Mapisarema 128:1-6
Rwiyo Rwekukwidza.
128 Anofara munhu wese anotya Jehovha,+Anofamba munzira dzake.+
2 Uchadya zvawakashandira nemaoko ako.
Uchafara uye uchabudirira.+
3 Mudzimai wako achaita semuzambiringa unobereka zvakawanda mumba mako;+Vanakomana vako vachaita senhungirwa dzemuti wemuorivhi vakatenderedza tafura yako.
4 Onai! Uku ndiko kukomborerwa kuchaitwa murumeAnotya Jehovha.+
5 Jehovha achakukomborera ari muZiyoni.
Dai ukaona kubudirira kweJerusarema mazuva ese eupenyu hwako,+
6 Woona vanakomana vevanakomana vako.
Israeri ngaave nerugare.