Mapisarema 40:1-17

  • Kuonga Mwari asina waakaenzana naye

    • Mabasa aMwari akawanda zvekusatsanangurika (5)

    • Zvibayiro hazvisi izvo zvinonyanya kukosheswa naMwari (6)

    • “Ndinofarira kuita kuda kwenyu” (8)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 40  Ndakatarisira kuna Jehovha nemwoyo wese,*Uye akarerekera nzeve yake kwandiri,* akanzwa kuchemera kwangu kubatsirwa.+  2  Akandibudisa mugomba rine mvura ine ruzha,Mumadhaka anotsvedza. Uye akaisa tsoka dzangu pamusoro pedombo;Akasimbisa pandakanga ndakatsika.  3  Akabva aisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,+Rwekurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachatarisa vachishamiswaUye vachavimba naJehovha.  4  Anofara munhu anovimba naJehovhaUye asingavimbi nevanhu vasingateereri kana kuti vanhu venhema.  5  Chokwadi makaita zvinhu zvizhinji,Haiwa Jehovha Mwari wangu,Mabasa enyu anoshamisa mazhinji uye zvamunofunga nezvedu zvakawanda.+ Hakuna mumwe angaenzaniswa nemi;+Kudai ndaida kuedza kuarondedzera uye kutaura nezvawo,Aizondiwandira zvekutadza kuatsanangura!+  6  Hamuna kuda chibayiro* nemupiro,+Asi makavhura nzeve dzangu kuti ndinzwe.+ Hamuna kukumbira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvechivi.+  7  Ndakabva ndati: “Onai, ndauya. Mubhuku makanyorwa nezvangu.+  8  Ndinofarira kuita* kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu,+Uye mutemo wenyu uri mukatikati mangu.+  9  Ndinozivisa mashoko akanaka ekururama muungano yakakura.+ Onai! Handivhari miromo yangu,+Sezvamunonyatsoziva Jehovha. 10  Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu. Ndinozivisa kutendeka kwenyu neruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu muungano yakakura.”+ 11  Haiwa Jehovha, musarega kundinzwira tsitsi. Rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu ngazvigare zvichindichengetedza.+ 12  Matambudziko akandikomba akawanda zvekusaverengeka.+ Zvikanganiso zvangu zvakawanda zvekunditadzisa kuona nzira yangu;+Zvakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu,Uye ndaora mwoyo. 13  Haiwa Jehovha, ivai nechido chekundiponesa.+ Haiwa Jehovha, kurumidzai kuzondibatsira.+ 14  Dai vese vari kutsvaga kundiuraya*Vakanyara uye vakashaya pekupinda. Dai vaya vanofarira dambudziko ranguVakadzokera vachinyara. 15  Dai vaya vari kuti kwandiri: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!” Vakavhundutswa nenyadzi dzavo. 16  Asi itai kuti vaya vari kukutsvagai+Vapembere nemufaro vachikufarirai.+ Vaya vanoda mabasa enyu ekuponesa ngavagare vachiti: “Jehovha ngaakudzwe.”+ 17  Asi ini handina simba uye ndiri murombo;Jehovha ngaafungewo nezvangu. Ndimi mubatsiri wangu nemununuri wangu;+Mwari wangu, musanonoka.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “Ndakamirira Jehovha nemwoyo murefu.”
^ Kana kuti “akakotama kuti anditeerere.”
^ Kana kuti “kufadzwa nechibayiro.”
^ Kana kuti “Chido changu ndechekuita.”
^ Kana kuti “kutsvaga mweya wangu.”