Mapisarema 119:1-176

  • Kuonga Shoko raMwari rinokosha

    • ‘Vechidiki vangaita sei kuti nzira yavo irambe yakachena?’ (9)

    • “Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo” (24)

    • “Shoko renyu ndiro tariro yangu” (74, 81, 114)

    • “Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!” (97)

    • “Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese” (99)

    • “Shoko renyu irambi retsoka dzangu” (105)

    • “Shoko renyu rese ichokwadi” (160)

    • Vanoda mutemo waMwari vane rugare (165)

א [Aleph] 119  Vanofara vaya vasina mhosva munzira yavo,Vanofamba mumutemo waJehovha.+  Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake,+Vanomutsvaga nemwoyo wavo wese.+  Havaiti zvisina kururama;Vanofamba munzira dzake.+  MakarayiraKuti mirayiro yenyu inyatsochengetwa.+  Kudai ndaingokwanisa kuramba ndakasimba*+Kuti ndichengete mirau yenyu!  Ndaisazombonyadziswa+Pandinofunga mirayiro yenyu yese.  Ndichakurumbidzai nemwoyo wakaruramaPandinodzidza mitongo yenyu yakarurama.  Ndichachengeta mirau yenyu. Musambondisiya zvachose. ב [Beth]  Jaya ringaita sei kuti nzira yaro irambe yakachena? Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu.+ 10  Ndinokutsvagai nemwoyo wangu wese. Musaita kuti nditsauke pamirayiro yenyu.+ 11  Ndinochengeta shoko renyu mumwoyo mangu+Kuti ndirege kukutadzirai.+ 12  Rumbidzwai, haiwa Jehovha;Ndidzidzisei mirau yenyu. 13  Ndinozivisa nemiromo yanguMitongo yenyu yese yamakataura. 14  Ndinofarira zviyeuchidzo zvenyu+Kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvinokosha.+ 15  Ndichafungisisa* mirayiro yenyu+Uye ndichaita kuti maziso angu arambe ari panzira dzenyu.+ 16  Ndinoda mirau yenyu zvikuru. Handizokanganwi shoko renyu.+ ג [Gimel] 17  Itirai mushumiri wenyu zvakanaka,Kuti ndirarame uye ndichengete shoko renyu.+ 18  Vhurai maziso angu kuti ndinyatsoonaZvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu. 19  Ndinongovawo zvangu mutorwa munyika.+ Musandivanzira mirayiro yenyu. 20  Ndakurirwa* nekusuwaMitongo yenyu nguva dzese. 21  Munotsiura vanozvikudza,Vaya vakatukwa vanotsauka pamirayiro yenyu.+ 22  Bvisai pandiri kushorwa nekuzvidzwa,Nekuti ndakachengeta zviyeuchidzo zvenyu. 23  Kunyange kana machinda akagara pasi achitaura zvakaipa nezvangu,Mushumiri wenyu anofungisisa* mirau yenyu. 24  Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo;+Ndizvo zvinondipa mazano.+ ד [Daleth] 25  Ndinozvambarara* muguruva.+ Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+ 26  Ndakakuudzai nezvenzira dzangu, mukandipindura;Ndidzidzisei mirau yenyu.+ 27  Itai kuti ndinzwisise zvinorehwa nemirayiro* yenyu,Kuti ndifungisise mabasa* enyu anoshamisa.+ 28  Ndanga ndichishaya* hope neshungu. Ndisimbisei maererano neshoko renyu. 29  Bvisai pandiri nzira yeunyengeri,+Uye ratidzai kuti munondifarira nekundipa mutemo wenyu. 30  Ndakasarudza nzira yekutendeka.+ Ndinoziva kuti mitongo yenyu yakarurama. 31  Ndakabatirira pazviyeuchidzo zvenyu.+ Haiwa Jehovha, musaita kuti ndiore mwoyo.*+ 32  Ndichatevera nzira* yemirayiro yenyu nemwoyo weseNekuti munoita kuti iwane nzvimbo mumwoyo wangu.* ה [He] 33  Haiwa Jehovha,+ ndidzidzisei nzira yemirau yenyu,Uye ndichaitevera kusvikira kumagumo.+ 34  Itai kuti ndinzwisise,Kuti ndichengete mutemo wenyuUye ndiuchengete nemwoyo wangu wese. 35  Nditungamirirei* mugwara remirayiro yenyu,+Nekuti ndinorifarira. 36  Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu,Kwete kuti uchive pfuma.*+ 37  Itai kuti maziso angu arege kutarisa zvinhu zvisina basa;+Ndichengetedzei ndiri mupenyu munzira yenyu. 38  Itirai mushumiri wenyu zvamakavimbisa,*Kuti mutyiwe.* 39  Bvisai kunyadziswa kwandiri kutyira,Nekuti mitongo yenyu yakanaka.+ 40  Onai kusuwa kwandiri kuita mirayiro yenyu. Ndichengetedzei ndiri mupenyu mukururama kwenyu. ו [Waw] 41  Ndiratidzeiwo rudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha,+Ruponeso rwenyu maererano nezvamakavimbisa;*+ 42  Ndichabva ndapindura uya ari kundinyomba,Nekuti ndinovimba neshoko renyu. 43  Musabvisa zvachose shoko rechokwadi pamuromo wangu,Nekuti ndinotarisira* mitongo yenyu. 44  Ndichachengeta mutemo wenyu nguva dzese,Nariini nariini.+ 45  Uye ndichafamba-famba munzvimbo isina njodzi,*+Nekuti ndinotsvaga mirayiro yenyu. 46  Ndichataura nezvezviyeuchidzo zvenyu pamberi pemadzimambo,Uye handizonyari.+ 47  Ndinoda mirayiro yenyu zvikuru;Zvechokwadi ndinoida.+ 48  Ndichasimudza maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda,+Uye ndichafungisisa* mirau yenyu.+ ז [Zayin] 49  Yeukai shoko ramakataura* kumushumiri wenyu,Ramunoshandisa kundipa tariro.* 50  Uku ndiko kunyaradzwa kwangu mukutambudzika kwangu,+Nekuti zvamakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu. 51  Vanozvikudza vanondishora zvakanyanya,Asi handitsauki pamutemo wenyu.+ 52  Ndinoyeuka mitongo yenyu kubvira kare,+ haiwa Jehovha,Uye inondinyaradza.+ 53  Ndinoviruka nehasha nekuda kwevakaipa,Vanosiya mutemo wenyu.+ 54  Mirau yenyu yakaita senziyo kwandiriKwese kwandinogara.* 55  Ndinoyeuka zita renyu usiku, haiwa Jehovha,+Kuti ndichengete mutemo wenyu. 56  Aya ndiwo akava maitiro anguNekuti ndakachengeta mirayiro yenyu. ח [Heth] 57  Jehovha ndiye mugove wangu;+Ndakavimbisa kuchengeta mashoko enyu.+ 58  Ndinokutetererai nemwoyo wangu wese;+Ndinzwirei nyasha+ maererano nevimbiso yenyu.* 59  Ndakaongorora nzira dzangu,Kuti ndidzose tsoka dzangu kuzviyeuchidzo zvenyu.+ 60  Ndinokurumidza, handinonokiKuchengeta mirayiro yenyu.+ 61  Tambo dzevakaipa dzakandikomberedza,Asi handikanganwi mutemo wenyu.+ 62  Ndinomuka pakati peusiku kuti ndikuongei+Nekuda kwemitongo yenyu yakarurama. 63  Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyaiNeyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.+ 64  Nyika yakazara nerudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha;+Ndidzidzisei mirau yenyu. ט [Teth] 65  Makaitira mushumiri wenyu zvakanaka,Haiwa Jehovha, maererano neshoko renyu. 66  Ndidzidzisei kufunga zvakanaka, uye kuva neruzivo,+Nekuti ndinovimba nemirayiro yenyu. 67  Ndisati ndava kutambudzika ndaiwanzorasika,*Asi iye zvino ndinochengeta zvamakataura.+ 68  Makanaka+ uye mabasa enyu akanaka. Ndidzidzisei mirau yenyu.+ 69  Vanozvikudza vanondizora nhema,Asi ini ndinochengeta mirayiro yenyu nemwoyo wangu wese. 70  Mwoyo yavo yakaoma,+Asi ini ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+ 71  Zvakanaka kuti ndakatambudzwa,+Kuti ndidzidze mirau yenyu. 72  Mutemo wamakazivisa wakandinakira,+Kupfuura goridhe nesirivha zvakawanda.+ י [Yod] 73  Maoko enyu ndiwo akandisika uye akandiumba. Itai kuti ndinzwisise,Kuti ndidzidze mirayiro yenyu.+ 74  Vaya vanokutyai vanondiona vofara,Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.*+ 75  Ndinoziva, haiwa Jehovha, kuti mitongo yenyu yakarurama+Uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.+ 76  Ndinokumbirawo kuti rudo+ rwenyu rusingachinji rundinyaradze,Maererano nevimbiso yamakaita* kumushumiri wenyu. 77  Ndinzwirei tsitsi, ndirambe ndichirarama,+Nekuti ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+ 78  Vanozvikudza ngavanyadziswe,Nekuti vanondiitira zvakaipa pasina chikonzero. Asi ini ndichafungisisa* mirayiro yenyu.+ 79  Itai kuti vaya vanokutyai vadzoke kwandiri,Vaya vanoziva zviyeuchidzo zvenyu. 80  Mwoyo wangu ngauve usina mhosva pakutevera mirau yenyu,+Kuti ndirege kunyadziswa.+ כ [Kaph] 81  Ndinosuwa* ruponeso rwenyu,+Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.* 82  Maziso angu anosuwa shoko renyu+Pandinenge ndichiti: “Muchandinyaradza riini?”+ 83  Nekuti ndava sehomwe yedehwe yakakokonyara iri muutsi,Asi mirau yenyu handikanganwi.+ 84  Mushumiri wenyu anofanira kumirira kwemazuva mangani? Muchatonga riini vaya vanonditambudza?+ 85  Vanozvikudza vanondicherera makomba,Vaya vanopandukira mutemo wenyu. 86  Mirayiro yenyu yese yakavimbika. Vanhu vanonditambudza pasina chikonzero; ndibatsireiwo!+ 87  Vakapotsa vandiparadza panyika,Asi handina kusiya mirayiro yenyu. 88  Ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji,Kuti ndichengete zviyeuchidzo zvamakataura. ל [Lamed] 89  Nekusingaperi, haiwa Jehovha,Shoko renyu richaramba riri kumatenga.+ 90  Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo muzvizvarwa zvese.+ Makanyatsosimbisa nyika, zvekuti inoramba iripo.+ 91  Mitongo yenyu ndiyo yakaita kuti zvirambe* zviripo kusvikira nhasi,Nekuti zvese vashumiri venyu. 92  Dai ndakanga ndisingadi mutemo wenyu kwazvo,Ndingadai ndakaparara mukutambudzika kwangu.+ 93  Handifi ndakakanganwa mirayiro yenyu,Nekuti ndiyo yamakandichengeta nayo ndiri mupenyu.+ 94  Ndiri wenyu; ndiponesei,+Nekuti ndakatsvaga mirayiro yenyu.+ 95  Vakaipa vanomirira kuti vandiparadze,Asi ndinonyatsoteerera zviyeuchidzo zvenyu. 96  Ndakaona kuti kukwana kwese kune pakunogumira,Asi murayiro wenyu hauna muganhu. מ [Mem] 97  Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!+ Ndinoswera ndichiufungisisa.*+ 98  Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,+Nekuti uneni nekusingaperi. 99  Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese,+Nekuti ndinofungisisa* zviyeuchidzo zvenyu. 100  Ndinonzwisisa kupfuura varume vakuru,Nekuti ndinochengeta mirayiro yenyu. 101  Ndinoramba kufamba munzira dzese dzakaipa,+Kuti ndichengete shoko renyu. 102  Handitsauki pamitongo yenyu,Nekuti makandirayiridza. 103  Zvamunotaura zvinotapira chaizvo mukanwa mangu,Kutapira kupfuura uchi!+ 104  Mirayiro yenyu inoita kuti ndiite zvinhu nekuchenjera.+ Ndokusaka ndichivenga nzira dzese dzenhema.+ נ [Nun] 105  Shoko renyu irambi retsoka dzangu,Uye chiedza panzira yangu.+ 106  Ndakapika mhiko, uye ndichaizadzisa,Kuti ndichengete mitongo yenyu yakarurama. 107  Ndakatambudzwa kwazvo.+ Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+ 108  Fariraiwo zvibayiro zvangu zvekurumbidza zvandinopa ndichizvidira,*+ haiwa Jehovha,Uye ndidzidzisei mitongo yenyu.+ 109  Upenyu hwangu hunogara huri pangozi,*Asi handina kukanganwa mutemo wenyu.+ 110  Vakaipa vakanditeya,Asi handina kutsauka pamirayiro yenyu.+ 111  Ndinoita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nekusingaperi,*Nekuti ndizvo zvinofarirwa nemwoyo wangu.+ 112  Ndakazvipira kuteerera* mirau yenyuNguva dzese, kusvikira pakupedzisira. ס [Samekh] 113  Ndinovenga vane mwoyo miviri,+Asi ndinoda mutemo wenyu.+ 114  Muri nzvimbo yangu yekuhwanda nenhoo yangu,+Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.*+ 115  Ibvai kwandiri, imi vanoita zvakaipa,+Kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu. 116  Nditsigirei sezvamakavimbisa,*+Kuti ndirambe ndichirarama;Musaita kuti tariro yangu ive kuora mwoyo.*+ 117  Nditsigirei kuti ndiponeswe;+Ndichabva ndaramba ndakaisa pfungwa pamirau yenyu.+ 118  Munoramba vese vanotsauka pamirau yenyu,+Nekuti vanonyepa uye vanonyengera. 119  Munorasa vakaipa vese vari panyika setsvina isingabatsiri.+ Ndokusaka ndichida zviyeuchidzo zvenyu. 120  Kukutyai kwandinoita kunoita kuti muviri wangu ubvunde;*Ndinotya mitongo yenyu. ע [Ayin] 121  Ndakatonga zvakarurama uye ndakaita zvakarurama. Musandiisa mumaoko evadzvinyiriri vangu! 122  Vimbisai mushumiri wenyu kuti achagara zvakanaka;Vanozvikudza ngavarege kundidzvinyirira. 123  Maziso angu aneta nekumirira ruponeso rwenyu+Uye vimbiso yenyu yakarurama.*+ 124  Ratidzai mushumiri wenyu rudo rwenyu rusingachinji,+Mundidzidzise mirau yenyu.+ 125  Ndiri mushumiri wenyu; itai kuti ndinzwisise,+Kuti ndizive zviyeuchidzo zvenyu. 126  Nguva yekuti Jehovha aite chimwe chinhu yasvika,+Nekuti vakatyora mutemo wenyu. 127  Ndokusaka ndichida mirayiro yenyuKupfuura goridhe, kunyange goridhe rakanatswa.+ 128  Saka ndinotenda kuti mirayiro yese inobva kwamuri yakarurama;+Ndinovenga nzira dzese dzenhema.+ פ [Pe] 129  Zviyeuchidzo zvenyu zvinoshamisa. Ndokusaka ndichizvichengeta.* 130  Kuziviswa kwemashoko enyu kunopa chiedza,+Kuchiita kuti vasina ruzivo vanzwisise.+ 131  Ndinoshama muromo wangu ndofemereka,Nekuti ndinosuwa mirayiro yenyu.+ 132  Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha,+Maererano nematongero amunoita vaya vanoda zita renyu.+ 133  Tungamirirai nhanho dzangu pasina ngozi* nezvamunotaura;Ngaparege kuva nechinhu chakaipa chinondikurira.+ 134  Ndinunurei* pavanhu vanodzvinyirira,Uye ndichachengeta mirayiro yenyu. 135  Itai kuti chiso chenyu chipenyere* mushumiri wenyu,+Uye ndidzidzisei mirau yenyu. 136  Misodzi inoyerera mumaziso anguNekuti vanhu havachengeti mutemo wenyu.+ צ [Tsade] 137  Makarurama, haiwa Jehovha,+Uye mitongo yenyu yakarurama.+ 138  Zviyeuchidzo zvamunopa zvakaruramaUye zvakanyatsovimbika. 139  Kushingaira kwangu kunondipedza,+Nekuti mhandu dzangu dzakanganwa mashoko enyu. 140  Zvamunotaura zvakanatswa kwazvo,+Uye mushumiri wenyu anozvida.+ 141  Handikoshi uye ndinozvidzwa;+Asi handina kukanganwa mirayiro yenyu. 142  Kururama kwenyu kururama kunogara nariini nariini,+Uye mutemo wenyu ichokwadi.+ 143  Kunyange kutambudzika nekunetseka zvichindiwira,Ndinoramba ndichida mirayiro yenyu kwazvo. 144  Kururama kwezviyeuchidzo zvenyu kunogara nekusingaperi. Itai kuti ndinzwisise,+ kuti ndirambe ndichirarama. ק [Qoph] 145  Ndinoshevedzera nemwoyo wangu wese. Ndipindureiwo, Jehovha. Ndichachengeta mirau yenyu. 146  Ndinoshevedzera kwamuri; ndiponeseiwo! Ndichachengeta zviyeuchidzo zvenyu. 147  Ndanga ndakamuka mambakwedza asati asvika, kuti ndichemere kubatsirwa,+Nekuti mashoko enyu ndiyo tariro yangu.* 148  Maziso angu anosvinura nguva yekurinda kweusiku isati yakwana,Kuti ndifungisise* zvamakataura.+ 149  Inzwai inzwi rangu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+ Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu. 150  Vaya vanoita zvinonyadzisa vanouya pedyo;Vari kure kure nemutemo wenyu. 151  Muri pedyo, haiwa Jehovha,+Uye mirayiro yenyu yese ichokwadi.+ 152  Ndakadzidza kare kare nezvezviyeuchidzo zvenyu,Zvamakaita kuti zvigare nekusingaperi.+ ר [Resh] 153  Tarisai muone kutambudzika kwangu, mundinunure,+Nekuti handina kukanganwa mutemo wenyu. 154  Ndidzivirirei* mundinunure;+Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakavimbisa.* 155  Ruponeso ruri kure nevakaipa,Nekuti havana kutsvaga mirau yenyu.+ 156  Tsitsi dzenyu ihuru, haiwa Jehovha.+ Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu. 157  Vatambudzi vangu uye vavengi vangu vazhinji;+Asi handina kutsauka pazviyeuchidzo zvenyu. 158  Ndinotarisa vanyengeri ndichisemeswa,Nekuti havachengeti zvamakataura.+ 159  Onai kuda kwandinoita mirayiro yenyu! Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+ 160  Shoko renyu rese ichokwadi,+Uye mitongo yenyu yese yakarurama inoramba iripo nekusingaperi. ש [Sin] kana kuti [Shin] 161  Machinda anonditambudza+ pasina chikonzero,Asi mwoyo wangu unoramba uchishamiswa nemashoko enyu.+ 162  Ndinopembera pamusoro pezvamakataura+Sezvinoita munhu awana zvinhu zvakawanda zvekupamba. 163  Ndinovenga nhema, zvekudzisema,+Asi ndinoda mutemo wenyu.+ 164  Ndinokurumbidzai kanomwe pazuvaNekuda kwemitongo yenyu yakarurama. 165  Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru;+Hapana chingaita kuti vagumburwe. 166  Ndinotarisira mabasa enyu ekuponesa, haiwa Jehovha,Uye ndinochengeta mirayiro yenyu. 167  Ndinochengeta* zviyeuchidzo zvenyu,Uye ndinozvida nemwoyo wese.+ 168  Ndinochengeta mirayiro yenyu nezviyeuchidzo zvenyu,Nekuti munoziva zvese zvandinoita.+ ת [Taw] 169  Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakusvike kwamuri, haiwa Jehovha.+ Itai kuti ndinzwisise, maererano neshoko renyu.+ 170  Kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha ngakusvike pamberi penyu. Ndiponesei, sezvamakavimbisa.* 171  Muromo wangu ngaufashukire nekurumbidza,+Nekuti munondidzidzisa mirau yenyu. 172  Rurimi rwangu ngaruimbe nezvezvamakataura,+Nekuti mirayiro yenyu yese yakarurama. 173  Ruoko rwenyu ngarugadzirire kundibatsira,+Nekuti ndinosarudza kuteerera mirayiro yenyu.+ 174  Ndinosuwa ruponeso rwenyu, haiwa Jehovha,Uye ndinoda mutemo wenyu kwazvo.+ 175  Regai ndirarame* kuti ndikurumbidzei;+Mitongo yenyu ngaindibatsire. 176  Ndakadzungaira segwai rakarasika.+ Tsvagai mushumiri wenyu,Nekuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Haiwa kudai nzira dzangu dzainge dzakanyatsosimbiswa.”
Kana kuti “Ndichadzidza.”
Kana kuti “Mweya wangu wapera.”
Kana kuti “anodzidza.”
Kana kuti “Mweya wangu unozvambarara.”
ChiHeb., “nzira yemirayiro.”
Kana kuti “ndidzidze nezvemabasa.”
Kana kuti “Mweya wangu wanga uchishaya.”
Kana kuti “ndinyadziswe.”
ChiHeb., “Ndichamhanya munzira.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “munoita kuti mwoyo wangu uve nechivimbo.”
Kana kuti “Itai kuti ndifambe.”
Kana kuti “uwane mubereko.”
Kana kuti “zvamakataura.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Izvo zvinoitirwa vaya vanokutyai.”
Kana kuti “nezvamakataura.”
Kana kuti “ndinomirira.”
Kana kuti “yakakura.”
Kana kuti “ndichadzidza.”
Kana kuti “vimbiso yenyu.”
Kana kuti “Ramakaita kuti ndimirire.”
Kana kuti “Muimba yandinogara semutorwa.”
Kana kuti “nezvamakataura.”
Kana kuti “ndaitadza ndisingazivi.”
Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
Kana kuti “nezvamakataura.”
Kana kuti “ndichadzidza.”
Kana kuti “Mweya wangu unosuwa.”
Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
Kureva, zvinhu zvese zvaakasika.
Kana kuti “ndichiudzidza.”
Kana kuti “ndinodzidza.”
ChiHeb., “zvibayiro zvekuzvidira zvemuromo wangu.”
Kana kuti “Ndinogara ndakabatira mweya wangu mumaoko.”
Kana kuti “zvive nhaka yangu nariini nariini.”
Kana kuti “Ndakaita kuti mwoyo wangu uteerere.”
Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
Kana kuti “maererano nezvamakataura.”
Kana kuti “inyadziswe.”
Kana kuti “nyama yangu ibvunde.”
Kana kuti “zvamunotaura zvakarurama.”
Kana kuti “mweya wangu uchizvichengeta.”
Kana kuti “Dzikamisai nhanho dzangu.”
ChiHeb., “Ndidzikinurei.”
Kana kuti “Nyemwererai.”
Kana kuti “ndinomirira mashoko enyu.”
Kana kuti “ndidzidze.”
Kana kuti “Ndimiririrei pandiri kutongwa.”
Kana kuti “nezvamakataura.”
Kana kuti “Mweya wangu unochengeta.”
Kana kuti “maererano nezvamakataura.”
Kana kuti “Mweya wangu ngaurarame.”