Mapisarema 97:1-12

  • Jehovha anorumbidzwa kupfuura vamwe vanamwari

    • “Jehovha ava Mambo!” (1)

    • Idai Jehovha, vengai zvakaipa (10)

    • Chiedza chevakarurama (11)

97  Jehovha ava Mambo!+ Nyika ngaifare.+ Zvitsuwa zvizhinji ngazvipembere.+   Makore nerima gobvu zvakamupoteredza;+Kururama nekutonga zvakarurama ndizvo nheyo dzechigaro chake cheumambo.+   Moto unoenda uri pamberi pake,+Woparadza mhandu dzake dziri kumativi ese.+   Mheni yake inovhenekera nyika;Nyika inoiona yodedera.+   Makomo anonyunguduka senamo pamberi paJehovha,+Pamberi paIshe wenyika yese.   Matenga anozivisa nezvekururama kwake,Uye marudzi ese anoona kukudzwa kwake.+   Vese vaya vanoshumira chero mufananidzo wakavezwa ngavanyadziswe,+Vaya vanozvirumbidza navanamwari vasina zvavanobatsira.+ Mukotamirei,* imi mese vanamwari.+   Ziyoni rinonzwa ropembera;+Maguta eJudha ari kufara*Nekuda kwemitongo yenyu, haiwa Jehovha.+   Nekuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Wekumusorosoro ari kumusoro kwenyika yese;Makakwirira kupfuura vamwe vanamwari vese nekure.+ 10  Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.+ Iye anochengetedza upenyu hwevanhu* vake vakavimbika;+Anovanunura mumaoko evakaipa.*+ 11  Chiedza chakavhenekera vakarurama+Uye mufaro wakabudira vaya vane mwoyo yakarurama. 12  Farai muna Jehovha, imi vakarurama,Ongai zita rake dzvene.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Munamatei.”
ChiHeb., “vanasikana veJudha vari kufara.”
Kana kuti “mweya yevanhu.”
Kana kuti “pasimba revakaipa.”