Mapisarema 89:1-52

  • Kuimba nezverudo rwaJehovha rusingachinji

    • Sungano naDhavhidhi (3)

    • Mwana waDhavhidhi achagara nekusingaperi (4)

    • Akazodzwa anodana Mwari kuti “Baba” (26)

    • Sungano yaDhavhidhi ndeyechokwadi (34-37)

    • Munhu haagoni kupukunyuka Guva (48)

Maskiri.* Rwiyo rwaEtani+ muEzrahi. 89  Ndichaimba nekusingaperi pamusoro pekuratidza kunoita Jehovha rudo rusingachinji. Nemuromo wangu ndichazivisa zvizvarwa zvese kutendeka kwenyu.   Nekuti ndakati: “Rudo rusingachinji ruchavakwa* nekusingaperi,+Uye makasimbisa kutendeka kwenyu kumatenga.”   “Ndakaita sungano newandakasarudza;+Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi ndichiti:+   ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera)   Matenga anorumbidza mabasa enyu anoshamisa, haiwa Jehovha,Chokwadi, anorumbidza kutendeka kwenyu muungano yevatsvene.   Nekuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+ Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+   Mwari anotyiwa neungano yevatsvene;+Mukuru uye anoshamisa kune vese vakamupoteredza.+   Haiwa Jehovha Mwari wemauto,Ndiani ane simba semi, haiwa Jah?+ Kutendeka kwenyu kwakakupoteredzai.+   Munotonga gungwa riri kuviruka;+Mafungu aro paanosimuka nesimba, munoadzikamisa.+ 10  Makakunda Rahabhi,+ akaita semunhu aurayiwa.+ Makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rune simba.+ 11  Matenga ndeenyu, uye pasi ndepenyu;+Ndimi makaita nyika nezvakazara pairi.+ 12  Ndimi makasika kuchamhembe nekumaodzanyemba;Tabhori+ neHemoni+ zvinorumbidza zita renyu zvichifara. 13  Ruoko rwenyu rune simba guru;+Ruoko rwenyu rwakasimba;+Ruoko rwenyu rwerudyi runokudzwa.+ 14  Kururama uye kutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chenyu cheumambo;+Rudo rusingachinji uye kutendeka zvinomira pamberi penyu.+ 15  Vanofara vanhu vanoziva kupembera nemufaro.+ Haiwa Jehovha, vanofamba muchiedza chechiso chenyu. 16  Vanoswera vachipembera muzita renyu,Uye vanokwidziridzwa mukururama kwenyu. 17  Nekuti ndimi kukudzwa kwesimba ravo,+Uye kutifarira kwenyu kunokwidziridza simba redu.*+ 18  Nekuti nhoo yedu ndeyaJehovha,Mambo wedu ndeweMutsvene waIsraeri.+ 19  Panguva iyoyo makataura muchiratidzo kuvanhu venyu vakavimbika muchiti: “Ndakapa munhu ane simba guru, simba raainaro;+Ndakakwidziridza munhu wandakasarudza pakati pevanhu.+ 20  Ndakawana mushumiri wangu Dhavhidhi;+Ndakamuzodza nemafuta angu matsvene.+ 21  Ruoko rwangu ruchamutsigira,+Uye ruoko rwangu ruchamusimbisa. 22  Hapana muvengi achamubvisisa mutero,Uye hapana munhu asina kururama achamudzvinyirira.+ 23  Ndichapwanya-pwanya mhandu dzake pamberi pake+Uye ndichauraya vaya vanomuvenga.+ 24  Kutendeka kwangu nerudo rwangu rusingachinji zvinaye,+Uye simba rake richakwidziridzwa* muzita rangu. 25  Ndichaisa ruoko rwake* pamusoro pegungwaUye ruoko rwake rwerudyi pamusoro penzizi.+ 26  Achashevedzera kwandiri achiti: ‘Ndimi Baba vangu,Mwari wangu neDombo reruponeso rwangu.’+ 27  Uye ndichaita kuti ave dangwe,+Ave pamusoro pemadzimambo ese epanyika.+ 28  Kusvikira nariini, ndicharamba ndichimuratidza rudo rwangu rusingachinji,+Uye sungano yangu naye haizomboperi.+ 29  Ndichasimbisa mwana* wake nekusingaperi,Ndoita kuti chigaro chake cheumambo chirambe chiripo sematenga.+ 30  Kana vanakomana vake vakasiya mutemo wanguVorega kufamba maererano nemitongo* yangu, 31  Kana vakatyora mirau yanguUye vakasachengeta mirayiro yangu, 32  Ndichabva ndavarova neshamhu ndichivarangira kusateerera* kwavo+Uye ndichavazvambura pamusana pekukanganisa kwavo. 33  Asi handizoregi kumuratidza rudo rwangu rusingachinji+Kana kurega kuita zvandakavimbisa.* 34  Handizotyori sungano yangu+Kana kuchinja zvakataurwa nemiromo yangu.+ 35  Ndakapika kamwe chete muutsvene hwangu;Handizotauri nhema kuna Dhavhidhi.+ 36  Mwana* wake acharamba aripo nekusingaperi;+Chigaro chake chicharamba chiripo sezuva pamberi pangu.+ 37  Chichasimbiswa nekusingaperi semwedzi,Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Sera) 38  Asi imi makamurasa uye makamuramba;+Makashatirirwa muzodziwa wenyu. 39  Makaramba sungano yamakaita nemushumiri wenyu;Makasvibisa korona yake nekuikanda pasi. 40  Makaputsa madziro ake ese ematombo;*Makaita kuti masvingo ake ave matongo. 41  Vese vanopfuura nemunzira vakapamba zvinhu zvake;Ava kuzvidzwa nevavakidzani vake.+ 42  Makaita kuti mhandu dzake dzikunde;*+Makaita kuti vavengi vake vese vafare. 43  Makadzosawo bakatwa rake,Uye makaita kuti akundwe muhondo. 44  Makagumisa kubwinya kwake,Uye makakanda pasi chigaro chake cheumambo. 45  Makatapudza mazuva eudiki hwake;Makamupfekedza nyadzi. (Sera) 46  Haiwa Jehovha, mucharamba makahwanda kusvikira riini? Nekusingaperi here?+ Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto here? 47  Yeukai kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii!+ Makasika vanhu vese musina chinangwa here? 48  Ndiani munhu angararama asingazooni rufu?+ Anogona kuzviponesa* pasimba reGuva* here? (Sera) 49  Haiwa Jehovha, mabasa enyu erudo rusingachinji amaimboita ari kupi,Amakapika nezvawo kuna Dhavhidhi mukutendeka kwenyu?+ 50  Haiwa Jehovha, yeukai kuzvidzwa kuri kuitwa vashumiri venyu;Kutakura kwandiri kufanira kuita* kuzvidza kwemarudzi ese; 51  Kutuka kwakaita vavengi venyu, haiwa Jehovha;Kutuka kwavaiita pese paitsikwa nemuzodziwa wenyu. 52  Jehovha ngaarumbidzwe nekusingaperi. Ameni, Ameni.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “rucharamba ruripo.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “nyanga yedu.”
ChiHeb., “nyanga yake ichakwidziridzwa.”
Kana kuti “Ndichaita kuti ave nesimba.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “nemirau.”
Kana kuti “kupanduka.”
ChiHeb., “Kana kukundikana pakutendeka kwangu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “dzimba dzake dzese dzematombo.”
ChiHeb., “Makasimudza ruoko rwerudyi rwemhandu dzake.”
Kana kuti “kuponesa mweya wake.”
ChiHeb., “paruoko rweSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
ChiHeb., “kuita muchipfuva changu.”