Mapisarema 89:1-52
Maskiri.* Rwiyo rwaEtani+ muEzrahi.
89 Ndichaimba nekusingaperi pamusoro pekuratidza kunoita Jehovha rudo rusingachinji.
Nemuromo wangu ndichazivisa zvizvarwa zvese kutendeka kwenyu.
2 Nekuti ndakati: “Rudo rusingachinji ruchavakwa* nekusingaperi,+Uye makasimbisa kutendeka kwenyu kumatenga.”
3 “Ndakaita sungano newandakasarudza;+Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi ndichiti:+
4 ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera)
5 Matenga anorumbidza mabasa enyu anoshamisa, haiwa Jehovha,Chokwadi, anorumbidza kutendeka kwenyu muungano yevatsvene.
6 Nekuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+
Ndiani akaita saJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+
7 Mwari anotyiwa neungano yevatsvene;+Mukuru uye anoshamisa kune vese vakamupoteredza.+
8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto,Ndiani ane simba semi, haiwa Jah?+
Kutendeka kwenyu kwakakupoteredzai.+
9 Munotonga gungwa riri kuviruka;+Mafungu aro paanosimuka nesimba, munoadzikamisa.+
10 Makakunda Rahabhi,+ akaita semunhu aurayiwa.+
Makaparadzira vavengi venyu neruoko rwenyu rune simba.+
11 Matenga ndeenyu, uye pasi ndepenyu;+Ndimi makaita nyika nezvakazara pairi.+
12 Ndimi makasika kuchamhembe nekumaodzanyemba;Tabhori+ neHemoni+ zvinorumbidza zita renyu zvichifara.
13 Ruoko rwenyu rune simba guru;+Ruoko rwenyu rwakasimba;+Ruoko rwenyu rwerudyi runokudzwa.+
14 Kururama uye kutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chenyu cheumambo;+Rudo rusingachinji uye kutendeka zvinomira pamberi penyu.+
15 Vanofara vanhu vanoziva kupembera nemufaro.+
Haiwa Jehovha, vanofamba muchiedza chechiso chenyu.
16 Vanoswera vachipembera muzita renyu,Uye vanokwidziridzwa mukururama kwenyu.
17 Nekuti ndimi kukudzwa kwesimba ravo,+Uye kutifarira kwenyu kunokwidziridza simba redu.*+
18 Nekuti nhoo yedu ndeyaJehovha,Mambo wedu ndeweMutsvene waIsraeri.+
19 Panguva iyoyo makataura muchiratidzo kuvanhu venyu vakavimbika muchiti:
“Ndakapa munhu ane simba guru, simba raainaro;+Ndakakwidziridza munhu wandakasarudza pakati pevanhu.+
20 Ndakawana mushumiri wangu Dhavhidhi;+Ndakamuzodza nemafuta angu matsvene.+
21 Ruoko rwangu ruchamutsigira,+Uye ruoko rwangu ruchamusimbisa.
22 Hapana muvengi achamubvisisa mutero,Uye hapana munhu asina kururama achamudzvinyirira.+
23 Ndichapwanya-pwanya mhandu dzake pamberi pake+Uye ndichauraya vaya vanomuvenga.+
24 Kutendeka kwangu nerudo rwangu rusingachinji zvinaye,+Uye simba rake richakwidziridzwa* muzita rangu.
25 Ndichaisa ruoko rwake* pamusoro pegungwaUye ruoko rwake rwerudyi pamusoro penzizi.+
26 Achashevedzera kwandiri achiti: ‘Ndimi Baba vangu,Mwari wangu neDombo reruponeso rwangu.’+
27 Uye ndichaita kuti ave dangwe,+Ave pamusoro pemadzimambo ese epanyika.+
28 Kusvikira nariini, ndicharamba ndichimuratidza rudo rwangu rusingachinji,+Uye sungano yangu naye haizomboperi.+
29 Ndichasimbisa mwana* wake nekusingaperi,Ndoita kuti chigaro chake cheumambo chirambe chiripo sematenga.+
30 Kana vanakomana vake vakasiya mutemo wanguVorega kufamba maererano nemitongo* yangu,
31 Kana vakatyora mirau yanguUye vakasachengeta mirayiro yangu,
32 Ndichabva ndavarova neshamhu ndichivarangira kusateerera* kwavo+Uye ndichavazvambura pamusana pekukanganisa kwavo.
33 Asi handizoregi kumuratidza rudo rwangu rusingachinji+Kana kurega kuita zvandakavimbisa.*
34 Handizotyori sungano yangu+Kana kuchinja zvakataurwa nemiromo yangu.+
35 Ndakapika kamwe chete muutsvene hwangu;Handizotauri nhema kuna Dhavhidhi.+
36 Mwana* wake acharamba aripo nekusingaperi;+Chigaro chake chicharamba chiripo sezuva pamberi pangu.+
37 Chichasimbiswa nekusingaperi semwedzi,Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Sera)
38 Asi imi makamurasa uye makamuramba;+Makashatirirwa muzodziwa wenyu.
39 Makaramba sungano yamakaita nemushumiri wenyu;Makasvibisa korona yake nekuikanda pasi.
40 Makaputsa madziro ake ese ematombo;*Makaita kuti masvingo ake ave matongo.
41 Vese vanopfuura nemunzira vakapamba zvinhu zvake;Ava kuzvidzwa nevavakidzani vake.+
42 Makaita kuti mhandu dzake dzikunde;*+Makaita kuti vavengi vake vese vafare.
43 Makadzosawo bakatwa rake,Uye makaita kuti akundwe muhondo.
44 Makagumisa kubwinya kwake,Uye makakanda pasi chigaro chake cheumambo.
45 Makatapudza mazuva eudiki hwake;Makamupfekedza nyadzi. (Sera)
46 Haiwa Jehovha, mucharamba makahwanda kusvikira riini? Nekusingaperi here?+
Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto here?
47 Yeukai kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii!+
Makasika vanhu vese musina chinangwa here?
48 Ndiani munhu angararama asingazooni rufu?+
Anogona kuzviponesa* pasimba reGuva* here? (Sera)
49 Haiwa Jehovha, mabasa enyu erudo rusingachinji amaimboita ari kupi,Amakapika nezvawo kuna Dhavhidhi mukutendeka kwenyu?+
50 Haiwa Jehovha, yeukai kuzvidzwa kuri kuitwa vashumiri venyu;Kutakura kwandiri kufanira kuita* kuzvidza kwemarudzi ese;
51 Kutuka kwakaita vavengi venyu, haiwa Jehovha;Kutuka kwavaiita pese paitsikwa nemuzodziwa wenyu.
52 Jehovha ngaarumbidzwe nekusingaperi. Ameni, Ameni.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “rucharamba ruripo.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “nyanga yedu.”
^ ChiHeb., “nyanga yake ichakwidziridzwa.”
^ Kana kuti “Ndichaita kuti ave nesimba.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “nemirau.”
^ Kana kuti “kupanduka.”
^ ChiHeb., “Kana kukundikana pakutendeka kwangu.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “dzimba dzake dzese dzematombo.”
^ ChiHeb., “Makasimudza ruoko rwerudyi rwemhandu dzake.”
^ Kana kuti “kuponesa mweya wake.”
^ ChiHeb., “paruoko rweSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “kuita muchipfuva changu.”