Mapisarema 70:1-5
-
Kukumbira kubatsirwa nekukurumidza
-
“Kurumidzai kundibatsira” (5)
-
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi rwechiyeuchidzo.
70 Haiwa Mwari, ndinunureiwo;Haiwa Jehovha, kurumidzai kuzondibatsira.+
2 Dai vaya vari kutsvaga kundiuraya*Vakanyara uye vakashaya pekupinda.
Dai vaya vari kufarira dambudziko ranguVakadzokera vachinyara.
3 Dai vaya vari kuti: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!”
Vakamanikidzwa kudzokera vachinyara.
4 Asi itai kuti vaya vari kukutsvagaiVapembere nemufaro vachikufarirai.+
Vaya vanoda mabasa enyu ekuponesa ngavagare vachiti:
“Mwari ngaakudzwe!”
5 Asi ini handina simba uye ndiri murombo;+Haiwa Mwari, kurumidzai kundibatsira.+
Ndimi mubatsiri wangu uye mununuri wangu;+Haiwa Jehovha, musanonoka.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kutsvaga mweya wangu.”