Mapisarema 141:1-10
Rwiyo rwaDhavhidhi.
141 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri.+
Kurumidzai kuuya kuzondibatsira.+
Teererai pandinodana kwamuri.+
2 Munyengetero wangu ngauite serusenzi+ yagadzirwa pamberi penyu,+Maoko angu akasimudzwa ngaave semupiro wezviyo* wemanheru.+
3 Isai murindi pamuromo wangu, haiwa Jehovha,Isai murindi pasuo remiromo yangu.+
4 Musarega mwoyo wangu uchirerekera kuzvinhu zvakaipa,+Kuti ndiite mabasa akaipa nevanhu vakaipa;Ngandirege kudya zvekudya zvavo zvinonaka.
5 Kana munhu akarurama akandirova, kunenge kuri kundiratidza mutsa;*+Kana akanditsiura, zvakafanana nemafuta mumusoro wangu,+Uye musoro wangu haumboarambi.+
Ndicharamba ndichinyengetera kunyange munguva yekutambudzika kwavo.
6 Kunyange vatongi vavo vakawisirwa pasi nepamawere,Vanhu vachateerera mashoko angu, nekuti anofadza.
7 Sezvinoita munhu paanorima achipunza-punza mavhinga,Ndiko kupararira kwaita mapfupa edu pamuromo weGuva.*
8 Asi maziso angu anotarisa kwamuri, haiwa Changamire Ishe Jehovha.+
Ndakapotera kwamuri.
Musatora upenyu hwangu.*
9 Ndidzivirirei ndirege kubatwa nechiteyeso chavakanditeyera,Ndirege kubatwa nemisungo yevanoita zvakaipa.
10 Vakaipa vachawira pamwe chete mumambure avo,+Ini ndichipfuura pasina chinoitika kwandiri.
Mashoko Emuzasi
^ Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
^ Kana kuti “rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “weSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Musadurura mweya wangu.”