Mapisarema 69:1-36
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Rwiyo rwaDhavhidhi.
69 Ndiponesei, haiwa Mwari, nekuti mvura yava kuda kundiuraya.*+
2 Ndanyura mumatope akadzika, musina pakaoma.+
Ndapinda mumvura yakadzika,Uye rukova runoyerera zvine simba rwanditora.+
3 Ndaneta nekushevedzera;+Inzwi rangu rashoshoma.
Maziso angu aneta ndakamirira Mwari wangu.+
4 Vaya vanondivenga pasina chikonzero+Vakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu.
Vaya vanoda kundipfuudza,Vavengi vangu vanonyengera,* vawanda.
Ndakamanikidzwa kudzorera zvandakanga ndisina kuba.
5 Haiwa Mwari, imi munoziva upenzi hwangu,Uye mhosva yangu haina kuvanzika kwamuri.
6 Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa pamusana pangu,Haiwa Changamire Ishe, Jehovha wemauto.
Vaya vanokutsvagai ngavarege kunyadziswa pamusana pangu,Haiwa Mwari waIsraeri.
7 Ndinozvidzwa nekuda kwenyu;+Kunyadziswa kunofukidza chiso changu.+
8 Ndava mutorwa kuhama dzangu,Mutorwa kuvanakomana vaamai vangu.+
9 Kushingairira imba yenyu kwandipedza,+Uye kuzvidza kwevaya vanokuzvidzai kwawira pandiri.+
10 Pandakazvininipisa ndichitsanya,*Ndakazvidzirwa izvozvo.
11 Pandakaita kuti masaga ave zvipfeko zvangu,Ndakabva ndava chiseko* chavo.
12 Ndava kungogara ndichirehwa nevaya vanogara pagedhi reguta,Zvidhakwa zvinoimba nezvangu munziyo dzazvo.
13 Asi munyengetero wangu ngauuye kwamuri,Haiwa Jehovha, panguva yakakodzera.+
Muukuru hwerudo rwenyu rusingachinji, haiwa Mwari,Ndipindurei nemabasa enyu eruponeso asingakundikani.+
14 Ndinunurei mumatope;Musandirega ndichinyura.
Ndinunurei pane vaya vanondivengaUye mumvura yakadzika.+
15 Musarega ndichitorwa nemvura yemafashamo ine simba,+Kana kurega ndichimedzwa nemvura yakadzika,Kana kurega tsime* richivhara muromo waro ndiri mukati.+
16 Ndipindureiwo Jehovha, nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakadzama.+
Tendeukirai kwandiri maererano netsitsi dzenyu huru,+
17 Uye musavanzira mushumiri wenyu chiso chenyu.+
Ndipindureiwo nekukurumidza, nekuti ndiri kutambudzika kwazvo.+
18 Uyai pedyo neni mundinunure;*Ndidzikinurei pavavengi vangu.
19 Munoziva kuzvidzwa kwangu nekunyadziswa kwangu.+
Munoona vavengi vangu vese.
20 Kuzvidzwa kwakakuvadza mwoyo wangu, uye ronda racho harirapiki.
Ndaitarisira kuti mumwe munhu andinzwire tsitsi, asi pakanga pasina,+Uye ndaitarisira vanyaradzi, asi ndakavashaya.+
21 Asi panzvimbo pezvekudya vakandipa muchetura,*+Uye pandainzwa nyota vakandipa vhiniga kuti ndinwe.+
22 Itai kuti tafura yavo ive musungo kwavari,Uye kubudirira kwavo kuve chinhu chinovateya.+
23 Maziso avo ngaave nerima kuti varege kuona,Uye itai kuti muhudyu mavo mugare muchidedera.
24 Dururirai kutsamwa kwenyu pavari,Hasha dzenyu huru ngadzivabate.+
25 Musasa wavo* ngauve dongo;Ngaparege kuva nemunhu anogara mumatende avo.+
26 Nekuti vanodzingirira uya wamakarova,Uye vanoramba vachirondedzera kurwadziwa kwevaya vamakakuvadza.
27 Wedzerai dzimwe mhosva pamhosva dzavo,Uye ngavarege kuva nemugove mukururama kwenyu.
28 Ngavadzimwe mubhuku revapenyu,*+Uye ngavarege kunyorwa pamwe chete nevakarurama.+
29 Asi ini ndiri kutambudzika uye ndiri kurwadziwa.+
Ndidzivirireiwo nesimba renyu rekuponesa, haiwa Mwari.
30 Ndichaimba ndichirumbidza zita raMwari,Uye ndichamukudza ndichimutenda.
31 Izvi zvichafadza Jehovha kupfuura kufadzwa kwaanoitwa nemikono yemombe,Kupfuura kufadzwa kwaanoitwa nemikono yemombe midiki ine nyanga nemahwanda.+
32 Vanyoro vachazviona vofara.
Imi muri kutsvaga Mwari, mwoyo yenyu ngaimuke.
33 Nekuti Jehovha ari kuteerera varombo,+Uye haazozvidzi vasungwa vake.+
34 Denga nenyika ngazvimurumbidze,+Makungwa nezvinhu zvese zvinofamba mazviri.
35 Nekuti Mwari achaponesa Ziyoni+Uye achavakazve maguta eJudha,Uye vachagara imomo voitora.*
36 Vana vevashumiri vake vachaigara nhaka,+Uye vaya vanoda zita rake+ vachagara mairi.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “yasvika kumweya wangu.”
^ Kana kuti “Vanondivenga pasina chikonzero.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Pandakachema ndikatsanya.”
^ ChiHeb., “chirevo.”
^ Kana kuti “gomba.”
^ Kana kuti “Uyai pedyo nemweya wangu muununure.”
^ Kana kuti “muti une muchetura.”
^ Kana kuti “Musasa wavo une rusvingo.”
^ Kana kuti “reupenyu.”
^ Kureva, nyika.

