Mapisarema 128:1-6

  • Mufaro unobva pakutya Jehovha

    • Mudzimai akaita semuzambiringa unobereka (3)

    • “Dai ukaona kubudirira kweJerusarema” (5)

Rwiyo Rwekukwidza. 128  Anofara munhu wese anotya Jehovha,+Anofamba munzira dzake.+   Uchadya zvawakashandira nemaoko ako. Uchafara uye uchabudirira.+   Mudzimai wako achaita semuzambiringa unobereka zvakawanda mumba mako;+Vanakomana vako vachaita senhungirwa dzemuti wemuorivhi vakatenderedza tafura yako.   Onai! Uku ndiko kukomborerwa kuchaitwa murumeAnotya Jehovha.+   Jehovha achakukomborera ari muZiyoni. Dai ukaona kubudirira kweJerusarema mazuva ese eupenyu hwako,+   Woona vanakomana vevanakomana vako. Israeri ngaave nerugare.

Mashoko Emuzasi