Mapisarema 90:1-17

  • Mwari wekusingaperi uye munhu anorarama kwenguva diki

    • Makore ane chiuru sezuva razuro (4)

    • Munhu anorarama makore 70 kusvika ku80 (10)

    • “Tidzidzisei kuverenga mazuva edu” (12)

Munyengetero waMozisi, munhu waMwari wechokwadi.+ 90  Haiwa Jehovha, magara muri nzvimbo yedu yekugara*+ kwezvizvarwa nezvizvarwa.   Makomo asati aberekwa,Kana kuti musati masika pasi pano nenyika yese,+Muri Mwari kubvira nariini kusvikira nariini.+   Munoita kuti munhu adzokere kuguruva;Munoti: “Dzokerai, imi vanakomana vevanhu.”+   Nekuti kwamuri makore ane chiuru akaita sezuva razuro parinenge rapfuura,+Senguva yekurinda yeusiku.   Munovatsvaira voenda;+ vanoita sehopewo zvadzo;Mangwanani vakaita seuswa hunotungira.+   Mangwanani hunotumbuka, hwochinja,Asi manheru hunosvava hwooma.+   Nekuti tinopera nekushatirwa kwenyu+Uye tinotyiswa nehasha dzenyu.   Munoisa kukanganisa kwedu pamberi penyu;*+Zvatakavanza zvinobudiswa pachena nechiedza chechiso chenyu.+   Mazuva edu anopera* nekuda kwekushatirwa kwenyu;Uye makore edu anopera sezevezeve.* 10  Tinorarama makore 70,Kana kuti 80,+ kana munhu akati simbei. Asi akazara nematambudziko nekusuwa;Anokurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.+ 11  Ndiani anogona kunzwisisa simba rekushatirwa kwenyu? Kukura kwehasha dzenyu kunoenderana nekutyiwa kwamakakodzera.+ 12  Tidzidzisei kuverenga mazuva edu+Kuti tive nemwoyo wakachenjera. 13  Dzokai, haiwa Jehovha!+ Izvi zvicharamba zvakadai kusvikira riini?+ Nzwirai tsitsi vashumiri venyu.+ 14  Tigutsei mangwanani nerudo rwenyu rusingachinji,+Kuti tipembere nemufaro uye tifare+ mazuva edu ese. 15  Itai kuti tifare zvinoenderana nemazuva amakatitambudza,+Zvinoenderana nemakore atakaona nhamo.+ 16  Vashumiri venyu ngavaone basa renyu,Uye vanakomana vavo ngavaone kubwinya kwenyu.+ 17  Nyasha dzaJehovha Mwari wedu ngadzive patiri;Itai kuti basa remaoko edu ribudirire.* Chokwadi, itai kuti basa remaoko edu ribudirire.*+

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo yedu yekupotera.”
Kana kuti “Munoziva kukanganisa kwedu.”
Kana kuti “Upenyu hwedu hunopera.”
Kana kuti “sebefu.”
Kana kuti “rinyatsosimba.”
Kana kuti “rinyatsosimba.”