Mapisarema 126:1-6
Rwiyo Rwekukwidza.
126 Jehovha paakadzosa nhapwa dzeZiyoni,+Takafunga kuti tiri kurota.
2 Panguva iyoyo miromo yedu yakazadzwa nekusekaUye rurimi rwedu nekushevedzera nemufaro.+
Panguva iyoyo vemamwe marudzi vakati:
“Jehovha avaitira zvinhu zvikuru.”+
3 Jehovha akatiitira zvinhu zvikuru,+Uye tiri kufara.
4 Dzosai vanhu vedu vakatapwa, haiwa JehovhaSehova dzemvura dziri muNegebhu.
5 Vaya vanodyara mbeu nemisodziVachakohwa vachishevedzera nemufaro.
6 Uya anoendaAkatakura saga rake rembeu, kunyange achichema,Achatodzoka achishevedzera nemufaro,+Akatakura zvisote zvake.+