Mapisarema 138:1-8

  • Kunyange zvazvo akakwirira, Mwari ane hanya

    • ‘Makapindura munyengetero wangu’ (3)

    • ‘Kunyange ndikafamba nepane njodzi, munondinunura’ (7)

Rwiyo rwaDhavhidhi. 138  Ndichakurumbidzai nemwoyo wangu wese.+ Ndichaimba ndichikurumbidzaiNdiri pamberi pevamwe vanamwari.*  2  Ndichakotama ndakatarisa kutemberi* yenyu tsvene,+Uye ndicharumbidza zita renyu+Nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji uye kutendeka kwenyu. Nekuti makakudza zvamakataura uye zita renyu kupfuura zvimwe zvinhu zvese.*  3  Pazuva randakashevedzera, makandipindura;+Makandishingisa* uye makandisimbisa.+  4  Madzimambo ese epanyika achakurumbidzai, haiwa Jehovha,+Nekuti achange anzwa vimbiso dzamakataura.  5  Achaimba nezvenzira dzaJehovha,Nekuti kubwinya kwaJehovha kukuru.+  6  Kunyange zvazvo Jehovha akakwirira, anocherechedza vanozvininipisa,+Asi vanozvikudza anongovaziva vari kure.+  7  Kunyange ndikafamba ndichipinda nepane njodzi, muchandichengetedza ndiri mupenyu.+ Munotambanudza ruoko rwenyu muchidzivisa hasha dzevavengi vangu;Ruoko rwenyu rwerudyi ruchandiponesa.  8  Jehovha achandiitira zvinhu zvese. Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runogara nekusingaperi;+Musakanganwa mabasa emaoko enyu.+

Mashoko Emuzasi

^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndisingatyi vamwe vanamwari, ndichakuridzirai rwiyo.”
^ Kana kuti “kunzvimbo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “makakudza zvamakataura kupfuura zita renyu rese.”
^ Kana kuti “Makashingisa mweya wangu.”