Mapisarema 119:1-176
-
Kuonga Shoko raMwari rinokosha
-
‘Vechidiki vangaita sei kuti nzira yavo irambe yakachena?’ (9)
-
“Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo” (24)
-
“Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!” (97)
-
“Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese” (99)
-
“Shoko renyu irambi retsoka dzangu” (105)
-
“Shoko renyu rese ichokwadi” (160)
-
Vanoda mutemo waMwari vane rugare (165)
-
א [Aleph]
119 Vanofara vaya vasina mhosva munzira yavo,Vanofamba mumutemo waJehovha.+
2 Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake,+Vanomutsvaga nemwoyo wavo wese.+
3 Havaiti zvisina kururama;Vanofamba munzira dzake.+
4 MakarayiraKuti mirayiro yenyu inyatsochengetwa.+
5 Kudai ndaingokwanisa kuramba ndakasimba*+Kuti ndichengete mirau yenyu!
6 Ndaisazombonyadziswa+Pandinofunga mirayiro yenyu yese.
7 Ndichakurumbidzai nemwoyo wakaruramaPandinodzidza mitongo yenyu yakarurama.
8 Ndichachengeta mirau yenyu.
Musambondisiya zvachose.
ב [Beth]
9 Jaya ringaita sei kuti nzira yaro irambe yakachena?
Rinofanira kuzvichengetedza maererano neshoko renyu.+
10 Ndinokutsvagai nemwoyo wangu wese.
Musaita kuti nditsauke pamirayiro yenyu.+
11 Ndinochengeta shoko renyu mumwoyo mangu+Kuti ndirege kukutadzirai.+
12 Rumbidzwai, haiwa Jehovha;Ndidzidzisei mirau yenyu.
13 Ndinozivisa nemiromo yanguMitongo yenyu yese yamakataura.
14 Ndinofarira zviyeuchidzo zvenyu+Kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvinokosha.+
15 Ndichafungisisa* mirayiro yenyu+Uye ndichaita kuti maziso angu arambe ari panzira dzenyu.+
16 Ndinoda mirau yenyu zvikuru.
Handizokanganwi shoko renyu.+
ג [Gimel]
17 Itirai mushumiri wenyu zvakanaka,Kuti ndirarame uye ndichengete shoko renyu.+
18 Vhurai maziso angu kuti ndinyatsoonaZvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.
19 Ndinongovawo zvangu mutorwa munyika.+
Musandivanzira mirayiro yenyu.
20 Ndakurirwa* nekusuwaMitongo yenyu nguva dzese.
21 Munotsiura vanozvikudza,Vaya vakatukwa vanotsauka pamirayiro yenyu.+
22 Bvisai pandiri kushorwa nekuzvidzwa,Nekuti ndakachengeta zviyeuchidzo zvenyu.
23 Kunyange kana machinda akagara pasi achitaura zvakaipa nezvangu,Mushumiri wenyu anofungisisa* mirau yenyu.
24 Ndinoda zviyeuchidzo zvenyu kwazvo;+Ndizvo zvinondipa mazano.+
ד [Daleth]
25 Ndinozvambarara* muguruva.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
26 Ndakakuudzai nezvenzira dzangu, mukandipindura;Ndidzidzisei mirau yenyu.+
27 Itai kuti ndinzwisise zvinorehwa nemirayiro* yenyu,Kuti ndifungisise mabasa* enyu anoshamisa.+
28 Ndanga ndichishaya* hope neshungu.
Ndisimbisei maererano neshoko renyu.
29 Bvisai pandiri nzira yeunyengeri,+Uye ratidzai kuti munondifarira nekundipa mutemo wenyu.
30 Ndakasarudza nzira yekutendeka.+
Ndinoziva kuti mitongo yenyu yakarurama.
31 Ndakabatirira pazviyeuchidzo zvenyu.+
Haiwa Jehovha, musaita kuti ndiore mwoyo.*+
32 Ndichatevera nzira* yemirayiro yenyu nemwoyo weseNekuti munoita kuti iwane nzvimbo mumwoyo wangu.*
ה [He]
33 Haiwa Jehovha,+ ndidzidzisei nzira yemirau yenyu,Uye ndichaitevera kusvikira kumagumo.+
34 Itai kuti ndinzwisise,Kuti ndichengete mutemo wenyuUye ndiuchengete nemwoyo wangu wese.
35 Nditungamirirei* mugwara remirayiro yenyu,+Nekuti ndinorifarira.
36 Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu,Kwete kuti uchive pfuma.*+
37 Itai kuti maziso angu arege kutarisa zvinhu zvisina basa;+Ndichengetedzei ndiri mupenyu munzira yenyu.
38 Itirai mushumiri wenyu zvamakavimbisa,*Kuti mutyiwe.*
39 Bvisai kunyadziswa kwandiri kutyira,Nekuti mitongo yenyu yakanaka.+
40 Onai kusuwa kwandiri kuita mirayiro yenyu.
Ndichengetedzei ndiri mupenyu mukururama kwenyu.
ו [Waw]
41 Ndiratidzeiwo rudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha,+Ruponeso rwenyu maererano nezvamakavimbisa;*+
42 Ndichabva ndapindura uya ari kundinyomba,Nekuti ndinovimba neshoko renyu.
43 Musabvisa zvachose shoko rechokwadi pamuromo wangu,Nekuti ndinotarisira* mitongo yenyu.
44 Ndichachengeta mutemo wenyu nguva dzese,Nariini nariini.+
45 Uye ndichafamba-famba munzvimbo isina njodzi,*+Nekuti ndinotsvaga mirayiro yenyu.
46 Ndichataura nezvezviyeuchidzo zvenyu pamberi pemadzimambo,Uye handizonyari.+
47 Ndinoda mirayiro yenyu zvikuru;Zvechokwadi ndinoida.+
48 Ndichasimudza maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda,+Uye ndichafungisisa* mirau yenyu.+
ז [Zayin]
49 Yeukai shoko ramakataura* kumushumiri wenyu,Ramunoshandisa kundipa tariro.*
50 Uku ndiko kunyaradzwa kwangu mukutambudzika kwangu,+Nekuti zvamakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu.
51 Vanozvikudza vanondishora zvakanyanya,Asi handitsauki pamutemo wenyu.+
52 Ndinoyeuka mitongo yenyu kubvira kare,+ haiwa Jehovha,Uye inondinyaradza.+
53 Ndinoviruka nehasha nekuda kwevakaipa,Vanosiya mutemo wenyu.+
54 Mirau yenyu yakaita senziyo kwandiriKwese kwandinogara.*
55 Ndinoyeuka zita renyu usiku, haiwa Jehovha,+Kuti ndichengete mutemo wenyu.
56 Aya ndiwo akava maitiro anguNekuti ndakachengeta mirayiro yenyu.
ח [Heth]
57 Jehovha ndiye mugove wangu;+Ndakavimbisa kuchengeta mashoko enyu.+
58 Ndinokutetererai nemwoyo wangu wese;+Ndinzwirei nyasha+ maererano nevimbiso yenyu.*
59 Ndakaongorora nzira dzangu,Kuti ndidzose tsoka dzangu kuzviyeuchidzo zvenyu.+
60 Ndinokurumidza, handinonokiKuchengeta mirayiro yenyu.+
61 Tambo dzevakaipa dzakandikomberedza,Asi handikanganwi mutemo wenyu.+
62 Ndinomuka pakati peusiku kuti ndikuongei+Nekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
63 Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyaiNeyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.+
64 Nyika yakazara nerudo rwenyu rusingachinji, haiwa Jehovha;+Ndidzidzisei mirau yenyu.
ט [Teth]
65 Makaitira mushumiri wenyu zvakanaka,Haiwa Jehovha, maererano neshoko renyu.
66 Ndidzidzisei kufunga zvakanaka, uye kuva neruzivo,+Nekuti ndinovimba nemirayiro yenyu.
67 Ndisati ndava kutambudzika ndaiwanzorasika,*Asi iye zvino ndinochengeta zvamakataura.+
68 Makanaka+ uye mabasa enyu akanaka.
Ndidzidzisei mirau yenyu.+
69 Vanozvikudza vanondizora nhema,Asi ini ndinochengeta mirayiro yenyu nemwoyo wangu wese.
70 Mwoyo yavo yakaoma,+Asi ini ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+
71 Zvakanaka kuti ndakatambudzwa,+Kuti ndidzidze mirau yenyu.
72 Mutemo wamakazivisa wakandinakira,+Kupfuura goridhe nesirivha zvakawanda.+
י [Yod]
73 Maoko enyu ndiwo akandisika uye akandiumba.
Itai kuti ndinzwisise,Kuti ndidzidze mirayiro yenyu.+
74 Vaya vanokutyai vanondiona vofara,Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.*+
75 Ndinoziva, haiwa Jehovha, kuti mitongo yenyu yakarurama+Uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.+
76 Ndinokumbirawo kuti rudo+ rwenyu rusingachinji rundinyaradze,Maererano nevimbiso yamakaita* kumushumiri wenyu.
77 Ndinzwirei tsitsi, ndirambe ndichirarama,+Nekuti ndinoda mutemo wenyu zvikuru.+
78 Vanozvikudza ngavanyadziswe,Nekuti vanondiitira zvakaipa pasina chikonzero.
Asi ini ndichafungisisa* mirayiro yenyu.+
79 Itai kuti vaya vanokutyai vadzoke kwandiri,Vaya vanoziva zviyeuchidzo zvenyu.
80 Mwoyo wangu ngauve usina mhosva pakutevera mirau yenyu,+Kuti ndirege kunyadziswa.+
כ [Kaph]
81 Ndinosuwa* ruponeso rwenyu,+Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.*
82 Maziso angu anosuwa shoko renyu+Pandinenge ndichiti: “Muchandinyaradza riini?”+
83 Nekuti ndava sehomwe yedehwe yakakokonyara iri muutsi,Asi mirau yenyu handikanganwi.+
84 Mushumiri wenyu anofanira kumirira kwemazuva mangani?
Muchatonga riini vaya vanonditambudza?+
85 Vanozvikudza vanondicherera makomba,Vaya vanopandukira mutemo wenyu.
86 Mirayiro yenyu yese yakavimbika.
Vanhu vanonditambudza pasina chikonzero; ndibatsireiwo!+
87 Vakapotsa vandiparadza panyika,Asi handina kusiya mirayiro yenyu.
88 Ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji,Kuti ndichengete zviyeuchidzo zvamakataura.
ל [Lamed]
89 Nekusingaperi, haiwa Jehovha,Shoko renyu richaramba riri kumatenga.+
90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo muzvizvarwa zvese.+
Makanyatsosimbisa nyika, zvekuti inoramba iripo.+
91 Mitongo yenyu ndiyo yakaita kuti zvirambe* zviripo kusvikira nhasi,Nekuti zvese vashumiri venyu.
92 Dai ndakanga ndisingadi mutemo wenyu kwazvo,Ndingadai ndakaparara mukutambudzika kwangu.+
93 Handifi ndakakanganwa mirayiro yenyu,Nekuti ndiyo yamakandichengeta nayo ndiri mupenyu.+
94 Ndiri wenyu; ndiponesei,+Nekuti ndakatsvaga mirayiro yenyu.+
95 Vakaipa vanomirira kuti vandiparadze,Asi ndinonyatsoteerera zviyeuchidzo zvenyu.
96 Ndakaona kuti kukwana kwese kune pakunogumira,Asi murayiro wenyu hauna muganhu.
מ [Mem]
97 Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!+
Ndinoswera ndichiufungisisa.*+
98 Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,+Nekuti uneni nekusingaperi.
99 Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese,+Nekuti ndinofungisisa* zviyeuchidzo zvenyu.
100 Ndinonzwisisa kupfuura varume vakuru,Nekuti ndinochengeta mirayiro yenyu.
101 Ndinoramba kufamba munzira dzese dzakaipa,+Kuti ndichengete shoko renyu.
102 Handitsauki pamitongo yenyu,Nekuti makandirayiridza.
103 Zvamunotaura zvinotapira chaizvo mukanwa mangu,Kutapira kupfuura uchi!+
104 Mirayiro yenyu inoita kuti ndiite zvinhu nekuchenjera.+
Ndokusaka ndichivenga nzira dzese dzenhema.+
נ [Nun]
105 Shoko renyu irambi retsoka dzangu,Uye chiedza panzira yangu.+
106 Ndakapika mhiko, uye ndichaizadzisa,Kuti ndichengete mitongo yenyu yakarurama.
107 Ndakatambudzwa kwazvo.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano neshoko renyu.+
108 Fariraiwo zvibayiro zvangu zvekurumbidza zvandinopa ndichizvidira,*+ haiwa Jehovha,Uye ndidzidzisei mitongo yenyu.+
109 Upenyu hwangu hunogara huri pangozi,*Asi handina kukanganwa mutemo wenyu.+
110 Vakaipa vakanditeya,Asi handina kutsauka pamirayiro yenyu.+
111 Ndinoita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nekusingaperi,*Nekuti ndizvo zvinofarirwa nemwoyo wangu.+
112 Ndakazvipira kuteerera* mirau yenyuNguva dzese, kusvikira pakupedzisira.
ס [Samekh]
113 Ndinovenga vane mwoyo miviri,+Asi ndinoda mutemo wenyu.+
114 Muri nzvimbo yangu yekuhwanda nenhoo yangu,+Nekuti shoko renyu ndiro tariro yangu.*+
115 Ibvai kwandiri, imi vanoita zvakaipa,+Kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu.
116 Nditsigirei sezvamakavimbisa,*+Kuti ndirambe ndichirarama;Musaita kuti tariro yangu ive kuora mwoyo.*+
117 Nditsigirei kuti ndiponeswe;+Ndichabva ndaramba ndakaisa pfungwa pamirau yenyu.+
118 Munoramba vese vanotsauka pamirau yenyu,+Nekuti vanonyepa uye vanonyengera.
119 Munorasa vakaipa vese vari panyika setsvina isingabatsiri.+
Ndokusaka ndichida zviyeuchidzo zvenyu.
120 Kukutyai kwandinoita kunoita kuti muviri wangu ubvunde;*Ndinotya mitongo yenyu.
ע [Ayin]
121 Ndakatonga zvakarurama uye ndakaita zvakarurama.
Musandiisa mumaoko evadzvinyiriri vangu!
122 Vimbisai mushumiri wenyu kuti achagara zvakanaka;Vanozvikudza ngavarege kundidzvinyirira.
123 Maziso angu aneta nekumirira ruponeso rwenyu+Uye vimbiso yenyu yakarurama.*+
124 Ratidzai mushumiri wenyu rudo rwenyu rusingachinji,+Mundidzidzise mirau yenyu.+
125 Ndiri mushumiri wenyu; itai kuti ndinzwisise,+Kuti ndizive zviyeuchidzo zvenyu.
126 Nguva yekuti Jehovha aite chimwe chinhu yasvika,+Nekuti vakatyora mutemo wenyu.
127 Ndokusaka ndichida mirayiro yenyuKupfuura goridhe, kunyange goridhe rakanatswa.+
128 Saka ndinotenda kuti mirayiro yese inobva kwamuri yakarurama;+Ndinovenga nzira dzese dzenhema.+
פ [Pe]
129 Zviyeuchidzo zvenyu zvinoshamisa.
Ndokusaka ndichizvichengeta.*
130 Kuziviswa kwemashoko enyu kunopa chiedza,+Kuchiita kuti vasina ruzivo vanzwisise.+
131 Ndinoshama muromo wangu ndofemereka,Nekuti ndinosuwa mirayiro yenyu.+
132 Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha,+Maererano nematongero amunoita vaya vanoda zita renyu.+
133 Tungamirirai nhanho dzangu pasina ngozi* nezvamunotaura;Ngaparege kuva nechinhu chakaipa chinondikurira.+
134 Ndinunurei* pavanhu vanodzvinyirira,Uye ndichachengeta mirayiro yenyu.
135 Itai kuti chiso chenyu chipenyere* mushumiri wenyu,+Uye ndidzidzisei mirau yenyu.
136 Misodzi inoyerera mumaziso anguNekuti vanhu havachengeti mutemo wenyu.+
צ [Tsade]
137 Makarurama, haiwa Jehovha,+Uye mitongo yenyu yakarurama.+
138 Zviyeuchidzo zvamunopa zvakaruramaUye zvakanyatsovimbika.
139 Kushingaira kwangu kunondipedza,+Nekuti mhandu dzangu dzakanganwa mashoko enyu.
140 Zvamunotaura zvakanatswa kwazvo,+Uye mushumiri wenyu anozvida.+
141 Handikoshi uye ndinozvidzwa;+Asi handina kukanganwa mirayiro yenyu.
142 Kururama kwenyu kururama kunogara nariini nariini,+Uye mutemo wenyu ichokwadi.+
143 Kunyange kutambudzika nekunetseka zvichindiwira,Ndinoramba ndichida mirayiro yenyu kwazvo.
144 Kururama kwezviyeuchidzo zvenyu kunogara nekusingaperi.
Itai kuti ndinzwisise,+ kuti ndirambe ndichirarama.
ק [Qoph]
145 Ndinoshevedzera nemwoyo wangu wese. Ndipindureiwo, Jehovha.
Ndichachengeta mirau yenyu.
146 Ndinoshevedzera kwamuri; ndiponeseiwo!
Ndichachengeta zviyeuchidzo zvenyu.
147 Ndanga ndakamuka mambakwedza asati asvika, kuti ndichemere kubatsirwa,+Nekuti mashoko enyu ndiyo tariro yangu.*
148 Maziso angu anosvinura nguva yekurinda kweusiku isati yakwana,Kuti ndifungisise* zvamakataura.+
149 Inzwai inzwi rangu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu.
150 Vaya vanoita zvinonyadzisa vanouya pedyo;Vari kure kure nemutemo wenyu.
151 Muri pedyo, haiwa Jehovha,+Uye mirayiro yenyu yese ichokwadi.+
152 Ndakadzidza kare kare nezvezviyeuchidzo zvenyu,Zvamakaita kuti zvigare nekusingaperi.+
ר [Resh]
153 Tarisai muone kutambudzika kwangu, mundinunure,+Nekuti handina kukanganwa mutemo wenyu.
154 Ndidzivirirei* mundinunure;+Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nezvamakavimbisa.*
155 Ruponeso ruri kure nevakaipa,Nekuti havana kutsvaga mirau yenyu.+
156 Tsitsi dzenyu ihuru, haiwa Jehovha.+
Ndichengetedzei ndiri mupenyu maererano nekururama kwenyu.
157 Vatambudzi vangu uye vavengi vangu vazhinji;+Asi handina kutsauka pazviyeuchidzo zvenyu.
158 Ndinotarisa vanyengeri ndichisemeswa,Nekuti havachengeti zvamakataura.+
159 Onai kuda kwandinoita mirayiro yenyu!
Haiwa Jehovha, ndichengetedzei ndiri mupenyu nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji.+
160 Shoko renyu rese ichokwadi,+Uye mitongo yenyu yese yakarurama inoramba iripo nekusingaperi.
ש [Sin] kana kuti [Shin]
161 Machinda anonditambudza+ pasina chikonzero,Asi mwoyo wangu unoramba uchishamiswa nemashoko enyu.+
162 Ndinopembera pamusoro pezvamakataura+Sezvinoita munhu awana zvinhu zvakawanda zvekupamba.
163 Ndinovenga nhema, zvekudzisema,+Asi ndinoda mutemo wenyu.+
164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuvaNekuda kwemitongo yenyu yakarurama.
165 Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru;+Hapana chingaita kuti vagumburwe.
166 Ndinotarisira mabasa enyu ekuponesa, haiwa Jehovha,Uye ndinochengeta mirayiro yenyu.
167 Ndinochengeta* zviyeuchidzo zvenyu,Uye ndinozvida nemwoyo wese.+
168 Ndinochengeta mirayiro yenyu nezviyeuchidzo zvenyu,Nekuti munoziva zvese zvandinoita.+
ת [Taw]
169 Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakusvike kwamuri, haiwa Jehovha.+
Itai kuti ndinzwisise, maererano neshoko renyu.+
170 Kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha ngakusvike pamberi penyu.
Ndiponesei, sezvamakavimbisa.*
171 Muromo wangu ngaufashukire nekurumbidza,+Nekuti munondidzidzisa mirau yenyu.
172 Rurimi rwangu ngaruimbe nezvezvamakataura,+Nekuti mirayiro yenyu yese yakarurama.
173 Ruoko rwenyu ngarugadzirire kundibatsira,+Nekuti ndinosarudza kuteerera mirayiro yenyu.+
174 Ndinosuwa ruponeso rwenyu, haiwa Jehovha,Uye ndinoda mutemo wenyu kwazvo.+
175 Regai ndirarame* kuti ndikurumbidzei;+Mitongo yenyu ngaindibatsire.
176 Ndakadzungaira segwai rakarasika.+ Tsvagai mushumiri wenyu,Nekuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Haiwa kudai nzira dzangu dzainge dzakanyatsosimbiswa.”
^ Kana kuti “Ndichadzidza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wapera.”
^ Kana kuti “anodzidza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu unozvambarara.”
^ ChiHeb., “nzira yemirayiro.”
^ Kana kuti “ndidzidze nezvemabasa.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wanga uchishaya.”
^ Kana kuti “ndinyadziswe.”
^ ChiHeb., “Ndichamhanya munzira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “munoita kuti mwoyo wangu uve nechivimbo.”
^ Kana kuti “Itai kuti ndifambe.”
^ Kana kuti “uwane mubereko.”
^ Kana kuti “zvamakataura.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Izvo zvinoitirwa vaya vanokutyai.”
^ Kana kuti “nezvamakataura.”
^ Kana kuti “ndinomirira.”
^ Kana kuti “yakakura.”
^ Kana kuti “ndichadzidza.”
^ Kana kuti “vimbiso yenyu.”
^ Kana kuti “Ramakaita kuti ndimirire.”
^ Kana kuti “Muimba yandinogara semutorwa.”
^ Kana kuti “nezvamakataura.”
^ Kana kuti “ndaitadza ndisingazivi.”
^ Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
^ Kana kuti “nezvamakataura.”
^ Kana kuti “ndichadzidza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu unosuwa.”
^ Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
^ Kureva, zvinhu zvese zvaakasika.
^ Kana kuti “ndichiudzidza.”
^ Kana kuti “ndinodzidza.”
^ ChiHeb., “zvibayiro zvekuzvidira zvemuromo wangu.”
^ Kana kuti “Ndinogara ndakabatira mweya wangu mumaoko.”
^ Kana kuti “zvive nhaka yangu nariini nariini.”
^ Kana kuti “Ndakaita kuti mwoyo wangu uteerere.”
^ Kana kuti “ndinomirira shoko renyu.”
^ Kana kuti “maererano nezvamakataura.”
^ Kana kuti “inyadziswe.”
^ Kana kuti “nyama yangu ibvunde.”
^ Kana kuti “zvamunotaura zvakarurama.”
^ Kana kuti “mweya wangu uchizvichengeta.”
^ Kana kuti “Dzikamisai nhanho dzangu.”
^ ChiHeb., “Ndidzikinurei.”
^ Kana kuti “Nyemwererai.”
^ Kana kuti “ndinomirira mashoko enyu.”
^ Kana kuti “ndidzidze.”
^ Kana kuti “Ndimiririrei pandiri kutongwa.”
^ Kana kuti “nezvamakataura.”
^ Kana kuti “Mweya wangu unochengeta.”
^ Kana kuti “maererano nezvamakataura.”
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurarame.”