Mapisarema 47:1-9

  • Mwari ndiye Mambo munyika yese

    • ‘Jehovha anoshamisa’ (2)

    • Imbai muchirumbidza Mwari (6, 7)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ 47  Imi marudzi ese, omberai maoko. Shevedzerai kuna Mwari muchipembera kuti makunda.   Nekuti Jehovha Wekumusorosoro anoshamisa;+NdiMambo mukuru panyika yese.+   Anokunda marudzi achiaisa pasi pedu;Anoisa marudzi pasi petsoka dzedu.+   Anotisarudzira nhaka yedu,+Nhaka yaJakobho, uyo waanoda, yaanodada nayo.+ (Sera)   Mwari akwidza achipembererwa nemufaro;Jehovha akwidza achiridzirwa hwamanda.*   Imbai muchirumbidza Mwari,* imbai muchirumbidza. Imbai muchirumbidza Mambo wedu, imbai muchirumbidza.   Nekuti Mwari ndiMambo wenyika yese;+Imbai muchirumbidza, uye ratidzai kuti mune njere.   Mwari ava Mambo wemarudzi.+ Mwari akagara pachigaro chake chitsvene.   Vatungamiriri vemarudzi vaunganaNevanhu vaMwari waAbrahamu. Nekuti vatongi venyika ndevaMwari.* Iye akakwirira kumusorosoro.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nyanga yegondohwe; bhosvo.”
Kana kuti “Ridzirai Mwari rwiyo.”
Kana kuti “nhoo dzenyika ndedzaMwari.”