Mapisarema 97:1-12
97 Jehovha ava Mambo!+
Nyika ngaifare.+
Zvitsuwa zvizhinji ngazvipembere.+
2 Makore nerima gobvu zvakamupoteredza;+Kururama nekutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chake cheumambo.+
3 Moto unoenda uri pamberi pake,+Woparadza mhandu dzake dziri kumativi ese.+
4 Mheni yake inovhenekera nyika;Nyika inoiona yodedera.+
5 Makomo anonyunguduka senamo pamberi paJehovha,+Pamberi paIshe wenyika yese.
6 Matenga anozivisa nezvekururama kwake,Uye marudzi ese anoona kukudzwa kwake.+
7 Vese vaya vanoshumira chero mufananidzo wakavezwa ngavanyadziswe,+Vaya vanozvirumbidza navanamwari vasina zvavanobatsira.+
Mukotamirei,* imi mese vanamwari.+
8 Ziyoni rinonzwa ropembera;+Maguta eJudha ari kufara*Nekuda kwemitongo yenyu, haiwa Jehovha.+
9 Nekuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Wekumusorosoro ari kumusoro kwenyika yese;Makakwirira kupfuura vamwe vanamwari vese nekure.+
10 Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.+
Iye anochengetedza upenyu hwevanhu* vake vakavimbika;+Anovanunura mumaoko evakaipa.*+
11 Chiedza chakavhenekera vakarurama+Uye mufaro wakabudira vaya vane mwoyo yakarurama.
12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama,Ongai zita rake dzvene.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Munamatei.”
^ ChiHeb., “vanasikana veJudha vari kufara.”
^ Kana kuti “mweya yevanhu.”
^ Kana kuti “pasimba revakaipa.”