Mapisarema 13:1-6
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
13 Nhai Jehovha, muchandikanganwa kusvikira riini? Nekusingaperi here?
Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira riini?+
2 Ndicharamba ndichinetseka* kusvikira riini,Ndiine shungu mumwoyo mangu zuva nezuva?
Kusvikira riini muvengi wangu achingondikunda?+
3 Nditariseiwo mundipindure, Jehovha Mwari wangu.
Itai kuti maziso angu ave nechiedza, kuti ndirege kurara murufu,
4 Kuti muvengi wangu arege kuti: “Ndamukunda!”
Musaita kuti mhandu dzangu dzifarire kuwa kwangu.+
5 Kana ndiri ini, ndinovimba nerudo rwenyu rusingachinji;+Mwoyo wangu uchafarira mabasa enyu ekuponesa.+
6 Ndichaimbira Jehovha, nekuti akandikomborera chaizvo.*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Mweya wangu ucharamba uchinetseka.”
^ Kana kuti “akandiitira zvakanaka.”