Mapisarema 19:1-14

  • Zvakasikwa naMwari uye mutemo wake zvinomupupurira

    • “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari” (1)

    • Mutemo waMwari wakakwana unodzosa simba (7)

    • “Zvivi zvandisingazivi kuti ndakaita” (12)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 19  Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari;+Denga rinozivisa* basa remaoko ake.+   Zuva nezuva kutaura kwazvo kunobuda,Uye usiku hwega hwega zvinoratidza ruzivo.   Hapana kutaura, uye hapana mashoko;Inzwi razvo harinzwiki.   Asi zvazvinotaura zvinosvika* munyika yese,Uye mashoko azvo anosvika kumagumo enyika.*+ Akadzikira zuva tende kumatenga;   Rinoita semurume ari kuroora ari kubuda muimba yekuchatira;Rinopembera semurume ane simba ari kumhanya munzira yake.   Rinobuda richibva kune mumwe mugumo wematenga,Uye rinotenderera kusvika kune mumwe mugumo;+Uye hapana chakavanzwa pakupisa kwaro.   Mutemo waJehovha wakakwana,+ unodzosa simba.*+ Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika,+ chinochenjedza asina ruzivo.+   Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare;+Murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye.+   Kutya Jehovha+ kwakachena, kunoramba kuripo nekusingaperi. Mitongo yaJehovha ndeyechokwadi, yese yakarurama.+ 10  Inodiwa kupfuura goridhe,Kupfuura goridhe rakawanda rakanatswa,+Uye inotapira kupfuura uchi,+ uchi hunoyerera huchibva mumazinga. 11  Mushumiri wenyu anoyambirwa nayo;+Kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.+ 12  Ndiani angaziva zvikanganiso zvake?+ Ndiregerereiwo pazvivi zvandisingazivi kuti ndakaita. 13  Uye dzorai muranda wenyu kuti arege kuita mabasa ekuzvikudza;+Musaarega achindikunda.+ Ndichabva ndava akakwana,+Uye ndichange ndisina mhosva yezvivi zviri pachena.* 14  Mashoko emuromo wangu nekufungisisa kwemwoyo wanguNgazvikufadzei,+ haiwa Jehovha, Dombo rangu+ neMudzikinuri wangu.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Nzvimbo huru inozivisa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “tambo yazvo yekuyeresa inosvika.”
Kana kuti “enyika inobereka.”
Kana kuti “mweya.”
Kana kuti “yezvitadzo zvakawanda.”