Vanhu vakaipa vakaita senyoka (3)

    • Vanhu vanoda zvemhirizhonga vachafa (11)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 140  Jehovha, ndinunureiwo pavarume vakaipa;Ndidzivirirei pavarume vanoda zvemhirizhonga,+   Vaya vanoronga zvinhu zvakaipa mumwoyo mavo+Uye vanoswera vachirwisanisa vanhu.   Vanorodza rurimi rwavo kuti ruve serwenyoka;+Uturu hwechiva huri mumiromo yavo.+ (Sera)   Ndidzivirireiwo Jehovha, mumaoko evakaipa;+Ndichengetedzei pavarume vanoda zvemhirizhonga,Vaya vanoronga kundipiringisha.   Vanozvikudza vanovanza chiteyeso kuti vandibate;Vanoshandisa tambo kutambanudza mambure padivi penzira.+ Vanondiisira misungo.+ (Sera)   Ndinoti kuna Jehovha: “Ndimi Mwari wangu. Teererai, haiwa Jehovha, kuchemera kwangu kubatsirwa.”+   Haiwa Jehovha Changamire Ishe, Muponesi wangu ane simba,Munovharidzira musoro wangu pazuva rehondo.+   Haiwa Jehovha, musapa vanhu vakaipa zvavanoda. Musarega zvirongwa zvavo zvichibudirira, kuti vasakwidziridzwa.+ (Sera)   Misoro yevaya vanondikombaNgaifukidzwe nezvinhu zvakaipa zvinotaurwa nemiromo yavo.+ 10  Mazimbe emoto ngaanaye pavari.+ Ngavakandwe mumoto,Mumakomba akadzika*+ kuti vasabudamo zvakare. 11  Anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe ngaashaye nzvimbo panyika.+ Zvakaipa ngazvitevere varume vanoda zvemhirizhonga uye ngazvivauraye. 12  Ndinoziva kuti Jehovha achamiririra vakaderera,Otonga nyaya dzevarombo zvakarurama.+ 13  Chokwadi vakarurama vachaonga zita renyu;Vakarurama vachagara pamberi penyu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mumakomba ane mvura.”