Mapisarema 129:1-8

  • Kurwiswa asi vasingakundwi

    • Vavengi veZiyoni vanonyadziswa (5)

Rwiyo Rwekukwidza. 129  “Vaigara vachindirwisa kubvira ndichiri mudiki,”+Israeri ngaati,   “Vaigara vachindirwisa kubvira ndichiri mudiki;+Asi havana kundikunda.+   Varimi vakarima vachipfuura nepamusana wangu;+Vakarebesa miforo yavo.”   Asi Jehovha akarurama;+Akadimbura tambo dzevakaipa.+   Vachanyadziswa uye vachadzokera vachinyara,Vese vanovenga Ziyoni.+   Vachaita seuswa huri pamatenga edzimba,Hunooma husati hwadzurwa,   Husingambozadzi ruoko rwemukohwiKana maoko emunhu ari kusunga zvisote.   Vaya vanenge vachipfuura havazotauri kuti: “Chikomborero chaJehovha ngachive pamuri;Tinokukomborerai muzita raJehovha.”

Mashoko Emuzasi