Mapisarema 129:1-8
-
Kurwiswa asi vasingakundwi
-
Vavengi veZiyoni vanonyadziswa (5)
-
Rwiyo Rwekukwidza.
129 “Vaigara vachindirwisa kubvira ndichiri mudiki,”+Israeri ngaati,
2 “Vaigara vachindirwisa kubvira ndichiri mudiki;+Asi havana kundikunda.+
3 Varimi vakarima vachipfuura nepamusana wangu;+Vakarebesa miforo yavo.”
4 Asi Jehovha akarurama;+Akadimbura tambo dzevakaipa.+
5 Vachanyadziswa uye vachadzokera vachinyara,Vese vanovenga Ziyoni.+
6 Vachaita seuswa huri pamatenga edzimba,Hunooma husati hwadzurwa,
7 Husingambozadzi ruoko rwemukohwiKana maoko emunhu ari kusunga zvisote.
8 Vaya vanenge vachipfuura havazotauri kuti:
“Chikomborero chaJehovha ngachive pamuri;Tinokukomborerai muzita raJehovha.”