Mapisarema 66:1-20

  • Mabasa anoshamisa aMwari

    • “Uyai muone mabasa aMwari” (5)

    • “Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri” (13)

    • Mwari anonzwa munyengetero (18-20)

Kumutungamiriri. Pisarema. Rwiyo. 66  Shevedzerai kuna Mwari muchifara, imi nyika yese.+   Imbai muchirumbidza zita rake rinokudzwa. Murumbidzei uye mukudzei.+   Taurai kuna Mwari kuti: “Mabasa enyu anoshamisa zvikuru!+ Nekuda kwesimba renyu guru,Vavengi venyu vachadedera pamberi penyu.+   Nyika yese ichakukotamirai;+Vachaimba vachikurumbidzai;Vachaimba vachirumbidza zita renyu.”+ (Sera)   Uyai muone mabasa aMwari. Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinoshamisa.+   Akachinja gungwa kuva nyika yakaoma;+Vakayambuka rwizi netsoka.+ Takafara nezvaakatiitira ipapo.+   Anotonga nekusingaperi+ nesimba rake. Maziso ake anogara akatarisa zviri kuitwa nemarudzi.+ Vaya vakaoma musoro havafaniri kuzvikwidziridza.+ (Sera)   Rumbidzai Mwari wedu, imi marudzi,+Uye itai kuti inzwi rekumurumbidza rinzwike.   Anochengetedza upenyu hwedu;+Haana kubvumira kuti tsoka dzedu dzigumburwe.*+ 10  Nekuti makationgorora, haiwa Mwari;+Makatinatsa sekunatswa kunoitwa sirivha. 11  Makatipinza mumambure ekuvhimisa;Makaisa mutoro unorema patiri. 12  Makabvumira kuti vanhu vatasve mabhiza vachititsika-tsika;Takapinda nemumoto uye nemumvura;Mukazotiunza kunzvimbo yekuzororera. 13  Ndichapinda mumba menyu nezvibayiro zvinopiswa;+Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri+ 14  Dzandakavimbisa nemiromo yangu+Uye dzandakataura nemuromo wangu pandaitambudzika. 15  Ndichakupai zvibayiro zvinopiswa zvemhuka dzakakodzwaNeutsi hwechibayiro chemakondohwe. Ndichapa mikono yemombe pamwe chete nenhongo. (Sera) 16  Uyai muteerere, imi mese munotya Mwari,Uye ndichakuudzai zvaakandiitira.*+ 17  Ndakashevedzera kwaari nemuromo wanguUye ndakamurumbidza nerurimi rwangu. 18  Dai ndakachengeta zvinhu zvakaipa mumwoyo mangu,Jehovha angadai asina kundinzwa.+ 19  Asi Mwari akanzwa;+Akateerera munyengetero wangu.+ 20  Mwari ngaarumbidzwe, asina kuramba munyengetero wanguKana kubvisa mutsa wake pandiri.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “dzidzedzereke.”
Kana kuti “zvaakaitira mweya wangu.”