Mapisarema 14:1-7

  • Benzi rinorondedzerwa

    • “Jehovha haako” (1)

    • “Hapana ari kuita zvakanaka” (3)

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 14  Benzi rinoti mumwoyo maro:* “Jehovha haako.”+ Zviito zvavo zvakaipa, uye mabasa avo anosemesa;Hapana ari kuita zvakanaka.+   Asi Jehovha anotarisa vanakomana vevanhu ari kudengaKuti aone kana paine munhu ane njere, kana paine munhu ari kutsvaga Jehovha.+   Vese vakatsauka;+Vese vanongova neuori. Hapana ari kuita zvakanaka,Kana mumwe chete zvake.   Hapana kana anonzwisisa here pavanhu vanoita zvakaipa? Vanodya vanhu vangu sekunge vari kudya chingwa. Havadani kuna Jehovha.   Asi vachabatwa nekutya kukuru,+Nekuti Jehovha ari pakati pechizvarwa chevakarurama.   Imi vakaipa munoedza kuvhiringidza zvirongwa zvemunhu akaderera,Asi Jehovha ndiye nzvimbo yake yekupotera.+   Dai ruponeso rwaIsraeri rwabva muZiyoni!+ Jehovha paanodzosa vanhu vake vakatapwa,Jakobho ngaafare, Israeri ngaapemberere.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Munhu asina njere anoti mumwoyo make.”