Mapisarema 141:1-10

  • Munyengetero wekukumbira kudzivirirwa

    • “Munyengetero wangu ngauite serusenzi” (2)

    • Kutsiura kwemunhu akarurama kwakaita semafuta (5)

    • Vakaipa vanowira mumambure avo (10)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 141  Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri.+ Kurumidzai kuuya kuzondibatsira.+ Teererai pandinodana kwamuri.+   Munyengetero wangu ngauite serusenzi+ yagadzirwa pamberi penyu,+Maoko angu akasimudzwa ngaave semupiro wezviyo* wemanheru.+   Isai murindi pamuromo wangu, haiwa Jehovha,Isai murindi pasuo remiromo yangu.+   Musarega mwoyo wangu uchirerekera kuzvinhu zvakaipa,+Kuti ndiite mabasa akaipa nevanhu vakaipa;Ngandirege kudya zvekudya zvavo zvinonaka.   Kana munhu akarurama akandirova, kunenge kuri kundiratidza mutsa;*+Kana akanditsiura, zvakafanana nemafuta mumusoro wangu,+Uye musoro wangu haumboarambi.+ Ndicharamba ndichinyengetera kunyange munguva yekutambudzika kwavo.   Kunyange vatongi vavo vakawisirwa pasi nepamawere,Vanhu vachateerera mashoko angu, nekuti anofadza.   Sezvinoita munhu paanorima achipunza-punza mavhinga,Ndiko kupararira kwaita mapfupa edu pamuromo weGuva.*   Asi maziso angu anotarisa kwamuri, haiwa Changamire Ishe Jehovha.+ Ndakapotera kwamuri. Musatora upenyu hwangu.*   Ndidzivirirei ndirege kubatwa nechiteyeso chavakanditeyera,Ndirege kubatwa nemisungo yevanoita zvakaipa. 10  Vakaipa vachawira pamwe chete mumambure avo,+Ini ndichipfuura pasina chinoitika kwandiri.

Mashoko Emuzasi

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “rudo rusingachinji.”
Kana kuti “weSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Musadurura mweya wangu.”