Mapisarema 90:1-17
Munyengetero waMozisi, munhu waMwari wechokwadi.+
90 Haiwa Jehovha, magara muri nzvimbo yedu yekugara*+ kwezvizvarwa nezvizvarwa.
2 Makomo asati aberekwa,Kana kuti musati masika pasi pano nenyika yese,+Muri Mwari kubvira nariini kusvikira nariini.+
3 Munoita kuti munhu adzokere kuguruva;Munoti: “Dzokerai, imi vanakomana vevanhu.”+
4 Nekuti kwamuri makore ane chiuru akaita sezuva razuro parinenge rapfuura,+Senguva yekurinda yeusiku.
5 Munovatsvaira voenda;+ vanoita sehopewo zvadzo;Mangwanani vakaita seuswa hunotungira.+
6 Mangwanani hunotumbuka, hwochinja,Asi manheru hunosvava hwooma.+
7 Nekuti tinopera nekushatirwa kwenyu+Uye tinotyiswa nehasha dzenyu.
8 Munoisa kukanganisa kwedu pamberi penyu;*+Zvatakavanza zvinobudiswa pachena nechiedza chechiso chenyu.+
9 Mazuva edu anopera* nekuda kwekushatirwa kwenyu;Uye makore edu anopera sezevezeve.*
10 Tinorarama makore 70,Kana kuti 80,+ kana munhu akati simbei.
Asi akazara nematambudziko nekusuwa;Anokurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.+
11 Ndiani anogona kunzwisisa simba rekushatirwa kwenyu?
Kukura kwehasha dzenyu kunoenderana nekutyiwa kwamakakodzera.+
12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu+Kuti tive nemwoyo wakachenjera.
13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Izvi zvicharamba zvakadai kusvikira riini?+
Nzwirai tsitsi vashumiri venyu.+
14 Tigutsei mangwanani nerudo rwenyu rusingachinji,+Kuti tipembere nemufaro uye tifare+ mazuva edu ese.
15 Itai kuti tifare zvinoenderana nemazuva amakatitambudza,+Zvinoenderana nemakore atakaona nhamo.+
16 Vashumiri venyu ngavaone basa renyu,Uye vanakomana vavo ngavaone kubwinya kwenyu.+
17 Nyasha dzaJehovha Mwari wedu ngadzive patiri;Itai kuti basa remaoko edu ribudirire.*
Chokwadi, itai kuti basa remaoko edu ribudirire.*+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo yedu yekupotera.”
^ Kana kuti “Munoziva kukanganisa kwedu.”
^ Kana kuti “Upenyu hwedu hunopera.”
^ Kana kuti “sebefu.”
^ Kana kuti “rinyatsosimba.”
^ Kana kuti “rinyatsosimba.”