Mapisarema 47:1-9
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
47 Imi marudzi ese, omberai maoko.
Shevedzerai kuna Mwari muchipembera kuti makunda.
2 Nekuti Jehovha Wekumusorosoro anoshamisa;+NdiMambo mukuru panyika yese.+
3 Anokunda marudzi achiaisa pasi pedu;Anoisa marudzi pasi petsoka dzedu.+
4 Anotisarudzira nhaka yedu,+Nhaka yaJakobho, uyo waanoda, yaanodada nayo.+ (Sera)
5 Mwari akwidza achipembererwa nemufaro;Jehovha akwidza achiridzirwa hwamanda.*
6 Imbai muchirumbidza Mwari,* imbai muchirumbidza.
Imbai muchirumbidza Mambo wedu, imbai muchirumbidza.
7 Nekuti Mwari ndiMambo wenyika yese;+Imbai muchirumbidza, uye ratidzai kuti mune njere.
8 Mwari ava Mambo wemarudzi.+
Mwari akagara pachigaro chake chitsvene.
9 Vatungamiriri vemarudzi vaunganaNevanhu vaMwari waAbrahamu.
Nekuti vatongi venyika ndevaMwari.*
Iye akakwirira kumusorosoro.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nyanga yegondohwe; bhosvo.”
^ Kana kuti “Ridzirai Mwari rwiyo.”
^ Kana kuti “nhoo dzenyika ndedzaMwari.”