Mapisarema 66:1-20
Kumutungamiriri. Pisarema. Rwiyo.
66 Shevedzerai kuna Mwari muchifara, imi nyika yese.+
2 Imbai muchirumbidza zita rake rinokudzwa.
Murumbidzei uye mukudzei.+
3 Taurai kuna Mwari kuti: “Mabasa enyu anoshamisa zvikuru!+
Nekuda kwesimba renyu guru,Vavengi venyu vachadedera pamberi penyu.+
4 Nyika yese ichakukotamirai;+Vachaimba vachikurumbidzai;Vachaimba vachirumbidza zita renyu.”+ (Sera)
5 Uyai muone mabasa aMwari.
Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinoshamisa.+
6 Akachinja gungwa kuva nyika yakaoma;+Vakayambuka rwizi netsoka.+
Takafara nezvaakatiitira ipapo.+
7 Anotonga nekusingaperi+ nesimba rake.
Maziso ake anogara akatarisa zviri kuitwa nemarudzi.+
Vaya vakaoma musoro havafaniri kuzvikwidziridza.+ (Sera)
8 Rumbidzai Mwari wedu, imi marudzi,+Uye itai kuti inzwi rekumurumbidza rinzwike.
9 Anochengetedza upenyu hwedu;+Haana kubvumira kuti tsoka dzedu dzigumburwe.*+
10 Nekuti makationgorora, haiwa Mwari;+Makatinatsa sekunatswa kunoitwa sirivha.
11 Makatipinza mumambure ekuvhimisa;Makaisa mutoro unorema patiri.
12 Makabvumira kuti vanhu vatasve mabhiza vachititsika-tsika;Takapinda nemumoto uye nemumvura;Mukazotiunza kunzvimbo yekuzororera.
13 Ndichapinda mumba menyu nezvibayiro zvinopiswa;+Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri+
14 Dzandakavimbisa nemiromo yangu+Uye dzandakataura nemuromo wangu pandaitambudzika.
15 Ndichakupai zvibayiro zvinopiswa zvemhuka dzakakodzwaNeutsi hwechibayiro chemakondohwe.
Ndichapa mikono yemombe pamwe chete nenhongo. (Sera)
16 Uyai muteerere, imi mese munotya Mwari,Uye ndichakuudzai zvaakandiitira.*+
17 Ndakashevedzera kwaari nemuromo wanguUye ndakamurumbidza nerurimi rwangu.
18 Dai ndakachengeta zvinhu zvakaipa mumwoyo mangu,Jehovha angadai asina kundinzwa.+
19 Asi Mwari akanzwa;+Akateerera munyengetero wangu.+
20 Mwari ngaarumbidzwe, asina kuramba munyengetero wanguKana kubvisa mutsa wake pandiri.