Mapisarema 13:1-6

  • Kumirira kuponeswa naJehovha

    • ‘Nhai Jehovha, kusvikira riini?’ (1, 2)

    • Jehovha anokomborera chaizvo (6)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 13  Nhai Jehovha, muchandikanganwa kusvikira riini? Nekusingaperi here? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira riini?+   Ndicharamba ndichinetseka* kusvikira riini,Ndiine shungu mumwoyo mangu zuva nezuva? Kusvikira riini muvengi wangu achingondikunda?+   Nditariseiwo mundipindure, Jehovha Mwari wangu. Itai kuti maziso angu ave nechiedza, kuti ndirege kurara murufu,   Kuti muvengi wangu arege kuti: “Ndamukunda!” Musaita kuti mhandu dzangu dzifarire kuwa kwangu.+   Kana ndiri ini, ndinovimba nerudo rwenyu rusingachinji;+Mwoyo wangu uchafarira mabasa enyu ekuponesa.+   Ndichaimbira Jehovha, nekuti akandikomborera chaizvo.*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Mweya wangu ucharamba uchinetseka.”
Kana kuti “akandiitira zvakanaka.”