Mapisarema 31:1-24
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
31 Ndakapotera kwamuri, haiwa Jehovha.+
Itai kuti ndisanyadziswa.+
Ndinunurei nekuti makarurama.+
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.*
Kurumidzai kundinunura.+
Ivai nzvimbo yangu yekupotera iri pagomo,Nzvimbo yakasimba inondiponesa.+
3 Nekuti muri ibwe rangu nenhare yangu;+Muchanditungamirira uye muchandiratidza nzira nekuda kwezita renyu.+
4 Muchandibvisa mumambure avakanditeya nawo pandisingaoni,+Nekuti muri nhare yangu.+
5 Ndinoisa mweya wangu* muruoko rwenyu.+
Makandidzikinura, haiwa Jehovha, Mwari anotaura chokwadi.*+
6 Ndinovenga vaya vakazvipira kuzvidhori zvisingabatsiri, zvisina maturo,Asi kana ndiri ini, ndinovimba naJehovha.
7 Ndichafara zvikuru nerudo rwenyu rusingachinji,Nekuti makaona kutambudzika kwangu;+Munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.*
8 Hamuna kundiisa muruoko rwemuvengi,Asi munoita kuti ndimire munzvimbo isina njodzi.*
9 Ndinzwireiwo nyasha Jehovha, nekuti ndiri kutambudzika.
Kurwadziwa zvakanyanya kwaita kuti maziso angu ashaye simba,+ nemuviri wangu wese.+
10 Upenyu hwangu huri kupera neshungu+Uye makore angu ari kupera nekugomera.+
Simba rangu riri kupera nemhaka yechivi changu;Mapfupa angu ari kupera simba.+
11 Ndinotukwa nevavengi vangu,+Kunyanya vavakidzani vangu.
Uye ndava kutyiwa nevanhu vekuziva;Pavanondiona paruzhinji, vanonditiza.+
12 Handisisiri mumwoyo mavo* uye ndakanganwika, sekunge ndakafa;Ndava kunge mudziyo wakaputsika;
13 Ndakanzwa mashoko akaipa akawanda ari kutaurwa nevanhu;Ndakakombwa nezvinotyisa.+
Pavanondiunganira vese pamwe chete,Vanoronga kuti vaparadze upenyu hwangu.*+
14 Asi ini ndinovimba nemi, haiwa Jehovha.+
Ndinoti: “Ndimi Mwari wangu.”+
15 Mazuva angu ari muruoko rwenyu.
Ndinunurei paruoko rwevavengi vangu nepavanhu vari kunditambudza.+
16 Itai kuti chiso chenyu chipenye pamushumiri wenyu.+
Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji.
17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa pandinodana kwamuri.+
Vakaipa ngavanyadziswe;+Ngavanyararidzwe muGuva.*+
18 Miromo yenhema ngaishayiwe chekutaura,+Miromo inotaura nezvevakarurama ichizvikudza, ichizvitutumadza uye ichizvidza.
19 Kunaka kwenyu kwakakura zvechokwadi!+
Makakuchengetera vaya vanokutyai,+Uye makakuratidza pamberi pevanhu vese, muchiitira vaya vanopotera kwamuri.+
20 Muchavavanza munzvimbo yenyu yakavanda+Kuti vasarongerwa zvakaipa nevanhu;Muchavaviga mutende renyuKuti vasarwiswa zveutsinye.*+
21 Jehovha ngaarumbidzwe,Nekuti akandiratidza rudo rusingachinji+ nenzira inoshamisa muguta rakakombwa.+
22 Kana ndiri ini, ndakatanga kutya ndikati:
“Ndichaparara pamberi penyu.”+
Asi makanzwa kuteterera kwangu pandaichema kwamuri kuti mundibatsire.+
23 Idai Jehovha, imi mese vakavimbika kwaari!+
Jehovha anochengetedza vakatendeka,+Asi anonyatsotsiva munhu wese anoratidza kuzvikudza.+
24 Shingai, uye mwoyo yenyu ngaisimbe,+Imi mese muri kumirira Jehovha.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Kotamai mundinzwewo.”
^ Kana kuti “simba rangu reupenyu.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Mwari akatendeka.”
^ Kana kuti “zvinonetsa mweya wangu.”
^ Kana kuti “munzvimbo yakakura.”
^ Kana kuti “mupfungwa dzavo.”
^ Kana kuti “mweya wangu.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Kuti vanhu vasakakavadzana navo.”