Mapisarema 122:1-9

  • Munyengetero werugare rweJerusarema

    • Mufaro wekuenda kuimba yaJehovha (1)

    • Guta rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe (3)

Rwiyo Rwekukwidza. RwaDhavhidhi. 122  Ndakafara pavakati kwandiri: “Handei kuimba yaJehovha.”+   Uye iye zvino tsoka dzedu dzakamiraMumagedhi ako, iwe Jerusarema.+   Jerusarema rakavakwa segutaRakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe.+   Madzinza akakwira achienda ikoko,Madzinza aJah,*Maererano nechiyeuchidzo chakapiwa Israeri,Kuti aonge zita raJehovha.+   Nekuti zvigaro zveumambo zvekutonga zvakaiswa ikoko,+Zvigaro zveumambo zveimba yaDhavhidhi.+   Kumbirai kuti Jerusarema rive nerugare.+ Iwe guta, vaya vanokuda vachachengeteka.   Rugare ngarurambe ruri mukati merusvingo rwako runodzivirira,Kuchengeteka ngakurambe kuri mukati meshongwe dzenyu dzakavakwa zvakasimba.   Nekuda kwehama neshamwari dzangu ndichati: “Rugare ngaruve mukati mako.”   Nekuda kweimba yaJehovha Mwari wedu,+Ndichakutsvagira zvakanaka.

Mashoko Emuzasi

“Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.