Mapisarema 75:1-10
-
Mwari anotonga zvakarurama
-
Vakaipa vachanwa kapu yaJehovha (8)
-
Kumutungamiriri. Mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
75 Tinokutendai, haiwa Mwari, tinokutendai;Zita renyu riri pedyo,+Uye vanhu vanozivisa mabasa enyu anoshamisa.
2 Munoti: “Pandinotara nguva,Ndinotonga ndisingasaruri.
3 Pakanyungudutswa nyika uye vagari vayo vese,Ndini ndakaita kuti mbiru dzayo dzirambe dzakasimba.” (Sera)
4 Ndinoti kune vaya vanozvirumbidza, “Musazvirumbidza,”Uye kune vakaipa, “Musakwidziridza simba renyu.*
5 Musakwidziridzira simba renyu* kumusoroKana kutaura muchizvitutumadza.
6 Nekuti kukwidziridzwa hakubviKumabvazuva kana kumavirira kana kumaodzanyemba.
7 Nekuti Mwari Mutongi.+
Anoderedza mumwe munhu, okwidziridza mumwe.+
8 Nekuti muruoko rwaJehovha mune kapu;+Waini yacho iri kupupuma uye yakanyatsosanganiswa.
Achatoidurura,Uye vakaipa vese vepanyika vachainwa, kusvikira kumasese acho.”+
9 Asi kana ndiri ini, ndichazivisa nezvazvo nekusingaperi;Ndichaimba ndichirumbidza* Mwari waJakobho.
10 Nekuti anoti: “Ndichagura simba rese revakaipa,*Asi simba revakarurama richakwidziridzwa.”*

