SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Ungashandisa Sei Zvakanaka Zvinhu Zvaunowana?

Shona
Ungashandisa Sei Zvakanaka Zvinhu Zvaunowana?
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/1001061100/univ/wpub/1001061100_univ_sqr_xl.jpg
nwt p. 25

MUBVUNZO 14

Ungashandisa Sei Zvakanaka Zvinhu Zvaunowana?

“Munhu anoda zvemafaro achava murombo; munhu anoda waini nemafuta haazopfumi.”

Zvirevo 21:17

“Munhu anokwereta muranda weanomukweretesa.”

Zvirevo 22:7

“Ndiani wenyu asingatangi agara pasi kana achida kuvaka shongwe, kuti averenge zvaachashandisa, kuti aone kana aine zvinokwana kuzoipedza? Kana akasadaro, anogona kuvaka faundesheni ozotadza kuipedza, vese vanoona votanga kumuseka, vachiti: ‘Murume uyu akatanga kuvaka asi akatadza kupedza.’”

Ruka 14:28-30

“Pavakanga vaguta, akati kuvadzidzi vake: ‘Unganidzai zvasara, kuti parege kuva nezvinopambadzwa.’”

Johani 6:12