Mapisarema 65:1-13
Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.
65 Kurumbidzwa kwakakumirirai muZiyoni, haiwa Mwari;+Ticharipa mhiko dzedu kwamuri.+
2 Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.+
3 Zvitadzo zvangu zvandipedza simba,+Asi imi munofukidza kudarika kwedu.+
4 Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyoKuti agare muzvivanze zvenyu.+
Tichagutswa nekunaka kweimba yenyu,+Temberi yenyu tsvene.*+
5 Muchatipindura nemabasa enyu anoshamisa+ ekururama,Haiwa Mwari weruponeso rwedu;Vanhu vese vepanyika vanovimba nemi+Nevaya vari kure mhiri kwemakungwa.
6 Makasimbisa makomo nesimba renyu;Makapfeka simba guru.+
7 Munodzikamisa hasha dzegungwa,+Kurovera kunoita masaisai aro uye nyonganyonga yemarudzi.+
8 Vanogara kure kure vachashamiswa nezviratidzo zvenyu;+Muchaita kuti vaya vanogara kumabvazuva nekumavirira vapembere nemufaro.
9 Munochengeta nyika,Muchiita kuti ibereke zvakawanda* uye kuti ipfume.+
Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura;Munoita kuti vawane zviyo,*+Nekuti ndiwo magadziriro amakaita nyika.
10 Munozadza miforo yayo nemvura, moenzanisa ivhu rayo rakarimwa;Munoipfavisa nemvura inopfunha; munokomborera zvinokura pairi.+
11 Munopedzisa gore nekuripfekedza korona yekunaka kwenyu;Makwara enyu anofashukira nezvinhu zvakawanda.*+
12 Mafuro emusango anoramba achidonha mvura,+Uye zvikomo zvakapfekedzwa mufaro.+
13 Mafuro akazara nezvipfuwo,Uye mapani akafukidzwa nezviyo.+
Zvinopemberera zvichifara, chokwadi, zvinoimba.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nzvimbo yenyu tsvene.”
^ ChiHeb., “muchiita kuti ifashukire.”
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
^ ChiHeb., “anoyerera nemafuta.”