Mapisarema 115:1-18

  • Mwari chete ndiye anofanira kupiwa rukudzo

    • Zvidhori zvisina upenyu (4-8)

    • Nyika yakapiwa vanhu (16)

    • “Vakafa havarumbidzi Jah” (17)

115  Kwete kwatiri, haiwa Jehovha, kwete kwatiri,*Asi rukudzo ngaruuye kuzita renyu+Nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji uye kutendeka kwenyu.+   Nei marudzi achifanira kuti: “Mwari wavo ari kupi?”+   Mwari wedu ari kumatenga;Anoita zvese zvaanoda.   Zvidhori zvavo isirivha negoridhe,Basa remaoko emunhu.+   Zvine muromo, asi hazvitauri;+Zvine maziso, asi hazvioni;   Zvine nzeve, asi hazvinzwi;Zvine mhino, asi hazvinhuhwidzi;   Zvine maoko, asi hazvibati;Zvine tsoka, asi hazvifambi;+Pahuro pazvo hapabudisi inzwi.+   Vanhu vanozvigadzira vachafanana nazvo,+Uye ndizvo zvichaitawo vese vanovimba nazvo.+   Haiwa iwe Israeri, vimba naJehovha,+Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.+ 10  Haiwa imi imba yaAroni,+ vimbai naJehovha,Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. 11  Imi vanotya Jehovha, vimbai naJehovha,+Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.+ 12  Jehovha anotiyeuka uye achakomborera;Achakomborera imba yaIsraeri;+Achakomborera imba yaAroni. 13  Achakomborera vaya vanotya Jehovha,Vadiki pamwe chete nevakuru. 14  Jehovha achaita kuti muwedzere,Imi nevana* venyu.+ 15  Jehovha ngaakukomborerei,+Muiti wedenga nenyika.+ 16  Kana ari matenga, ndeaJehovha,+Asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.+ 17  Vakafa havarumbidzi Jah;+Kunyange vaya vanodzika kurunyararo.*+ 18  Asi ticharumbidza JahKubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi. Rumbidzai Jah!*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Isu hatina chatiinacho, haiwa Jehovha, isu hatina chatiinacho.”
ChiHeb., “nevanakomana.”
Kureva, kurunyararo rwerufu.
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.