Mapisarema 70:1-5

  • Kukumbira kubatsirwa nekukurumidza

    • “Kurumidzai kundibatsira” (5)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi rwechiyeuchidzo. 70  Haiwa Mwari, ndinunureiwo;Haiwa Jehovha, kurumidzai kuzondibatsira.+   Dai vaya vari kutsvaga kundiuraya*Vakanyara uye vakashaya pekupinda. Dai vaya vari kufarira dambudziko ranguVakadzokera vachinyara.   Dai vaya vari kuti: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!” Vakamanikidzwa kudzokera vachinyara.   Asi itai kuti vaya vari kukutsvagaiVapembere nemufaro vachikufarirai.+ Vaya vanoda mabasa enyu ekuponesa ngavagare vachiti: “Mwari ngaakudzwe!”   Asi ini handina simba uye ndiri murombo;+Haiwa Mwari, kurumidzai kundibatsira.+ Ndimi mubatsiri wangu uye mununuri wangu;+Haiwa Jehovha, musanonoka.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kutsvaga mweya wangu.”