Mapisarema 136:1-26

  • Rudo rwaJehovha rusingachinji runogara nekusingaperi

    • Denga nenyika zvakaitwa neunyanzvi (5, 6)

    • Farao akafira muGungwa Dzvuku (15)

    • Mwari anoyeuka vanhu vakaora mwoyo (23)

    • Zvekudya kuzvinhu zvese zvipenyu (25)

136  Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+   Ongai Mwari wavanamwari,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.   Ongai Ishe wemadzishe,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.   Iye ega ndiye anoita zvinhu zvikuru zvinoshamisa,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+   Akaita matenga neunyanzvi,*+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.   Akatambanudza nyika pamusoro pemvura,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.   Akaita zviedza zvikuru,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,   Zuva, kuti ritonge masikati,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,   Mwedzi nenyeredzi, kuti zvitonge pamwe chete usiku,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 10  Akauraya matangwe eIjipiti,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 11  Akabudisa vaIsraeri pakati pavo,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi, 12  Neruoko rune simba+ uye neruoko rwakatambanudzwa,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 13  Akakamura Gungwa Dzvuku nepakati,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 14  Akaita kuti vaIsraeri vapfuure nepakati paro,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 15  Akazunzira Farao neuto rake rehondo muGungwa Dzvuku,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 16  Akatungamirira vanhu vake nemurenje,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 17  Akaparadza madzimambo makuru,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 18  Akauraya madzimambo ane simba,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi, 19  Sihoni+ mambo wevaAmori,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi, 20  NaOgi+ mambo weBhashani,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 21  Akagova nyika yavo kuti ive nhaka,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi, 22  Nhaka kumushumiri wake Israeri,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 23  Akatiyeuka patakanga takaderera,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+ 24  Airamba achitinunura kumhandu dzedu,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 25  Anopa zvinhu zvese zvipenyu* zvekudya,+Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi. 26  Ongai Mwari wekumatenga,Nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nekunzwisisa.”
ChiHeb., “nyama yese.”