Mapisarema 51:1-19

  • Munyengetero wemunhu ari kupfidza zvivi zvake

    • Aiva nechivi kubva pakunambwa (5)

    • “Ndinatsei chivi changu” (7)

    • “Sikai mwoyo wakachena mandiri” (10)

    • Mwoyo wakapwanyika unofadza Mwari (17)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, pakauya muprofita Natani kwaari pashure pekunge Dhavhidhi arara naBhati-shebha.+ 51  Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nerudo rwenyu rusingachinji.+ Dzimai zvitadzo zvangu maererano nekuwanda kwetsitsi dzenyu.+   Nyatsondigezai kukanganisa kwangu,+Uye ndichenesei pachivi changu.+   Nekuti ndinonyatsoziva zvitadzo zvangu,Uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.*+   Ndakanyanya kutadzira imi;*+Zvandakaita pamberi penyu zvakaipa.+ Saka makarurama pamunotaura,Mitongo yamunopa yakarurama.+   Onai! Ndakaberekwa ndichikanganisa, Uye amai vangu vakandinambira muchivi.+   Onai! Munofarira chokwadi chiri mukati memunhu;+Ndidzidzisei kuti ndive neuchenjeri mukati mangu.   Ndinatsei chivi changu nehisopi, kuti ndichene;+Ndigezei, kuti ndichene kupfuura chando.+   Itai kuti ndinzwe manzwi ekufara uye ekupembera,Kuti mapfupa amakapwanya afare.+   Bvisai* chiso chenyu pazvivi zvangu,+Uye dzimai kukanganisa kwangu kwese.+ 10  Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari,+Muise mafungiro matsva mandiri,+ asingazununguki. 11  Regai kundirasira kure nemi;Uye musanditorera mweya wenyu mutsvene. 12  Ndidzorerei mufaro weruponeso rwenyu;+Itai kuti ndive nechido chekukuteererai.* 13  Ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,+Kuti vatadzi vadzoke kwamuri. 14  Ndiponesei pamhosva yekudeura ropa,+ haiwa Mwari, imi Mwari weruponeso rwangu,+Kuti rurimi rwangu ruzivise nezvekururama kwenyu ruchifara.+ 15  Haiwa Jehovha, vhurai miromo yangu,Kuti muromo wangu uzivise kurumbidzwa kwenyu.+ 16  Nekuti hamudi chibayiro, zvimwe ndingadai ndachipa;+Hamufariri chibayiro chinopiswa.+ 17  Zvibayiro zvinofadza Mwari ndiwo mweya wakaputsika;Haiwa Mwari, hamuzorambi* mwoyo wakaputsika newakapwanyika.+ 18  Itirai Ziyoni zvakanaka mukurifarira kwenyu;Vakai masvingo eJerusarema. 19  Uye muchafadzwa nezvibayiro zvekururama,Zvibayiro zvinopiswa uye mipiro inopiswa yese;Mikono yemombe ichabva yabayirwa paatari yenyu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mupfungwa dzangu.”
ChiHeb., “Imi chete ndimi wandakatadzira.”
Kana kuti “Vanzai.”
ChiHeb., “Nditsigirei nemweya unoda.”
Kana kuti “hamuzoshori.”